Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 21 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When the Canaanite, king of Arad, living in the Negev, heard Israel was coming by the Atharim road, he fought Israel and took some captive. Mambo weAradhi muKenani aigara kuNegevhi, akati anzwa kuti vaIsraeri vakanga vachiuya nenzira inoenda kuAtarimi, akarwisa vaIsraeri akatapa vamwe vavo.
2 Israel made a vow to our Father: "If you truly give this people into my hand, I will destroy their cities completely." Ipapo vaIsraeri vakaita mhiko iyi kuna Jehovha, vakati: “Kana mukaisa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo zvachose.”
3 Our Father heard Israel's voice and handed the Canaanites over; they destroyed them and their cities completely. So the place was named Hormah. Jehovha akateerera chikumbiro chavaIsraeri akapa vaKenani kwavari. Vakavaparadza zvachose ivo namaguta avo; naizvozvo nzvimbo iyo ikatumidzwa kunzi Homa.
4 They set out from Mount Hor toward the Red Sea to go around Edom's land, but the people grew impatient on the way. Vakafamba vachibva nokuGomo reHori vachitevedza nzira yaienda nokuGungwa Dzvuku, kuti vapoterere Edhomu. Asi vanhu vakaora mwoyo panzira;
5 The people spoke against our Father and against Moses: "Why did you bring us out of Egypt to die in the wilderness? No bread, no water, and we loathe this wretched food." vakapopotera Mwari naMozisi, vachiti, “Makatibudisireiko muIjipiti kuti tizofira murenje? Chingwa hapana! Mvura hapana! Uye hatidi zvokudya zvokungotamburira izvi!”
6 Then our Father sent venomous serpents among the people; they bit the people, and many Israelites died. Ipapo Jehovha akatuma nyoka dzino uturu pakati pavo, dzikaruma vanhu uye vaIsraeri vazhinji vakafa.
7 The people came to Moses and said, "We sinned by speaking against our Father and against you. Pray to him to remove the serpents from us." So Moses prayed for the people. Vanhu vakauya kuna Mozisi vakati, “Takatadza, patakapopotera Jehovha nemi. Nyengeterai kuti Jehovha atibvisire nyoka idzi pakati pedu.” Saka Mozisi akanyengeterera vanhu.
8 Our Father told Moses, "Make a venomous snake, put it on a pole; anyone bitten who looks at it will live." Jehovha akati kuna Mozisi, “Gadzira nyoka ino uturu ugoiturika padanda; ani naani anorumwa, akatarira kwairi achararama.”
9 Moses made a bronze serpent and put it on a pole; whenever a serpent bit anyone, they looked at the bronze serpent and lived. Saka Mozisi akagadzira nyoka yendarira akaiturika padanda. Ipapo vaiti kana ani naani akange arumwa nenyoka, akatarisa panyoka yendarira, airarama.
10 The Israelites set out and camped at Oboth. VaIsraeri vakaramba vachifamba vakandodzika musasa paObhoti.
11 They set out from Oboth and camped at Iye-abarim, in the wilderness facing Moab, eastward. Ipapo vakasimuka kubva paObhoti vakandodzika musasa paIye Abharimi, mugwenga rakatarisana neMoabhu kwakanangana nokumabudazuva.
12 From there they set out and camped in the Valley of Zered. Kubva ipapo vakaenderera mberi vakandodzika musasa muMupata weZeredhi.
13 From there they moved on and camped beyond the Arnon, in the wilderness that extends from Amorite territory; for the Arnon is Moab's border with the Amorites. Vakasimuka vakabvapo vakandodzika musasa mujinga meAnoni, riri murenje rinosvika kunyika yavaAmori. Anoni ndiwo muganhu weMoabhu, pakati peMoabhu navaAmori.
14 So the Book of the Wars of our Father says: "Waheb in Suphah, and the ravines of the Arnon, Ndokusaka Bhuku reHondo dzaJehovha richiti: “Wahebhi muSufa nehova, Anoni
15 and the slope of the ravines that bends toward the site of Ar and reaches to the border of Moab." nemateru ehova dzinonanga kunzvimbo yeAri uye dzinowanikwa pamuganhu weMoabhu.”
16 From there they went to Beer, the well where our Father told Moses, "Gather the people—I'll give them water." Kubva ipapo vakapfuurira mberi vachienda vakasvika kuBheeri, patsime apo pakanzi naJehovha kuna Mozisi, “Unganidza vanhu pamwe chete uye ini ndichavapa mvura.”
