Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In those days John the Baptist came, preaching in the wilderness of Judea, Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea,
2 "Repent, for the kingdom of our Father has come near." achiti, “Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
3 This is the one Isaiah the prophet spoke of, saying: "A voice calling out in the wilderness: Prepare the way of the Lord, make his paths straight." Uyu ndiye akataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi: “Inzwi rounodanidzira murenje richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’ ”
4 John wore clothes of camel hair, with a leather belt around his waist; his food was locusts and wild honey. Nguo dzaJohani dzakanga dzakagadzirwa nemvere dzengamera uye akanga akasunga bhanhire redehwe muchiuno chake. Zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi.
5 Then Jerusalem and all Judea and all the region around the Jordan went out to him, Vanhu vakabuda vakaenda kwaari vachibva muJerusarema nomuJudhea yose nomudunhu rose reJorodhani.
6 and they were baptized by him in the Jordan River, confessing their sins. Vachireurura zvivi zvavo vakabhabhatidzwa naye murwizi rweJorodhani.
7 Seeing many Pharisees and Sadducees coming to be baptized, he said to them, "You brood of vipers! Who warned you to flee the coming wrath? Asi paakaona vaFarisi navaSadhusi vachiuya kwaaibhabhatidzira akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?
8 Bear fruit, then, worthy of repentance. Berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.
9 Don't presume to say to yourselves, 'Abraham is our father,' for I tell you: our Father can raise up children for Abraham from these stones. Uye musafunga kuti mungati, ‘Tina Abhurahama sababa vedu.’ Ndinokuudzai kuti Mwari anogona kumutsa vamwe vana vaAbhurahama kubva pamabwe aya.
10 The axe already lies at the root of the trees, so every tree not bearing good fruit is cut down and thrown into the fire. Demo ratoiswa pamidzi yemiti uye muti wose usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.
11 "I baptize you with water for repentance, but the one coming after me is stronger than I am—I'm not worthy to carry his sandals. He will baptize you with the Holy Spirit and fire. “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura kuti mutendeuke. Asi shure kwangu kuchauya mumwe mukuru kwandiri, wandisina kukodzera kunyange kutakura shangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
12 His winnowing fork is in his hand; he'll clear his threshing floor, gather his wheat into the barn, but burn the chaff with fire that never goes out." Rusero rwuri muruoko rwake, uye achanatsa buriro rake, achiunganidza gorosi mudura, uye achizopisa hundi mumoto usingadzimi.”
13 Then Jesus came from Galilee to the Jordan to John, to be baptized by him. Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhabhatidzwa naJohani.
14 But John tried to stop him: "I need baptism from you, yet you come to me?" Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, “Ini ndini ndinotofanira kubhabhatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?”
15 Jesus replied to him, "Allow it now, for this is how we must fulfill all righteousness." So John allowed him. Jesu akapindura akati, “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanira kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.” Ipapo Johani akabvuma hake.
16 After Jesus was baptized, he came up out of the water at once, and suddenly the heavens opened to him; he saw the Spirit of our Father coming down like a dove and settling on him. Jesu angobhabhatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari.
17 Then a voice from heaven said, "This is my Son, the one I love; I delight in him." Inzwi rakabva kudenga richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]