Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 20 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In the first month the whole community of Israel entered the Wilderness of Zin; the people stayed at Kadesh. Miriam died there and was buried there. Mumwedzi wokutanga, ungano yose yeIsraeri yakasvika murenje reZini, uye vakandogara paKadheshi. Ndipo pakafira Miriamu uye akavigwapo.
2 Now there was no water for the community, so they gathered together against Moses and Aaron. Zvino pakanga pasisina mvura yeungano, uye vanhu vakaungana vakapopotera Mozisi naAroni.
3 The people argued with Moses: "If only we'd died when our brothers died in our Father's presence! Vakapopotera Mozisi vachiti, “Dai zvedu takafa pakafira hama dzedu pamberi paJehovha!
4 Why bring our Father's assembly into this wilderness to die here, us and our livestock? Seiko wakauya neungano yaJehovha murenje rino, kuti isu nezvipfuwo zvedu tifire muno.
5 Why did you bring us up from Egypt to this evil place? No grain, figs, vines, or pomegranates—no water to drink." Seiko wakatibudisa muIjipiti uchitiuyisa munzvimbo yakaipa kudai? Haina zviyo kana maonde, mazambiringa kana matamba. Uye mvura yokunwa hapana!”
6 Moses and Aaron went from before the assembly to the entrance of the tent of meeting, fell facedown, and the glory of our Father appeared to them. Mozisi naAroni vakabva paungano vakaenda kumukova weTende Rokusangana vakawira pasi nezviso zvavo, kubwinya kwaJehovha kukaratidzwa kwavari.
7 Our Father said to Moses, Jehovha akati kuna Mozisi,
8 "Take the staff, gather the community—you and Aaron your brother—and speak to the rock before their eyes; it will give its water. Bring water from the rock for them, and give the community and their livestock drink." “Tora tsvimbo uye iwe nomukoma wako Aroni muunganidze ungano pamwe chete. Utaure kudombo pamberi pavo rigobudisa mvura yaro. Iwe uchabudisa mvura kubva mudombo kuti vanwe ivo nezvipfuwo zvavo.”
9 So Moses took the staff from before our Father, as he had commanded him. Saka Mozisi akatora tsvimbo pamberi paJehovha, sezvaakanga amurayira.
10 Moses and Aaron gathered the assembly in front of the rock. He said, "Listen, you rebels—must we bring water for you out of this rock?" Iye naAroni vakaunganidza ungano pamwe chete pamberi pedombo, Mozisi akati kwavari, “Teererai imi vokumukira, tinofanira kukubudisirai mvura padombo iri here?”
11 Moses raised his hand and struck the rock twice with his staff; water gushed out abundantly, and the community and their livestock drank. Ipapo Mozisi akasimudza ruoko rwake akarova dombo kaviri netsvimbo yake. Mvura yakabuda, ungano nezvipfuwo zvikanwa.
12 But our Father told Moses and Aaron, "Because you did not trust me enough to honor me as holy before the Israelites, you will not bring this assembly into the land I have given them." Asi Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Nokuti hamuna kuvimba neni zvakakwana kuti mundikudze somutsvene pamberi pavaIsraeri, imi hamuchapinzi ungano iyi munyika yandakavapa.”
13 These are the waters of Meribah, where the children of Israel quarreled with our Father, and he showed himself holy among them. Iyi ndiyo mvura yeMeribha, apo vaIsraeri vakarwa naJehovha uye paakazviratidza kuti mutsvene pakati pavo.
14 Moses sent messengers from Kadesh to Edom's king: "Your brother Israel says: You know all the hardship that has found us. Mozisi akatuma nhume ari kuKadheshi kuna mambo weEdhomu, achiti: “Zvanzi nomununʼuna wako Israeri: Iwe unoziva matambudziko ose akatiwira.
