Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 19 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses and Aaron, saying: Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
2 "This is the statute of the law our Father commanded: Tell the Israelites to bring you a red heifer, flawless, with no defect, never yoked. “Izvi ndizvo zvinodikanwa pamurayiro wakarayirwa naJehovha. Udza vaIsraeri kuti vakuvigire tsiru dzvuku risina kuremara, kana charingapomerwa uye risina kumbosungwa pajoko.
3 Give it to Eleazar the priest; it is to be led outside the camp and slaughtered before him. Uripe kuna Ereazari muprista; rinofanira kubudiswa kunze kwomusasa rigourayiwa pamberi pake.
4 Eleazar the priest is to dip his finger in its blood and sprinkle it seven times toward the front of the tent of meeting. Ipapo Ereazari muprista anofanira kutora rimwe reropa raro nomunwe agorisasa kanomwe akananga mberi kweTende Rokusangana.
5 The heifer is to be burned as he watches—hide, flesh, blood, and waste together. Akatarisa, tsiru rinofanira kupiswa, dehwe raro, nyama yaro namazvizvi aro.
6 The priest must take cedar wood, hyssop, and scarlet yarn, and throw them into the fire burning the heifer. Muprista anofanira kutora huni dzomusidhari, hisopi newuru tsvuku agozvikanda pamusoro petsiru riri kutsva.
7 The priest must wash his clothes, bathe his body in water, then enter the camp—but remains unclean until evening. Shure kwaizvozvo, muprista anofanira kusuka nguo dzake uye azvishambidze nemvura. Ipapo angachipinda hake mumusasa, asi achange asina kunatswa kusvikira madekwana.
8 He who burns it must wash his clothes in water, bathe his body in water, and remain unclean until evening. Munhu acharipisa naiyewo anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura uye iyewo achava asina kuchena kusvikira madekwana.
9 "A clean man will gather the heifer's ashes and put them in a clean place outside the camp. Israel's community will keep them for water of cleansing—it removes sin. “Munhu akachena achaunganidza madota etsiru agoaisa panzvimbo yakanaka iri kunze kwomusasa. Achachengetwa neungano yavaIsraeri kuti agoshandiswa pamvura yokunatsa; ndeyokunatswa kubva pachivi.
10 The one gathering the heifer's ashes must wash his clothes and remain unclean until evening. This is a permanent law for Israelites and the foreigner living among them. Munhu anounganidza madota etsiru anofanirawo kusuka nguo dzake, naiyewo achava asina kuchena kusvikira madekwana. Mutemo uyu uchagara uripo pakati pavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo.
11 "Whoever touches the dead body of any person is to be unclean for seven days. “Ani naani anobata chitunha chaani zvake achava asina kuchena kwamazuva manomwe.
12 He must purify himself with it on days three and seven; then he'll be clean. If he doesn't purify himself on days three and seven, he won't be clean. Anofanira kuzvinatsa nemvura nezuva retatu uye nezuva rechinomwe; ipapo achava akachena.
13 Anyone who touches a corpse—the body of someone who died—and doesn't purify himself makes the tabernacle of our Father unclean; that person is cut off from Israel. Since the water of purification wasn't sprinkled on him, he stays unclean; his uncleanness remains on him. Ani naani anobata chitunha chaani zvake akasazvinatsa anosvibisa tabhenakeri yaJehovha. Munhu uyu anofanira kubviswa pakati pavaIsraeri. Nokuti mvura yokunatsa haina kumbosaswa pamusoro pake, haana kuchena; kusachena kwake kucharamba kuri paari.
14 "This is the law: when someone dies in a tent, everyone entering it and everyone in it is unclean seven days. “Uyu ndiwo murayiro unobata pamunhu anofira mutende: Ani naani anopinda mutende uye ani zvake ari mariri achava asina kuchena kwamazuva manomwe,
15 And every open vessel that has no lid fastened on it is to be unclean. uye midziyo yose yakazarurwa, isina kukwidibirwa, ichava isina kuchena.
16 "Whoever touches, in an open field, one killed by the sword, one who has died naturally, a human bone, or a grave, becomes unclean seven days. “Ani naani ari musango anobata munhu akaurayiwa nomunondo kana mumwe munhu akangofawo zvake, kana munhu anobata bvupa romunhu kana guva, achava asina kuchena kwamazuva manomwe.
17 "For the unclean person, they are to take ashes from the burned purification offering, put them in a vessel, and add fresh running water. “Kana munhu asina kuchena, utore dota rinobva pachipiriso chokunatsa chakapiswa ugoriisa muchirongo ugoridira mvura yakachena.
18 A clean person is to take hyssop, dip it in the water, and sprinkle it on the tent, on all the vessels, on everyone who was there, and on whoever touched a bone, a slain person, a corpse, or a grave. Ipapo munhu akachena anofanira kutora hisopi, ainyike mumvura agosasa tende nemidziyo yose uye navanhu vanga varimo. Anofanira kusasawo ani zvake akabata bvupa romunhu kana guva kana mumwe munhu akaurayiwa kana munhu akangofawo zvake.
19 The clean person is to sprinkle the unclean one on the third and seventh day, purifying him on the seventh day. He must wash his clothes, bathe in water, and be clean by evening. Munhu akachena anofanira kusasa munhu asina kuchena nezuva rechitatu uye nerechinomwe, uye pazuva rechinomwe anofanira kumunatsa. Munhu ari kunatswa anofanira kusuka nguo dzake agozvishambidza nemvura, uye manheru iwayo anofanira kuva akachena.
20 Anyone unclean who doesn't purify himself must be cut off from the assembly, for he has made our Father's sanctuary unclean; the water of purification wasn't sprinkled on him—he is unclean. Asi kana munhu asina kuchena akasazvinatsa, anofanira kubviswa paungano, nokuti iye asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha. Mvura yokunatsa haina kumbosaswa paari, nokudaro haana kuchena.
21 This is a lasting statute for them: whoever sprinkles the water of purification must wash his clothes; whoever touches the water of purification is unclean until evening. Uyu mutemo uchagara uripo kwavari. “Munhu anosasa mvura yokunatsa anofanirawo kusuka nguo dzake, uye ani naani anobata mvura yokunatsa achava asina kunaka kusvikira madekwana.
22 Whatever the unclean person touches becomes unclean; whoever touches that is unclean until evening." Chinhu chose chinobatwa nomunhu asina kuchena chinova chisina kuchena, uye ani naani anochibata anova asina kuchena kusvikira madekwana.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]