Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 18 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father said to Aaron, "You, your sons, and your father's house will bear the guilt of the sanctuary; you and your sons will bear the guilt of your priesthood. Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe, navanakomana vako nemhuri yababa vako munofanira kuva nebasa rokutakura mhosva dzinotadzirwa nzvimbo tsvene, uye iwe navanakomana vako bedzi ndimi munofanira kuita basa rokutakura mhosva dzinotadzirwa basa rouprista.
2 Bring your brothers too—the tribe of Levi, your father's tribe—to join and serve you, you and your sons, before the tent of the testimony. Uya nehama dzako ivo vaRevhi vanobva kurudzi rwamadzitateguru ako kuti vazobatana newe uye vagokubatsira iwe navanakomana vako pamunoshumira pamberi peTende reChipupuriro.
3 They must keep your duties and all the tent's duties, but not approach the sanctuary's sacred objects or the altar, or both they and you will die. Vanofanira kuva pasi pako uye vanofanira kuita mabasa ose eTende asi havafaniri kuswedera pedyo nemidziyo yenzvimbo tsvene kana aritari, kana kuti mose ivo newe muchafa.
4 They will join you and keep the charge of the tent of meeting, all its service—no outsider may come near you. Vanofanira kubatana newe vagoita basa rokuchengeta Tende Rokusangana, basa rose rapaTende uye hakuna mumwezve anofanira kuswedera pauri.
5 Guard the sanctuary and altar, so wrath never again falls on Israel's people. “Munofanira kuva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene nearitari, kuti hasha dzirege kuwira pavaIsraerizve.
6 I have taken your fellow Levites from Israel's sons—a gift to you, given to me, to serve at the tent of meeting. Ini pachangu ndakasarudza hama dzako ivo vaRevhi pakati pavaIsraeri kuti vave sechipo kwauri, vakumikidzwe kuna Jehovha kuti vaite basa paTende Rokusangana.
7 You and your sons must guard your priesthood in all matters of the altar and behind the inner curtain; serve there. I give your priesthood as a gift; any outsider who approaches must be put to death." Asi iwe chete navanakomana vako ndimi mungashanda savaprista pazvinhu zvose zviri paaritari nezviri mukati mechifukidziro. Ndiri kukupai basa rouprista sechipo. Ani naani anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.”
8 Our Father said to Aaron, "I have given you charge of my contributions, all the holy gifts of Israel's people. I have given them to you as a portion, and to your sons as a permanent share. Ipapo Jehovha akati kuna Aroni, “Ini ndimene ndakugadza kuti uve muchengeti wezvipiriso zvinopiwa kwandiri; zvipiriso zvose zvitsvene zvinopiwa kwandiri navaIsraeri ndinozvipa kwauri iwe navanakomana vako somugove wako uye ugova mugove wako wamazuva ose.
9 This is yours from the most holy things kept from the fire: all their offerings—every grain offering, every sin offering, and every guilt offering they bring me—are most holy, for you and your sons. Iwe unofanira kuva nomugove wezvipiriso zvitsvene-tsvene zvinosara pane zvinopiswa. Pazvipo zvose zvavanondivigira sezvipiriso zvitsvene-tsvene, zvingava zvezviyo kana zvechivi kana chipiriso chemhosva, chikamu ichocho ndechako iwe navanakomana vako.
10 Eat it in the most holy place; every male may eat it—it is holy to you. Muchidye sechinhu chitsvene-tsvene; murume wose achachidya. Chinofanira kuva chitsvene kwamuri.
11 This too is yours: the contribution from their gifts, all Israel's wave offerings. I've given them to you, your sons, your daughters with you—a permanent law. Anyone clean in your house may eat it. “Izvi ndezvako zvakare: chimwe nechimwe chinotsaurwa kubva pazvipo zvose zvezvipiriso zvinoninirwa zvavaIsraeri. Ndinokupa izvi iwe navanakomana vako navanasikana vako somugove wako wamazuva ose. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya hake.
12 The best of the oil, new wine, and grain—the firstfruits they give me—I give you. “Ndinokupa mafuta omuorivhi akaisvonaka uye waini yose yakaisvonaka nezviyo zvavanovigira Jehovha sezvibereko zvokutanga zvegohwo ravo.
13 The first produce of their land, brought to me, is yours. Anyone clean in your house may eat it. Zvibereko zvose zvenyika zvavanovigira Jehovha zvichava zvako. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya.
14 Every devoted thing in Israel is to be yours. “Zvinhu zvose zvakatsaurirwa Jehovha muIsraeri ndezvako.
15 Every firstborn of human or animal offered to me is yours—but redeem the firstborn of humans, and redeem the firstborn of unclean animals. Chibereko chinotanga kuzarura chizvaro, chingava chomunhu kana chechipfuwo, chinopiwa kuna Jehovha, ndechako. Asi unofanira kudzikinura mwanakomana wose wedangwe uye dangwe rose remhuka dzisina kunaka.
