Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 24 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Balaam saw that it pleased our Father to bless Israel, so he did not seek omens as before, but turned toward the wilderness. Zvino Bharamu akati aona kuti zvinofadza Jehovha kuti aropafadze Israeri, haana kuzoita zvouroyi sepane dzimwe nguva, asi akaringisa chiso chake kurenje.
2 Balaam looked up and saw Israel camped tribe by tribe; then the Spirit of our Father came on him. Bharamu akati atarisa kunze akaona vaIsraeri vagere pamusasa, rudzi norudzi, Mweya waMwari wakauya pamusoro pake
3 He lifted his oracle and said: "The oracle of Balaam son of Beor, the oracle of the man whose eye is opened, uye akataura chirevo chake achiti: “Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, chirevo chaiye ana meso anonyatsoona,
4 the oracle of one who hears the words of our Father, who sees the vision of the Almighty, bowing down with eyes wide open: chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura.
5 How lovely are your tents, Jacob, your dwelling places, Israel! “Matende ako akanaka seiko, iwe Jakobho, nougaro hwako, iwe Israeri!
6 Like valleys stretching far, like gardens beside a river, like aloes our Father has planted, like cedars beside the waters. “Semipata, vakaita fararira, samapindu pedyo norwizi, segavakava rakasimwa naJehovha, s semisidhari pedyo nemvura.
7 Water will flow from his buckets, and his descendants will have abundant water. His king will be higher than Agag, and his kingdom will be exalted. Mvura ichayerera ichibva muzvirongo zvavo; mbeu dzavo dzichawana mvura yakawanda. “Mambo wavo achava mukuru kupinda Agagi; umambo hwavo huchasimudzirwa.
8 Our Father brings Israel out of Egypt; Israel is like the horns of the wild ox to them. Israel will devour the nations who oppose them, break their bones, and pierce them with arrows. “Mwari akavabudisa muIjipiti; vane simba renyati. Vanomedza ndudzi dzine hasha uye vanovhuna-vhuna mapfupa adzo; Vanovabaya nemiseve yavo.
9 He crouches, he lies down like a lion, like a lioness—who dares rouse him? Blessed are those who bless you, and cursed are those who curse you." Seshumba vanoti vhumba vagovata pasi, seshumbakadzi, ndianiko angashinga kuvamutsa? “Vose vanokuropafadza, ngavaropafadzwe uye vose vanokutuka, ngavatukwe!”
10 Balak's anger flared against Balaam, and he clapped his hands. Balak said to Balaam, "I called you to curse my enemies, but you've blessed them three times now! Ipapo kutsamwa kwaBharaki kwakapfuta pamusoro paBharamu. Akarova maoko ake pamwe chete akati kwaari, “Ndakakudanira kuzotuka vavengi vangu, asi wavaropafadza katatu kose aka.
11 Now flee home! I said I would richly honor you, but God has kept you from honor." Zvino chibva izvozvi uende kwako! Ndakati ndichakupa mubayiro wakaisvonaka, asi Jehovha akudzivisa kuti upiwe mubayiro.”
12 Balaam answered Balak, "Did I not tell the messengers you sent me, Bharamu akapindura Bharaki akati, “Ko, handina kutaurira nhume dzawakatuma kwandiri here kuti,
13 'Even if Balak gave me his house full of silver and gold, I couldn't go beyond my God's command to do good or bad on my own; I can only say what my God tells me'? ‘Kunyange dai Bharaki andipa muzinda wake wakazara nesirivha negoridhe, handaigona kuita chinhu nokuda kwangu, chakanaka kana chakaipa, kuti ndidarike murayiro waJehovha, uye kuti ndinofanira kutaura chete zvinenge zvataurwa naJehovha here’?
14 And now I am going back to my people. Come, let me warn you what this people will do to your people in the days to come." Zvino ndava kudzokera kuvanhu vokwangu, asi uya ndikuyambire zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva anouya.”
15 Then he lifted his oracle, saying: "Oracle of Balaam son of Beor, oracle of the man whose eye is opened, Ipapo akataura chirevo chake akati: “Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, chirevo chaiye anoona zvakajeka,
16 the oracle of one who hears the words of our Father, who knows the knowledge of the Most High, who sees the vision of the Almighty, bowing down with eyes wide open: chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, ano ruzivo runobva kuno Wokumusoro-soro, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura:
17 I see him, but not now; I gaze on him, but not near. A star will come out of Jacob, and a scepter will rise out of Israel; it will crush the brow of Moab and break down all the sons of Sheth. “Ndiri kumuoona, asi kwete iye zvino; ndinomuona, asi haasi pedyo. Nyeredzi ichabuda muna Jakobho; Tsvimbo youshe ichamera kubva muna Israeri. Achapwanya huma dzavaMoabhu, madehenya avanakomana vose vaSeti.
18 Edom will be conquered, and Seir, his enemies, will be conquered, while Israel grows strong. Edhomu achakundwa; Seiri, muvengi wake, achakundwa, asi Israeri achasimba.
19 One from Jacob will rule, and will destroy the survivors of the city." Mutongi achabuda muna Jakobho uye achaparadza vakasara veguta.”
20 Then Balaam saw Amalek, took up his message, and said: "Amalek was first among the nations, but his end is utter destruction." Ipapo Bharamu akaona Amareki uye akataura chirevo chake achiti: “Amareki akanga ari wokutanga pakati pendudzi, asi pakupedzisira achaparadzwa.”
21 He looked at the Kenite, took up his oracle, and said: "Your dwelling place is firm, your nest set in the rock. Ipapo akaona vaKeni uye akataura chirevo chake achiti: “Ugaro hwako hwakachengetedzeka, dendere rako rakavakwa padombo;
22 Yet Kain will be consumed when Asshur takes you away captive." asi imi vaKeni muchaparadzwa, Ashuri paachakutapai.”
23 He took up his oracle and said: "Who can live when God does this? Ipapo akataura chirevo chake akati: “Haiwa, ndianiko angararama kana Mwari akaita izvi?
24 Ships will come from the coasts of Kittim; they will afflict Asshur and afflict Eber, but they too will come to utter destruction." Zvikepe zvichauya zvichibva kumahombekombe eKitimu; zvichakunda Ashuri neEbheri, asi naizvowo zvichaparadzwa.”
25 Then Balaam rose and went back to his home, and Balak also went on his way. Ipapo Bharamu akasimuka akadzokera kunyika yake, uye Bharaki akaenda kwakewo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]