Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After Jesus was born in Bethlehem, Judea, in the days of King Herod, magi from the east arrived in Jerusalem, Mushure mokuberekwa kwaJesu muBheterehema reJudhea munguva yaMambo Herodhi, vachenjeri vaibva kumabvazuva vakasvika muJerusarema,
2 saying, "Where is the one born king of the Jews? For we saw his star in the east and have come to worship him." uye vakabvunza vakati, “Aripiko uyo achangoberekwa anova mambo wavaJudha? Takaona nyeredzi yake kumabvazuva, uye tauya kuzomunamata.”
3 When Herod the king heard this, he was troubled, and all Jerusalem with him. Mambo Herodhi akati achinzwa izvi, akatambudzika kwazvo pamwe chete neJerusarema rose.
4 He gathered all the people's chief priests and scribes, asking where the Christ was to be born. Kuzoti akokera pamwe chete vaprista navadzidzisi vomutemo, akavabvunza kwaizoberekerwa Kristu.
5 They told him, "In Bethlehem of Judea, for this is what was written through the prophet: Vakapindura vachiti, “MuBheterehema reJudhea nokuti izvi ndizvo zvakanyorwa nomuprofita achiti:
6 'Yet you, Bethlehem, in Judah's land, are certainly not the least among Judah's rulers; for from you a ruler will emerge who will shepherd Israel, my people.'" “Asi iwe Bheterehema, munyika yeJudhea hausi muduku pamadzimambo ose aJudha, nokuti mauri muchabuda mutongi uyo achava mufudzi wavanhu vangu vaIsraeri.”
7 Then Herod secretly summoned the magi and learned from them the exact time the star had appeared. Ipapo Herodhi akadana Vachenjeri pakavanda akavabvunzisisa nguva chaiyo yainge yaonekwa nyeredzi.
8 He sent them to Bethlehem, saying, "Go, search carefully for the child. When you find him, come back and tell me, so that I too may go and worship him." Akavatuma kuBheterehema akati, “Endai mundotsvakisisa mwana uyu. Kana muchinge mamuwana, mugondizivisawo kuitira kuti neniwo ndigoenda kundomunamata.”
9 After hearing the king, they set out; the star they had seen in the east went ahead of them until it stopped over where the child was. Mushure mokunge vanzwa zvainge zvataurwa naMambo, vakapfuurira mberi norwendo rwavo, uye nyeredzi yavakanga vaona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira panzvimbo paiva nomwana.
10 When they saw the star, they rejoiced with overwhelming joy. Pavakaona nyeredzi, vakafara kwazvo.
11 Entering the house, they saw the child with Mary his mother, fell down and worshiped him. They opened their treasure boxes and gave him gifts: gold, frankincense, and myrrh. Vakati vasvika pamba apa, vakaona mwana namai vake Maria, uye vakakotamira pasi vakamunamata. Vakasunungura pfuma yavo vakapa zvipo zvegoridhe, nezvinonhuhwira nemura.
12 Warned in a dream not to return to Herod, they went back to their own country by a different route. Uye vakati vayambirwa mukurota kuti vasadzokera nokuna Herodhi, vakadzokera kwavo neimwe nzira.
13 After they left, an angel of our Father appeared to Joseph in a dream: "Get up, take the child and his mother, flee to Egypt, and stay until I tell you—Herod is about to search for the child to kill him." Zvino kuzoti vaenda, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa mukurota, akati, “Kurumidza kutora mwana namai vake mutizire kuIjipiti. Mugareko kusvikira ndakuudzai, nokuti Herodhi achatsvaka mwana uyu kuti amuuraye.”
14 And he got up and took the child and his mother by night and left for Egypt, Saka akabva amuka ndokutora mwana namai vake usiku akatizira kuIjipiti,
15 and stayed there until Herod died, fulfilling what our Father said through the prophet: "Out of Egypt I called my son." kwaakandogara kusvikira Herodhi afa. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa naShe kubudikidza nomuprofita achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.”
16 Then Herod, seeing the magi had outwitted him, grew furious and sent men to kill all boys two years old and under in Bethlehem and its whole region, matching the time he'd learned from the magi. Kuzoti Herodhi aziva kuti vachenjeri vaya vainge vamunzvenga, akashatirwa kwazvo, ndokubva arayira kuti vana vechikomana vose vaiva muBheterehema nomunzvimbo yakapoteredza vaiva namakore maviri zvichidzika vaurayiwe, maererano nenguva yaakanga audzwa naVachenjeri.
17 This fulfilled what was spoken through Jeremiah the prophet: Ipapo zvakarehwa kubudikidza nomuprofita Jeremia zvakazadziswa, zvinoti:
18 "A voice was heard in Ramah, weeping and loud mourning, Rachel weeping for her children; she refused to be comforted, because they are no more." “Inzwi rakanzwikwa muRama rokuchema nokuungudza kukuru, Rakeri achichema vana vake, uye achiramba kunyaradzwa nokuti havachipo.”
19 But when Herod died, an angel of our Father appeared in a dream to Joseph in Egypt, Mushure mokufa kwaHerodhi, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa muIjipiti mukurota
20 saying, "Get up, take the child and his mother, go to Israel's land, for those seeking the child's life are dead." akati, “Tora mwana namai vake mudzokere kunyika yeIsraeri nokuti vaya vaida kuuraya mwana vakafa.”
21 So he got up, took the child and his mother, and went to Israel's land. Saka akasimuka akatora mwana namai vake akaenda kunyika yeIsraeri.
22 Hearing that Archelaus was ruling Judea in place of his father Herod, he was afraid to go there. Warned in a dream, he withdrew to the region of Galilee. Asi paakanzwa kuti Akerasi akanga otonga muJudhea panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako. Akati ayambirwa mukurota, akabva aenda kudunhu reGarirea,
23 He went and lived in a town called Nazareth, fulfilling the prophets' words: "He will be called a Nazarene." uye akaenda akandogara muguta rainzi Nazareta. Izvi zvakabva zvazadzisa zvakarehwa kubudikidza navaprofita zvichinzi, “Achanzi muNazareta.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]