Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 22 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then the Israelites set out and camped in the plains of Moab beyond the Jordan, opposite Jericho. Ipapo vaIsraeri vakafamba vachienda kumapani eMoabhu vakadzika misasa yavo vakatevedza Jorodhani nechemhiri kweJeriko.
2 Now Balak son of Zippor saw all that Israel had done to the Amorites. Zvino Bharaki mwanakomana waZipori akaona zvose zvakanga zvaitwa navaIsraeri kuvaAmori,
3 Moab feared the people greatly, for they were many; Moab dreaded the Israelites. Moabhu akatya nokuti pakanga pane vanhu vazhinji. Zvirokwazvo, Moabhu yakazara nokudedera nokuda kwavaIsraeri.
4 Moab said to Midian's elders, "This horde will lick up everything around us, as an ox licks up field grass." Balak son of Zippor was king of Moab then. VaMoabhu vakati kuvakuru veMidhiani, “Vanhu vazhinji ava vachananzva zvinhu zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva sora romusango.” Saka Bharaki mwanakomana waZipori, uyo akanga ari Mambo weMoabhu panguva iyoyo,
5 He sent messengers to Balaam son of Beor at Pethor, by the Euphrates in his people's land, to summon him. He said, "Look, a people has come out of Egypt. Look, they cover the face of the land, and have settled facing me. akatuma nhume kundodana Bharamu mwanakomana waBheori, uyo akanga ari paPetori, pedyo noRwizi, munyika yaakaberekerwa. Bharaki akati: “Vanhu vakabva kuIjipiti, vakazadza nyika yose, uye vagara pedyo neni.
6 Come, please curse this people for me—they are stronger than I am. Maybe then I can strike them and drive them from the land, for I know: whoever you bless is blessed, and whoever you curse is cursed." Zvino, uya utuke vanhu ava, nokuti simba ravo iguru kwazvo kwandiri. Zvichida ipapo ndingagona kuvakunda ndikavadzinga vabude munyika ino. Nokuti ndinoziva kuti avo vaunoropafadza vanoropafadzwa, uye vaunotuka vanotukwa.”
7 The elders of Moab and elders of Midian went, fortune-telling fees in their hand, and came to Balaam and told him Balak's words. Vakuru veMoabhu neveMidhiani vakabva, vakatora mari yokuripa kuvuka. Vakati vasvika kuna Bharamu vakamuudza zvakanga zvarehwa naBharaki.
8 He said to them, "Stay here tonight, and I'll bring back word as God speaks to me." So the officials of Moab stayed with Balaam. Bharamu akati kwavari, “Chivatai pano, ndichauya nemhinduro yandichapiwa naJehovha.” Saka machinda eMoabhu akagara naye.
9 Then our Father came to Balaam and said, "Who are these men with you?" Mwari akauya kuna Bharamu akamubvunza akati, “Vanhu vaunavo ndivanaaniko?”
10 Balaam said to our Father, "Balak son of Zippor, king of Moab, has sent word to me: Bharamu akati kuna Mwari, “Bharaki mwanakomana waZipori, mambo weMoabhu, akanditumira nhume idzi achiti, ‘Vanhu vakabuda kubva kuIjipiti vakazadza nyika yose.
11 Look, the people who came out of Egypt cover the land's face. Come now, curse them for me—maybe I can fight against them and drive them out." Zvino uya unditukire vanhu ava. Zvichida izvozvi ndingagona kurwa navo ndikavadzingira kure.’ ”
12 But our Father told Balaam, "Do not go with them. Do not curse the people, for they are blessed." Asi Mwari akati kuna Bharamu, “Usaenda navo. Haufaniri kutuka vanhu avo, nokuti vakaropafadzwa.”
13 Balaam got up that morning and told Balak's officials, "Return to your land—God has refused to let me go with you." Fume mangwana, Bharamu akamuka akati kumachinda aBharaki, “Dzokerai kunyika yokwenyu, nokuti Jehovha aramba kuti ndiende nemi.”
