Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 27 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The daughters of Zelophehad son of Hepher, son of Gilead, son of Machir, son of Manasseh, from the clans of Manasseh son of Joseph, came forward. His daughters' names: Mahlah, Noah, Hoglah, Milcah, Tirzah. Vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, vakanga vari vemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa. Mazita avanasikana akanga ari: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiza.
2 They stood before Moses, before Eleazar the priest, before the leaders and the whole assembly, at the tent of meeting's entrance, and said: Vakasvika pamukova weTende Rokusangana vakamira pamberi paMozisi, naEreazari muprista, vatungamiri, neungano yose, vakati,
3 "Our father died in the wilderness. He was not among those who gathered against our Father with Korah's group; he died for his own sin, and had no sons. “Baba vedu vakafira murenje. Vakanga vasiri pakati pavateveri vaKora, avo vakabatana pamwe chete kuti vamukire Jehovha, asi vakafira chivi chavowo vakasasiya vanakomana.
4 Why should our father's name disappear from his clan because he had no son? Give us property among our father's brothers." Ko, zita rababa vedu ragoshayikwa seiko pamhuri yavo, nokuti vakanga vasina mwanakomana here? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.”
5 So Moses brought their case before our Father. Saka Mozisi akasvitsa nyaya yavo pamberi paJehovha
6 And our Father said to Moses: Uye Jehovha akati kwaari,
7 "Zelophehad's daughters are right. Give them a hereditary portion among their father's brothers, and transfer their father's inheritance to them. “Zvinorehwa navanasikana vaZerofehadhi ndezvechokwadi. Zvirokwazvo unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo ugodzorera nhaka yababa vavo kwavari.
8 Say to the Israelites: If a man dies without a son, transfer his inheritance to his daughter. “Uti kuvaIsraeri, ‘Kana murume akafa akasasiya mwanakomana, munofanira kudzorera nhaka yake kumwanasikana wake.
9 If he has no daughter, you are to give his inheritance to his brothers. Kana asina mwanasikana, mupe nhaka yake kumadzikoma ake kana vanunʼuna vake.
10 If he has no brothers, you are to give his inheritance to his father's brothers. Kana asina madzikoma kana vanunʼuna, mupe nhaka yake kuvanunʼuna kana madzikoma ababa vake.
11 If his father has no brothers, give his inheritance to his nearest relative in his clan, who is to possess it. This is a legal statute for the Israelites, as our Father commanded Moses." Kana baba vake vasina madzikoma kana vanunʼuna, mupe nhaka yake kuhama yepedyo yomumhuri yake, kuti ive yake. Uyu unofanira kuva mutemo kuvaIsraeri, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.’ ”
12 Then our Father said to Moses, "Go up Mount Abarim and see the land I've given the Israelites. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira pamusoro pegomo iri romuAbharimi ugoona nyika yandakapa vaIsraeri.
13 When you see it, you too will be gathered to your people, as Aaron your brother was gathered, Mushure mokunge waona, newewo uchasanganiswa navanhu vokwako, sezvakaita Aroni mukoma wako,
14 because you rebelled against my command in the wilderness of Zin, during the congregation's quarrel, to honor me as holy at the water before their eyes—the water of Meribah of Kadesh, wilderness of Zin." nokuti ungano payakandimukira pamvura yomuRenje reZini, mose muri vaviri hamuna kuteerera murayiro wangu kuti mundiremekedze somutsvene pamberi pavo.” (Iyi ndiyo mvura yapaMeribha Kadheshi, muRenje reZini.)
15 Moses spoke to our Father, saying: Mozisi akati kuna Jehovha,
16 "May the Father of the spirits of all flesh appoint a man over the congregation, “Jehovha, Mwari wemweya yamarudzi ose avanhu, ngaagadze murume pamusoro peungano iyi
17 who goes out before them and comes in before them, who leads them out and brings them in, so our Father's assembly will not be like sheep without a shepherd." kuti abude nokupinda pamberi pavo, uyo achavabudisa nokuvapinza, kuti vanhu vaJehovha varege kuva samakwai asina mufudzi.”
18 So our Father told Moses, "Take Joshua son of Nun, a man with the Spirit of our Father in him, and lay your hand on him. Saka Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora Joshua mwanakomana waNuni, murume ano mweya maari, ugoisa ruoko rwako pamusoro pake.
19 Have him stand before Eleazar the priest and the whole assembly, and commission him before their eyes. Unofanira kumumisa pamberi paEreazari muprista napamberi peungano yose ugomurayira pamberi pavo.
20 Give him some of your authority, so that the whole congregation of the Israelites will obey him. Umupe rimwe simba rako kuti ungano yose yavaIsraeri igomuteerera.
21 He will stand before Eleazar the priest, who will consult the Urim's judgment for him before our Father. At Eleazar's word they will go out, at his word come in—he, all the Israelites with him, the whole congregation." Anofanira kumira pamberi paEreazari muprista, uyo achamubvunzira pamberi paJehovha nokutonga kweUrimi. Pakurayira kwake, vanofanira kubuda iye neungano yose yavaIsraeri uye pakurayira kwake ivo vachapinda.”
22 Moses obeyed our Father's command: he took Joshua and stood him before Eleazar the priest and the entire assembly. Mozisi akaita sezvaakarayirwa naJehovha. Akatora Joshua akamumisa pamberi paEreazari muprista napamberi peungano yose.
23 He laid his hands on him and commissioned him, as our Father had spoken through Moses. Ipapo akaisa maoko ake pamusoro pake akamurayira, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]