Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 26 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After the plague, our Father said to Moses and to Eleazar son of Aaron the priest, Shure kwedenda Jehovha akati kuna Mozisi naEreazari mwanakomana waAroni, muprista,
2 "take a census of the whole Israelite community by ancestral house, everyone twenty and older able to serve in Israel's army." “Verengai ungano yose yavaIsraeri nemhuri dzavo, vose vana makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo yaIsraeri.”
3 Moses and Eleazar the priest spoke with them on the plains of Moab, by the Jordan across from Jericho: Saka Mozisi naEreazari muprista vakataura navo pamapani eMoabhu paJorodhani nechokumhiri kweJeriko vakati,
4 "Count the people twenty years old and up, as our Father commanded Moses." These were Israel's people who came from the land of Egypt: “Verengai varume vana makore makumi maviri kana anodarika, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.” Ava ndivo vaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti:
5 Reuben, Israel's firstborn. Sons of Reuben: Hanoch, clan of the Hanochites; Pallu, clan of the Palluites, Zvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri zvaiva: Hanoki, kwakabva mhuri yaHanoki; Paru, kwakabva mhuri yaParu;
6 of Hezron, the clan of the Hezronites; of Carmi, the clan of the Carmites. Hezironi, kwakabva mhuri yaHezironi; Kami, kwakabva mhuri yaKami.
7 These are the clans of the Reubenites; they numbered 43,730. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaRubheni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvitatu, namazana manomwe ana makumi matatu.
8 The sons of Pallu: Eliab. Mwanakomana waParu akanga ari Eriabhi,
9 Eliab's sons: Nemuel, Dathan, and Abiram—the same Dathan and Abiram, community representatives who challenged Moses and Aaron in Korah's assembly, when they challenged our Father. uye vanakomana vaEriabhi vakanga vari Nemueri, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu ndivo vatungamiri veungano vaya vakamukira Mozisi naAroni uye vakanga vari pakati pavateveri vaKora pavakamukira Jehovha.
10 The earth opened its mouth and swallowed them and Korah, when the company died and the fire consumed 250 men—they became a warning. Nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza pamwe chete naKora, boka iroro parakafa, moto pawakaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu. Uye ivo vakava chiratidzo cheyambiro.
11 But the sons of Korah did not die. Kunyange zvakadaro, rudzi rwaKora haruna kuparara.
12 Simeon's sons by clan: Nemuel's, the Nemuelite clan; Jamin's, the Jaminite clan; Jachin's, the Jachinite clan, Zvizvarwa zvaSimeoni nemhuri dzavo zvaiva: Nemueri kwakabva mhuri yavaNemueri; Jamini, kwakabva mhuri yavaJamini; Jakini, kwakabva mhuri yavaJakini;
13 of Zerah, the clan of the Zerahites; of Shaul, the clan of the Shaulites. Zera, kwakabva mhuri yavaZera; Shauri kwakabva mhuri yavaShauri.
14 These are the clans of the Simeonites: 22,200. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaSimeoni; pakanga pane varume zviuru makumi maviri nezviviri namazana maviri.
15 Gad's sons by clan: Zephon's clan, the Zephonites; Haggi's clan, the Haggites; Shuni's clan, the Shunites, Zvizvarwa zvaGadhi nemhuri dzavo zvaiva: Zofani, kwakabva mhuri yavaZofani; Hagi, kwakabva mhuri yavaHagi; Shumi, kwakabva mhuri yavaShumi;
16 of Ozni, the clan of the Oznites; of Eri, the clan of the Erites; Ozini, kwakabva mhuri yavaOzini; Eri, kwakabva mhuri yavaEri;
17 of Arod, the clan of the Arodites; of Areli, the clan of the Arelites. Arodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi; Areri kwakabva mhuri yavaAreri.
18 These are the clans of the sons of Gad as they were numbered: 40,500. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaGadhi; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana, namazana mashanu.
19 Judah's sons were Er and Onan; Er and Onan died in the land of Canaan. Eri naOnani vakanga vari vanakomana vaJudha, asi vakafira muKenani.
20 Judah's sons by clan: from Shelah, Shelanite clan; from Perez, Perezite clan; from Zerah, Zerahite clan. Zvizvarwa zvaJudha nemhuri dzavo zvaiva: Shera, kwakabva mhuri yavaSherani; Perezi, kwakabva mhuri yavaPerezi; Zera, kwakabva mhuri yavaZera;
21 Perez's sons: Hezron, clan of the Hezronites; Hamul, clan of the Hamulites. Zvizvarwa zvaPerezi zvaiva: Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; Hamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri.