14 Moab's officials got up, went to Balak, and said, "Balaam refused to come with us." Saka machinda eMoabhu akadzokera kuna Bharaki akati, “Bharamu akaramba kuuya nesu.”
15 Then Balak sent officials again—more numerous and more honored than the first. Ipapo Bharaki akatumazve mamwe machinda, akawanda chose uye aikudzwa kupinda vokutanga.
16 They came to Balaam and said, "Balak son of Zippor says: Let nothing keep you from coming to me, Vakasvika kuna Bharamu vakati: “Zvanzi naBharaki mwanakomana waZipori: Usatendera chimwe chinhu kukukonesa kuuya kwandiri,
17 for I will honor you greatly, and do whatever you say to me. So please come and curse this people for me." nokuti ndichakupa mubayiro wakanaka kwazvo uye ndichaita zvose zvaunoreva. Uya unditukire vanhu ava.”
18 Balaam answered Balak's servants, "Even if Balak gave me his house full of silver and gold, I cannot go beyond God's command, to do small or great. Asi Bharamu akavapindura akati, “Kunyange dai Bharaki akandipa muzinda wake uzere nesirivha negoridhe, handingagoni kuita chimwe chinhu chikuru kana chiduku kuti tiite zvinodarika murayiro waJehovha Mwari wangu.
19 Now please, stay here tonight, you too, so I may learn what more our Father will say to me." Zvino chivatai pano manheru ano sezvakaita vamwe, ini ndichanzwa kana Jehovha ane zvimwe zvaangandiudza.”
20 And our Father came to Balaam at night and said to him, "Since these men came to summon you, get up and go with them, but do only what I tell you." Usiku ihwohwo Mwari akauya kuna Bharamu akati kwaari, “Sezvo vanhu ava vauya kuzokudana, enda hako navo, asi uite chete zvandinokuudza.”
21 So Balaam got up in the morning, saddled his donkey, and went with the officials of Moab. Bharamu akamuka mangwanani, akaisa chigaro pambongoro yake akaenda namachinda eMoabhu.
22 But our Father's anger burned because he went, and our Father's messenger stood in the road as Balaam's adversary. Balaam was riding his donkey, with his two servants. Asi Mwari akamutsamwira zvikuru paakaenda, uye mutumwa waJehovha akamira munzira kuti amukonese. Bharamu akanga akatasva mbongoro yake, uye varanda vake vaviri vaiva naye.
23 The donkey saw the messenger of our Father standing in the road, his sword drawn in his hand, and she turned off the road into the field. So Balaam struck the donkey to turn her back onto the road. Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha amire munzira ane munondo wakavhomorwa muruoko rwake, yakabuda munzira ikapinda mumunda. Bharamu akairova kuti idzokere munzira.
24 Then our Father's messenger stood in a narrow path between vineyards, a wall on each side. Ipapo mutumwa waJehovha akamira pakamanikana pakati peminda miviri yemizambiringa, paiva namasvingo kumativi ose.
25 The donkey saw the messenger of our Father, pressed against the wall, and pressed Balaam's foot against it, so he struck her again. Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha, yakazvimanikidzira kurusvingo ikatsimbirira rutsoka rwaBharamu parwuri. Saka akapamhazve kuirova.
26 The messenger of our Father went further and stood in a narrow place with no room to turn right or left. Ipapo mutumwa waJehovha akapfuurira mberi akandomira panzvimbo yakamanikana pakanga pasina mukana wokutendeukira kurudyi kana kuruboshwe.
27 When the donkey saw the messenger of our Father, she lay down under Balaam; his anger flared, and he struck her with his staff. Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha, yakavata pasi paBharamu, iye akatsamwa zvikuru akairova netsvimbo yake.
28 Then our Father opened the donkey's mouth, and she said to Balaam, "What have I done to you, that you struck me these three times?" Ipapo Jehovha akashamisa muromo wembongoro, ikati kuna Bharamu, “Ndaiteiko kwamuri zvaita kuti mundirove katatu kose aka?”
