Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 25 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 While Israel lived in Shittim, the people began sexual sin with Moab's daughters. Panguva yakanga igere Israeri paShitimu, varume vakatanga kuita upombwe navakadzi vokuMoabhu,
2 They invited the people to their gods' sacrifices; the people ate and bowed to their gods. avo vakavakoka kuti vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo. Vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari ava.
3 So Israel joined himself to Baal of Peor, and the anger of our Father burned against Israel. Saka Israeri akabatana navo pakunamata Bhaari wePeori, uye kutsamwa kwaJehovha kukapfuta pamusoro pavo.
4 Our Father said to Moses, "Take all the people's leaders and execute them before me in daylight, so my burning anger turns away from Israel." Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora vatungamiri vose vavanhu ava, uvauraye uvaise pachena masikati machena pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kunotyisa kwaJehovha kudzorwe kubva pana Israeri.”
5 Moses told Israel's judges, "Each of you kill his men joined to Baal of Peor." Saka Mozisi akati kuvatongi veIsraeri, “Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuraya varume ava vari pakati penyu, avo vakazvibatanidza pakunamata Bhaari wePeori.”
6 Then an Israelite man brought a Midianite woman to his brothers in front of Moses and Israel's whole assembly, while they wept at the entrance of the tent of meeting. Ipapo mumwe murume muIsraeri akauyisa kumhuri yake mukadzi womuMidhiani pamberi paMozisi chaipo, ungano yose yaIsraeri pavakanga vachichema vari pamukova weTende Rokusangana.
7 Phinehas son of Eleazar, son of Aaron the priest, saw this, rose from the assembly, and took a spear in his hand. Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista, akati achizviona, akabva paungano, akatora pfumo muruoko rwake;
8 He followed the Israelite man into the chamber and pierced them both—the Israelite man and the woman, through her belly. Then the plague against the Israelites stopped. uye akatevera muIsraeri uyo mutende. Akavabaya vose vari vaviri nepfumo kamwe chete, rikabaya muIsraeri rikapfuurira kundobaya muviri womuMidhiani. Ipapo denda rakanga riri pamusoro pavaIsraeri rakaguma;
9 Those who died in the plague were 24,000. asi vose vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru makumi maviri nezvina.
10 Then our Father said to Moses, Jehovha akati kuna Mozisi,
11 "Phinehas son of Eleazar, son of Aaron the priest, has turned my anger from the Israelites by his zeal for my zeal among them, so I didn't destroy the Israelites in my zeal. “Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista adzora kutsamwa kwangu kubva pavaIsraeri; nokuti akanga ane shungu sedzangu nokuda kwokusakudzwa kwangu pakati pavo, saka handina kuzovaparadza neshungu dzangu.
12 Therefore say: I am giving him my covenant of peace. Naizvozvo umuudze kuti ndava kuita sungano yorugare naye.
13 He and his descendants after him will have a covenant of lasting priesthood, because he was passionate for me and made atonement for the Israelites." Iye nezvizvarwa zvake vachava nesungano youprista husingaperi, nokuti akanga ane shungu nokukudzwa kwaMwari wake, akayananisira vaIsraeri.”
14 The name of the Israelite killed with the Midianite woman was Zimri son of Salu, a Simeonite clan leader. Zita romuIsraeri akaurayiwa pamwe chete nomukadzi muMidhiani rainzi Zimuri mwanakomana waSaru, mutungamiri weimwe mhuri yaSimeoni.
15 The Midianite woman killed was named Cozbi, daughter of Zur, head of a clan in Midian. Uye zita romukadzi muMidhiani akaurayiwa rakanga richinzi Kozibhi, mwanasikana waZuri, mukuru weimwe mhuri yavaMidhiani.
16 Then our Father said to Moses, Jehovha akati kuna Mozisi,
17 "Treat the Midianites as enemies and strike them down, “Muone vaMidhiani savavengi uye mugovauraya,
18 for they are your enemies through their trickery, by which they tricked you in the matter of Peor, and of Cozbi, daughter of Midian's leader, their sister, struck down on the day of the plague over Peor." nokuti ivo vakakuonai savavengi pavakakunyengerai paPeori uye nehanzvadzi yavo Kozibhi, mwanasikana womutungamiri wavaMidhiani, iye mukadzi akaurayiwa pakauya denda nokuda kwePeori.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]