22 These are the clans of Judah as they were numbered: 76,500. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaJudha; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi manomwe nezvitanhatu, namazana mashanu.
23 Issachar's sons by clan: Tola, clan of the Tolaites; Puvah, clan of the Punites, Zvizvarwa zvaIsakari nemhuri dzavo zvaiva: Tora, kwakabva mhuri yavaTora; Pua kwakabva mhuri yavaPua;
24 of Jashub, the clan of the Jashubites; of Shimron, the clan of the Shimronites. Jashubhi kwakabva mhuri yavaJashubhi; Shimironi kwakabva mhuri yavaShimironi.
25 These are the clans of Issachar as they were numbered: 64,300. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaIsakari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana matatu.
26 Zebulun's sons by clan: from Sered, the Seredite clan; from Elon, the Elonite clan; from Jahleel, the Jahleelite clan. Zvizvarwa zvaZebhuruni nemhuri dzavo zvaiva: Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi; Eroni, kwakabva mhuri yavaEroni; Jareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri.
27 These are the clans of the Zebulunites as they were numbered: 60,500. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu, namazana mashanu.
28 The sons of Joseph according to their clans were Manasseh and Ephraim. Zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo kubudikidza naManase naEfuremu zvakanga zvakadai:
29 Manasseh's sons: Machir's clan, the Machirites; Machir fathered Gilead; Gilead's clan, the Gileadites. Zvizvarwa zvaManase: Makiri kwakabva mhuri yavaMakiri (Makiri akanga ari baba vaGireadhi); Gireadhi kwakabva mhuri yavaGireadhi.
30 Sons of Gilead: Iezer, clan of Iezerites; Helek, clan of Helekites, Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaGireadhi: Iezeri, kwakabva mhuri yaIezeri; Hereki, kwakabva mhuri yavaHereki;
31 and of Asriel, the clan of the Asrielites; and of Shechem, the clan of the Shechemites; Asirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri; Shekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu;
32 and of Shemida, the clan of the Shemidaites; and of Hepher, the clan of the Hepherites. Shemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; Heferi, kwakabva mhuri yavaHeferi.
33 Zelophehad son of Hepher had no sons, only daughters: Mahlah, Noah, Hoglah, Milcah, and Tirzah. (Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana; akanga achingova navanasikana bedzi, mazita avo aiva: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiriza.)
34 These are the clans of Manasseh; they numbered 52,700. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaManase; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezviviri, namazana manomwe.
35 These are Ephraim's descendants by family: Shuthelah, family of the Shuthelahites; Becher, family of the Becherites; Tahan, family of the Tahanites. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEfuremu nemhuri dzavo: Shutera, kwakabva mhuri yaShutera; Bhekeri, kwakabva mhuri yaBhekeri; Tahani, kwakabva mhuri yaTahani.
36 And these are the sons of Shuthelah: of Eran, the clan of the Eranites. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaShutera: Erani, kwakabva mhuri yaErani.
37 These are the clans of Ephraim's sons, by their count: 32,500. These are Joseph's sons by their clans. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaEfuremu; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo.
38 Benjamin's sons by clan: Bela, clan of the Belaites; Ashbel, clan of the Ashbelites; Ahiram, clan of the Ahiramites, Zvizvarwa zvaBhenjamini nemhuri dzavo zvaiva: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; Ashibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; Ahiramu, kwakabva mhuri yaAhiramu;
39 of Shephupham, the clan of the Shuphamites; of Hupham, the clan of the Huphamites. Shufami, kwakabva mhuri yavaShufami; Hufami, kwakabva mhuri yavaHufami.
40 Bela's sons: Ard and Naaman—from Ard, the Ardite clan; from Naaman, the Naamite clan. Zvizvarwa zvaBhera kubudikidza naAradhi naNaamani zvaiva: Aradhi, kwakabva mhuri yavaAradhi; Naamani, kwakabva mhuri yavaNaamani.
41 These are the sons of Benjamin by their clans; they numbered 45,600. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaBhenjamini; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu.
42 These were Dan's sons by clan: from Shuham, the Shuhamite clan. These were Dan's clans by clan. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaDhani nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaDhani:
43 All the clans of the Shuhamites numbered 64,400. Vose vakanga vari vemhuri yaShuhami; uye vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana mana.