29 Balaam said to the donkey, "You have mocked me! If I had a sword in my hand, I'd kill you now." Bharamu akapindura mbongoro akati, “Wandiita benzi iwe! Dai ndanga ndiine munondo muruoko rwangu ndingadai ndakuuraya izvozvi.”
30 The donkey said to Balaam, "Am I not your donkey, the one you've ridden all your life until today? Have I ever treated you this way before?" He said, "No." Mbongoro yakati kuna Bharamu, “Ko, handisi mbongoro yenyu, yamunogara muchitasva kusvikira zuva rino here? Ko, ndinogara ndichikuitirai zvakadai here?” Iye akati, “Kwete.”
31 Then our Father opened Balaam's eyes, and he saw our Father's messenger standing in the road, sword drawn in hand, and he bowed low and fell facedown. Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, iye akaona mutumwa waJehovha amire munzira ane munondo wake wakavhomorwa. Saka akakotama akawira pasi nechiso chake.
32 The messenger of our Father said to him, "Why have you hit your donkey three times? I've come out as an adversary, because your way is reckless before me. Mutumwa waJehovha akamubvunza achiti, “Warovereiko mbongoro yako rutatu rwose urwu? Ini ndauya pano kuzokudzivisa nokuti nzira yako haina kururama kwandiri.
33 The donkey saw me and turned aside from me these three times. Had she not turned aside, I would have killed you by now and spared her life." Mbongoro yandiona ikatsauka ichibva pandiri katatu aka kose. Dai isina kutsauka, zvirokwazvo ndingadai ndakuuraya izvozvi, asi iyo ndairaramisa.”
34 Balaam said to the messenger of our Father, "I have sinned—I didn't know you stood in the road to oppose me. Now if this is displeasing in your eyes, I'll turn back." Bharamu akati kumutumwa waJehovha, “Ndatadza. Handina kuziva kuti manga mumire munzira kuti mundidzivise. Zvino kana musingafari, ndodzokera hangu.”
35 The messenger of our Father told Balaam, "Go with the men, but say only what I tell you." So Balaam went on with Balak's officials. Mutumwa waJehovha akati kuna Bharamu, “Chienda hako navarume ava, asi utaure zvandinokuudza zvoga.” Saka Bharamu akaenda namachinda aBharaki.
36 When Balak heard Balaam was coming, he went out to meet him at the city of Moab, on the Arnon border, at the border's edge. Bharaki akati anzwa kuti Bharamu akanga achiuya, akabuda kuti andosangana naye paguta ravaMoabhu pamuganhu weAnoni, kumagumo kwenyika yake.
37 Balak said to Balaam, "Didn't I send urgently to call you? Why didn't you come to me? Can I really not honor you?" Bharaki akati kuna Bharamu, “Handina kukudana nokukurumidza here? Seiko usina kuuya kwandiri? Ini handigoni kukupa mubayiro here?”
38 Balaam told Balak, "Look, I've come to you now—but can I say just anything? I can only speak what God puts in my mouth." Bharamu akapindura akati, “Zvakanaka, zvino ndauya kwauri. Asi ndingataura zvose zvose here? Ndinofanira kungotaura chete zvinenge zvaiswa mumuromo mangu naMwari.”
39 So Balaam went with Balak, and they came to Kiriath-huzoth. Ipapo Bharamu akaenda naBharaki kuKiriati Huzoti.
40 Balak sacrificed cattle and sheep, sending shares to Balaam and the officials with him. Bharaki akabayira mombe namakwai, akapa zvimwe kuna Bharamu namachinda akanga anaye.
41 In the morning Balak took Balaam and brought him up to Bamoth-baal, and from there he saw the edge of the people. Fume mangwana, Bharaki akatora Bharamu akakwidza naye kuBhamoti Bhaari, uye ikoko akaona chikamu chavanhu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]