15 Our ancestors went down to Egypt; we lived in Egypt many years, and the Egyptians mistreated us and our ancestors. Madzibaba edu akaburuka achienda kuIjipiti, tikandogarako kwamakore mazhinji. VaIjipita vakatibata zvakaipa isu namadzibaba edu,
16 So we cried out to our Father; he heard our voice, sent a messenger, and brought us out of Egypt. Now we're at Kadesh, a town on your border's edge. asi takati tadana kuna Jehovha, akatinzwa akatuma mutumwa akatibudisa muIjipiti. “Zvino tiri pano paKadheshi, guta riri kumucheto wenyika yenyu.
17 Please let us pass through your land. We won't cross field or vineyard, or drink well water. We'll stay on the King's Highway, not turning right or left, until we've passed through your territory." Tapota titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatizopindi nomuminda ipi zvayo kana minda yemizambiringa kana kunwa zvako mvura mutsime ripi zvaro. Tichafamba hedu nomunzira huru yamambo uye hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kusvikira tapfuura nomunyika yenyu.”
18 Edom said to him, "You will not pass through me, or I'll come out against you with the sword." Asi Edhomu akapindura akati: “Hamupfuuri napano; kana mukaedza, tichabuda tigokurwisai nomunondo.”
19 Israel's people told him, "We'll take the highway. If we or our herds drink your water, we'll pay for it. Just let us cross on foot, nothing more." VaIsraeri vakapindura vakati: “Tichaenda nenzira huru, uye kana isu kana zvipfuwo zvedu zvikanwa mvura yenyu, ticharipa. Tinongoda kupfuura tichifamba netsoka, hapanazve chimwe.”
20 But he said, "You will not pass through." Edom came against him with great numbers and a strong hand. Vakapindurazve vachiti: “Hamungapfuuri.” Ipapo Edhomu akauya kuzovarwisa nehondo huru uye ine simba.
21 So Edom refused to let Israel pass through his territory, and Israel turned away from him. Sezvo Edhomu akaramba kuvabvumira kupfuura nomunyika yavo, vaIsraeri vakatsauka havo kubva kwavari.
22 The whole community of the children of Israel set out from Kadesh and came to Mount Hor. Ungano yose yeIsraeri yakasimuka kubva kuKadheshi uye vakasvika paGomo reHori.
23 At Mount Hor, on Edom's border, our Father said to Moses and Aaron, PaGomo reHori, pedyo nomuganhu weEdhomu, Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
24 "Aaron will be gathered to his people; he will not enter the land I gave the Israelites, because you both rebelled against my command at the waters of Meribah. “Aroni achachengetwa kuvanhu vokwake. Haangapindi munyika yandakapa vaIsraeri, nokuti mose muri vaviri makamukira murayiro wangu pamvura yepaMeribha.
25 Take Aaron and Eleazar his son, and bring them up Mount Hor. Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari ukwire navo muGomo reHori.
26 Strip Aaron of his garments, dress Eleazar his son in them; Aaron will be gathered to his people and die there." Ubvise nguo dzaAroni udzipfekedze mwanakomana wake Ereazari nokuti Aroni achasanganiswa navanhu vokwake; achafira ipapo.”
27 Moses did as our Father commanded, and they went up Mount Hor as the whole community watched. Mozisi akaita sezvaakanga arayirwa naJehovha: Vakakwira muGomo reHori pamberi peungano yose.
28 Moses stripped Aaron's garments and dressed his son Eleazar in them. Aaron died there atop the mountain; Moses and Eleazar went down. Mozisi akabvisa nguo dzaAroni akadzipfekedza mwanakomana wake Ereazari. Uye Aroni akafira ipapo pamusoro pegomo. Ipapo Mozisi naEreazari vakaburuka kubva mugomo.
29 The whole community saw Aaron had died, and Israel's whole house mourned him thirty days. Uye ungano yose yakati yazvinzwa kuti Aroni akanga afa, imba yose yeIsraeri yakamuchema kwamazuva makumi matatu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]