Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then the Holy Spirit led Jesus into the wilderness to be tempted by the devil. Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya Mutsvene kurenje kuti andoedzwa nadhiabhori.
2 And after fasting forty days and forty nights, he was hungry. Mushure mokunge atsanya kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, akanzwa nzara.
3 The tempter came and said, "If you're the Son of God, tell these stones to become bread." Muedzi akauya kwaari akasvikoti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, rayira mabwe aya kuti ave chingwa.”
4 But he answered, "It is written, 'People do not live by bread alone, but by every word from our Father's mouth.'" Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ”
5 Then the devil took him into the holy city, stood him on the temple's highest point, Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati,
6 and told him, "If you're God's Son, throw yourself down, since Scripture says, 'He will command his angels about you, and they will carry you on their hands, so you won't strike your foot on a stone.'" “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Acharayira vatumwa vake pamusoro pako uye vachakusimudza namaoko avo kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.”
7 Jesus said to him, "Again it is written, 'You must not put your Father to the test.'" Jesu akamupindura akati, “Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”
8 Again the devil took him to a very high mountain and showed him all the world's kingdoms and their glory. Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo,
9 He said to him, "All these I will give you, if you bow down and worship me." akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.”
10 Then Jesus told him, "Get away, Satan! For Scripture says, 'Worship your Father, and serve only him.'" Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ”
11 Then the devil left him, and suddenly angels came and took care of him. Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira.
12 Now when he heard that John had been arrested, he withdrew into Galilee. Jesu akati anzwa kuti Johani akanga aiswa mutorongo, akadzokera kuGarirea.
13 He left Nazareth and settled in Capernaum, by the sea, in the territory of Zebulun and Naphtali, Achibva kuNazareta, akaenda akandogara kuKapenaume, guta raiva pamahombekombe egungwa mudunhu reZebhuruni neNafutari,
14 so that what was spoken by the prophet Isaiah might be fulfilled: kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti:
15 "The land of Zebulun and the land of Naphtali, the way of the sea, beyond the Jordan, Galilee of the Gentiles, “Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani, Garirea reveDzimwe Ndudzi,
16 the people dwelling in darkness have seen a great light, and for those dwelling in the region and shadow of death, on them a light has dawned." vanhu vaigara murima vakaona chiedza chikuru; kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chavhenekera.”
17 From that time Jesus began to preach, saying, "Repent, for the kingdom of our Father is near." Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
18 Walking by the Sea of Galilee, he saw two brothers, Simon called Peter and his brother Andrew, casting a net into the sea—they were fishermen. Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove.
19 And he said to them, "Follow me, and I will make you fishers of people." Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”
20 Immediately they left their nets and followed him. Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera.
21 Going on from there, he saw two more brothers—James son of Zebedee and John his brother—in the boat with their father Zebedee, mending nets, and called them. Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomununʼuna, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana,
22 Immediately they left the boat and their father and followed him. uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.
23 He went all through Galilee, teaching in their synagogues, announcing the good news of the kingdom, and healing every disease and sickness among the people. Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu.
24 News of him spread through all Syria. They brought him all who were sick—gripped by various diseases and pains, oppressed by demons, epileptic, paralyzed—and he healed them. Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa.
25 Large crowds followed him from Galilee, the Decapolis, Jerusalem, Judea, and beyond the Jordan. Vanhu vazhinji kwazvo vaibva kuGarirea, Dhekapori, Jerusarema, Judhea nedunhu riri mhiri kweJorodhani vakamutevera.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]