17 Then Israel sang this song: "Spring up, O well! Sing to it! Ipapo vaIsraeri vakaimba rwiyo urwu: “Tubuka, iwe tsime! Imbai pamusoro paro,
18 The well that princes dug, that the nobles of the people dug out with their scepters and staffs." Then from the wilderness they went to Mattanah, pamusoro petsime rakacherwa namachinda, rakacherwa namakurukota avanhu, makurukota akanga ane tsvimbo dzoushe nemidonzvo.” Ipapo vakabva murenje vakaenda kuMatana,
19 from Mattanah to Nahaliel, from Nahaliel to Bamoth, vachibva kuMatana vakaenda kuNaharieri, vachibva kuNaharieri vakaenda kuBhamoti,
20 and from Bamoth to the valley in Moab's plain, to Pisgah's peak overlooking the wasteland. uye vachibva kuBhamoti vakaenda kumupata uri muMoabhu pamusoro pegomo rePisiga rinotarira pasi kurenje.
21 Then Israel sent messengers to Sihon king of the Amorites, saying, VaIsraeri vakatuma nhume kundoti kuna Sihoni mambo wavaAmori:
22 "Let me pass through your land. We won't turn into field or vineyard, or drink well water. We'll go by the King's Highway until we've passed your border." “Titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatingatsaukiri muminda yenyu kana minda yemizambiringa, kana kunwa mvura kubva patsime ripi zvaro. Tichangofamba hedu nomunzira huru yamambo kusvikira tapfuura munyika yenyu.”
23 But Sihon refused to let Israel cross his territory. He gathered all his people, marched into the wilderness against Israel, reached Jahaz, and fought Israel. Asi Sihoni haana kutendera vaIsraeri kupfuura nomunyika yake. Akaunganidza hondo yake yose vakafamba vachienda kurenje kundorwisa vaIsraeri. Akati asvika paJahazi, vakarwa navaIsraeri.
24 Israel struck him down with the sword, took his land from the Arnon to the Jabbok—up to the Ammonites, whose border was fortified. Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vakamukunda nomunondo vakamutorera nyika yake kubva paAnoni kusvikira kuJabhoki, asi kusvikira kuvaAmoni bedzi, nokuti muganhu wavo wakanga wakasimba.
25 Israel captured all these cities and settled in every Amorite city—Heshbon and all its surrounding villages. VaIsraeri vakatapa maguta ose avaAmori vakagaramo, pamwe chete neHeshibhoni nenzvimbo dzaro dzose dzokugara.
26 For Heshbon was the city of Sihon king of the Amorites, who fought the former king of Moab and captured all his land from him, up to the Arnon. Heshibhoni rakanga riri guta raSihoni mambo wavaAmori, akanga arwa namambo akanga ari weMoabhu kare akamutorera nyika yake yose kundosvika kuAnoni.
27 So the poets say: "Come to Heshbon—let it be rebuilt, let Sihon's city be restored. Ndokusaka vadetembi vachiti: “Uyai kuHeshibhoni uye ngarivakwezve; guta raSihoni ngaridzorerwezve.
28 For fire went out from Heshbon, a flame from the city of Sihon. It consumed Ar of Moab, the lords of the heights of the Arnon. “Moto wakabuda muHeshibhoni, iwo murazvo kubva muguta raSihoni. Wakaparadza Ari reMoabhu, ivo vagari vokwakakwirira kweAnoni.
29 Woe to you, Moab! You are destroyed, people of Chemosh! He has made his sons fugitives and his daughters captives to Sihon king of the Amorites. Une nhamo, iwe Moabhu! Maparadzwa, imi vanhu veKemoshi! Akapa vanakomana vake savatizi navanasikana vake senhapwa kuna Sihoni mambo wavaAmori.
30 But we struck them down; Heshbon perished as far as Dibon. We laid waste as far as Nophah, which reaches to Medeba." “Asi takavakunda; Heshibhoni yakaparadzwa yose kusvikira kuDhibhoni. Takavaparadza kusvikira kuNofa, iyo inosvika kuMedhebha.”
31 So Israel settled in the land of the Amorites. Saka vaIsraeri vakagara munyika yavaAmori.
32 Moses sent men to scout Jazer; they captured its villages and drove out the Amorites there. Shure kwokunge Mozisi atuma vasori kuJazeri, vaIsraeri vakatapa nzvimbo dzaro dzakanga dzakaripoteredza uye vakadzinga vaAmori vakanga vageremo.
33 Then they turned and went up the Bashan road, and Og king of Bashan came out against them, with all his people, to fight at Edrei. Ipapo vakadzoka vakakwidza nenzira inoenda nokuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose akabuda kuti andosangana navo kuti arwe navo paEdhirei.
34 But our Father told Moses, "Don't fear him—I've given him, all his people, and his land into your hand. Do to him as you did to Sihon king of the Amorites, who lived in Heshbon." Jehovha akati kuna Mozisi, “Usamutya, nokuti ndamupa kwauri, nehondo yake yose uye nenyika yake. Umuitire zvawakaitira Sihoni mambo wavaAmori, uyo aitonga muHeshibhoni.”
35 They struck him, his sons, and all his people, leaving no survivor, and took possession of his land. Saka vakamuuraya, pamwe chete navanakomana vake nehondo yake yose, vakasiya pasina kana mupenyu. Uye vakatora nyika yake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]