44 Asher's sons by clan: Imnah, clan of the Imnites; Ishvi, clan of the Ishvites; Beriah, clan of the Beriites. Zvizvarwa zvaAsheri nemhuri dzavo zvaiva: Imina, kwakabva mhuri yavaImina; Ishivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; Bheria, kwakabva mhuri yavaBheria;
45 Sons of Beriah: Heber, clan of Heberites; Malchiel, clan of Malchielites. uye kubudikidza nezvizvarwa zvavaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; Marikieri, kwakabva mhuri yavaMarikieri.
46 Asher had a daughter named Serah. Asheri akanga ane mwanasikana ainzi Sera.
47 These are the clans of the sons of Asher as they were numbered: 53,400. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaAsheri; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.
48 Naphtali's sons by clan: Jahzeel, clan of Jahzeelites; Guni, clan of Gunites, Zvizvarwa zvaNafutari nemhuri dzavo zvaiva: Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeeri; Guni, kwakabva mhuri yavaGuni;
49 of Jezer, the clan of the Jezerites; of Shillem, the clan of the Shillemites. Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; Shiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi.
50 These are the clans of Naphtali; they numbered 45,400. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaNafutari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana mana.
51 This was the total number of the people of Israel: 601,730. Uwandu hwavarume veIsraeri hwaisvika zviuru mazana matanhatu nechimwe, namazana manomwe ana makumi matatu.
52 Then our Father said to Moses, Jehovha akati kuna Mozisi,
53 "Among these the land is to be divided for inheritance according to the number of names. “Nyika inofanira kugoverwa kwavari senhaka zvichienderana namazita akaverengwa.
54 Give the larger group more land, the smaller less—each share sized to its census count. Kuna vaya vanenge vakawanda, unofanira kuvapa nhaka huru, vashoma unovapa nhaka duku; mhuri imwe neimwe inofanira kupiwa zvakaenzana nouwandu hwokuverengwa kwavo.
55 But the land must be divided by lot; they will inherit according to their fathers' tribal names. Unofanira kuona kuti nyika yagoverwa nemijenya. Nhaka ichagoverwa mhuri imwe neimwe ichange iri maererano namazita orudzi rwamadzitateguru avo.
56 Their inheritance is to be apportioned by lot between the larger and the smaller." Nhaka imwe neimwe inofanira kugoverwa nemijenya pakati pemhuri huru nemhuri duku.”
57 These are the numbered Levites by their clans: Gershon's clan, the Gershonites; Kohath's clan, the Kohathites; Merari's clan, the Merarites. Ava ndivo vaRevhi vakaverengwa nemhuri dzavo: Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni; Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati; Merari, kwakabva mhuri yavaMerari.
58 Levi's clans: Libnite clan, Hebronite clan, Mahlite clan, Mushite clan, Korahite clan. Kohath fathered Amram. Ava ndivo vakanga vari mhuri dzaRevhi: mhuri yavaRibhini, mhuri yavaHebhuroni, mhuri yavaMari, mhuri yavaMushi, mhuri yavaKora. (Kohati akanga ari baba vaAmurami;
59 Amram's wife was named Jochebed, Levi's daughter, born to Levi in Egypt; she bore Amram Aaron, Moses, and their sister Miriam. zita romukadzi waAmurami rainzi Jokebhedhi, chizvarwa chaRevhi, akaberekwa kuvaRevhi muIjipiti. Akaberekera Amurami Aroni, Mozisi nehanzvadzi yake Miriamu.
60 And to Aaron were born Nadab and Abihu, Eleazar and Ithamar. Aroni ndiye akanga ari baba vaNadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari.
61 But Nadab and Abihu died when they offered unauthorized fire before our Father. Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pavakaita chipiriso nomoto usina kufanira pamberi paJehovha.)
62 The Levites counted numbered 23,000, every male a month old and up. They were not counted among the Israelites, since no inheritance was given them among the Israelites. Varume vose pakati pavaRevhi, vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa vaisvika zviuru makumi maviri nezvitatu. Havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavo.
63 Moses and Eleazar the priest counted these on the plains of Moab by the Jordan, across from Jericho. Ava ndivo vakaverengwa naMozisi naEreazari muprista pavakaverenga vaIsraeri pamapani eMoabhu paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko.
64 None of these had been counted by Moses and Aaron the priest in the wilderness of Sinai. Hapana kana mumwe wavo akanga ari pakati pavaya vakaverengwa naMozisi naAroni muprista, pavakaverenga vaIsraeri murenje reSinai.
65 For our Father had said of them, "They would surely die in the wilderness." None remained, except Caleb son of Jephunneh and Joshua son of Nun. Nokuti Jehovha akanga audza vaIsraeri avo kuti zvirokwazvo vaizofira murenje, uye hakuna kana mumwe wavo akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]