16 Redeem them at one month old for about two ounces of silver, by the sanctuary standard. Kana zvava nomwedzi mumwe chete, unofanira kuzvidzikinura nomutengo wedzikinuro wakatarwa wamashekeri mashanu esirivha, maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri.
17 But the firstborn cow, sheep, or goat you must not buy back—they are holy. Splash their blood on the altar, burn their fat as a food offering, a pleasing aroma to me. “Asi haufaniri kudzikinura mhuru nzombe yedangwe, gwai kana mbudzi, zvitsvene. Usase ropa razvo paaritari ugopisa mafuta azvo sechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
18 But their flesh is yours, as the wave-offering breast and right thigh are yours. Nyama yazvo ichava yako, sezvakangoita chityu chechipiriso chokuninira nechidya chokurudyi zvagara zviri zvako.
19 All the holy offerings Israel brings me I give you, your sons and daughters with you, as a lasting share. It is a salt covenant forever before me, for you and your offspring with you." Ndinokupa zvose zvipiriso zvitsvene zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, iwe navanakomana navanasikana vako somugove wako wenguva yose. Isungano yemunyu nokusingaperi pamberi paJehovha kwamuri mose iwe nezvizvarwa zvako.”
20 Our Father said to Aaron, "You will have no inheritance in their land, no portion among them. I am your portion and inheritance among Israel's sons." Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe haungawani nhaka munyika mavo, uye haungavi nomugove nenhaka pakati pavaIsraeri.
21 "I have given the Levites all the tenth in Israel as inheritance in exchange for the service they perform, the service of the tent of meeting. “VaRevhi ndinovapa zvegumi zvose zvavaIsraeri senhaka yavo kutsiva basa ravanoita pavanenge vachishumira paTende Rokusangana.
22 The Israelites must no longer approach the tent of meeting, or they will bear guilt and die. Kubva zvino zvichienda mberi, vaIsraeri havafaniri kuswedera kuTende Rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo vakazofa.
23 But the Levites will serve at the tent of meeting and bear their own guilt. This is a permanent law for your generations: they get no inheritance among Israel's people. VaRevhi ndivo vanofanira kuita basa paTende Rokusangana uye vagotakura zvakaipa zvavanhu. Uyu mutemo uchagara uripo kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Ivo havangawani nhaka pakati pavaIsraeri.
24 For the tenth Israel's people present to me as a contribution, I have given the Levites as their inheritance. So I have told them: they will have no inheritance among Israel's people." Pachinzvimbo chaizvozvo ndinopa kuvaRevhi nhaka yezvegumi zvinopiwa kuna Jehovha navaIsraeri. Ndokusaka ndakati kwavari: ‘Havangavi nenhaka pakati pavaIsraeri.’ ”
25 Our Father spoke to Moses, saying, Jehovha akati kuna Mozisi,
26 "Speak to the Levites and tell them: When you take the tenth I have given you from Israel's people as your inheritance, bring a contribution from it to me—a tenth of the tenth. “Taura kuvaRevhi uti kwavari: ‘Pamunogamuchira zvegumi kubva kuvaIsraeri zvandinokupai senhaka yenyu, munofanira kupa chegumi chezvegumi sechipiriso chaJehovha.
27 Your contribution will count for you as grain from the threshing floor, as full produce from the winepress. Chipiriso chako chichaverengwa kwauri sechezviyo zvinobva paburiro kana muto wewaini unobva pachisviniro chewaini.
28 You too must present a contribution to me from all your tenth taken from Israel's people, giving from it my contribution to Aaron the priest. Nenzira iyi nemiwo munofanira kupa chipiriso kuna Jehovha kubva pazvegumi zvose zvamunogamuchira kubva kuvaIsraeri. Kubva pazvegumi izvi, munofanira kupa mugove waJehovha kuna Aroni muprista.
29 From all your gifts, present every offering to me—from each, the best and holiest part. Munofanira kupa somugove waJehovha chakanakisisa uye chikamu chitsvene chezvinhu zvose zvamunenge mapiwa.’
30 "So tell them: when you offer its best part, it counts for the Levites as produce of the threshing floor and winepress. “Uti kuvaRevhi: ‘Pamunouyisa chikamu chakanakisisa, chichagamuchirwa kubva kwamuri sechakabva paburiro kana pachisviniro chewaini,
31 Eat it anywhere, you and your households—it is your wage for your service in the tent of meeting. iwe nemhuri yako mungadya henyu zvakasara zvose chero pamunenge muri, nokuti ndiwo mubayiro wenyu webasa renyu rapaTende Rokusangana.
32 You incur no guilt from it once you have offered its best part. But you must not desecrate the holy things of Israel's sons, or you will die." Hamungazovi nemhosva pachinhu kana muchiuyisa chikamu chakanakisisa chacho; ipapo hamungazosvibisi zvitsvene zvavaIsraeri, uye hamuzofi.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]