Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Seeing the crowds, Jesus went up the mountain; when he sat down, his disciples came to him. Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari,
2 And he opened his mouth and began to teach them, saying: uye akatanga kuvadzidzisa achiti:
3 "Blessed are the poor in spirit, for theirs is the kingdom of our Father. “Vakaropafadzwa varombo pamweya, nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
4 Blessed are those who mourn, for they will be comforted. Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa.
5 Blessed are the meek, for they will inherit the earth. Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika.
6 Blessed are those who hunger and thirst for righteousness, for they will be satisfied. Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama nokuti vachagutswa kwazvo.
7 Blessed are the merciful, for they will receive mercy. Vakaropafadzwa vane tsitsi nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi.
8 Blessed are the pure in heart, for they will see our Father. Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo, nokuti vachaona Mwari.
9 Blessed are the peacemakers, for they will be called children of our Father. Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari.
10 Blessed are those who are persecuted for righteousness' sake, for theirs is the kingdom of our Father. Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
11 "Blessed are you when people insult, persecute, and lie about every kind of evil against you because of me. “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu.
12 Rejoice and be glad, for your reward is great in heaven, for they persecuted the prophets before you the same way. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.
13 "You are the salt of the earth. But if salt loses its taste, how can it be salted again? It's no longer good for anything but being thrown out and trampled by people. “Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.
14 "You are the light of the world. A city set on a hill cannot be hidden. “Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki.
15 No one lights a lamp and puts it under a basket, but sets it on a stand to light everyone in the house. Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba.
16 Likewise, let your light shine before people, so they see your good works and glorify your Father in heaven. Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.
17 "Don't think I came to abolish the Law or the Prophets—I didn't come to abolish them, but to fulfill them. “Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa.
18 For truly I tell you: until heaven and earth pass, not one letter, not one stroke, will pass from the Law until everything is done. Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa.
19 So whoever breaks one of these least commands and teaches others the same will be called least in the kingdom of our Father; but whoever keeps and teaches them will be called great in the kingdom of our Father. Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga.
20 For I tell you, unless you are more righteous than the scribes and Pharisees, you'll never enter the kingdom of our Father. Nokuti ndinokuudzai zvirokwazvo kuti kana kururama kwenyu kukasapfuura kwavaFarisi nokwavadzidzisi vemirayiro, zvirokwazvo hamungapindi muumambo hwokudenga.
21 "You've heard that it was said to those of old, 'Do not murder; whoever murders is subject to judgment.' “Makanzwa zvakataurwa kune vanhu vekare zvichinzi, ‘Usauraya uye ani naani anouraya achatongwa.’
22 But I tell you: whoever is angry with his brother risks judgment. Whoever insults his brother risks the council, and whoever says, 'You fool!' risks fiery hell. Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena.
23 "So if you're offering your gift at the altar and recall there that your brother has something against you, “Naizvozvo kana wada kupa chipo chako paaritari, ukayeuka pakarepo kuti wakatadzira hama yako,
24 leave your gift there before the altar, go make peace with your brother first, then come offer your gift. siya chipo chako ipapo pamberi pearitari. Tanga waenda undoyanana nehama yako, wozouya wopa chipo chako.
25 Make peace with your accuser quickly, while still on the way with him, or he may hand you over to the judge, the judge to the officer, and you may be thrown into prison. “Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uyo ari kukuendesa kudare. Ita izvi uchiri munzira naye, kana kuti angangokuisa kumutongi uye mutongi agokuisa kumutariri, uye ugokandwa mutorongo.
26 Truly I tell you, you will never get out until you have paid the last penny. Ndinokuudzai chokwadi kuti haungabudimo kusvikira waripa kamari kokupedzisira.
27 "You have heard that it was said, 'You shall not commit adultery.' “Makanzwa zvichinzi, ‘Usaita upombwe.’
28 But I tell you: everyone who looks at a woman lustfully has already committed adultery with her in his heart. Asi ini ndinoti kwamuri ani naani anotarisa mukadzi neziso roruchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.
29 If your right eye makes you stumble, tear it out and throw it away—better to lose one part of your body than have your whole body thrown into hell. Kana ziso rako rorudyi richikuita kuti utadze, ribvise urirase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako pano kuti muviri wako wose ukandwe mugehena.
30 If your right hand makes you sin, cut it off and throw it away. Better to lose one part of you than have your whole body go into hell. Uye kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rucheke ururase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako, pano kuti muviri wako wose uende kugehena.
31 "It was also said, 'Whoever divorces his wife must give her a certificate of divorce.' “Zvakanzi, ‘Ani naani anoramba mukadzi wake anofanira kumupa gwaro rokurambana.’
32 I tell you: whoever divorces his wife, except for sexual sin, makes her a victim of adultery; and whoever marries a divorced woman commits adultery. Asi ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake kunze kwemhosva yokusatendeka muwaniso anomuitisa upombwe, uye ani naani anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.
33 "Again, you've heard it was said to the ancients: 'Don't break your oath—fulfill it to our Father.' “Makanzwa zvakare zvichitaurwa kuvanhu vekare kare zvichinzi, ‘Usatyora mhiko dzako, asi zadzisa mhiko dzose dzaunenge waita kuna Ishe.’
34 But I tell you, do not swear an oath at all: neither by heaven, for it is our Father's throne, Asi ndinokuudzai kuti, Musatongopika: kunyange nedenga nokuti ndiro chigaro chaMwari choumambo;
35 nor by the earth, for it's the footstool for his feet, nor by Jerusalem, for it's the city of the great King. kana nenyika nokuti ndiyo chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo Mukuru.
36 And do not swear by your head, for you cannot make a single hair white or black. Uye usapika nomusoro wako nokuti haugoni kuita kuti bvudzi rimwe chete rive jena kana dema.
37 Let your 'Yes' be 'Yes,' and your 'No,' 'No'; anything beyond this comes from the evil one. Hongu yako ngaingova ‘Hongu’, ne‘Kwete’ yako ive ‘Kwete’; zvimwe zvinopfuura izvi zvinobva kuno wakaipa.
38 "You have heard that it was said, 'Eye for eye and tooth for tooth.' “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsiviwa neziso, uye zino rinotsiviwa nezino.’
39 But I tell you: don't resist an evil person. If someone slaps your right cheek, turn the other cheek to him too. Asi ndinokuudzai kuti, Musadzivisa munhu akaipa. Kana munhu akakurova padama rorudyi, murinzire roruboshwewo.
40 If anyone wants to sue you and take your tunic, let him have your cloak too. Kana munhu akakukwirira kumatare achida kukutorera nguo yako, rega atorewo nejasi rako.
41 And if anyone forces you to go one mile, go with him two. Kana munhu akakumanikidza kufamba mutunhu mumwe chete, famba naye miviri.
42 Give to whoever asks you, and don't turn away whoever wants to borrow from you. Kana munhu akakukumbira chinhu, mupe, uye usafuratira munhu anoda kukwereta kwauri.
43 "You have heard that it was said, 'You will love your neighbor and hate your enemy.' “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, uvenge muvengi wako.’
44 But I tell you, love your enemies and pray for those who persecute you, Asi ini ndinokuudzai kuti, Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai,
45 so you may become children of your Father in heaven, because he makes his sun rise on evil and good and sends rain on just and unjust. kuitira kuti mugova vana vaBaba venyu vari kudenga. Ivo vanoita kuti zuva ravo ribude pane vakaipa nevakanaka uye vanonayisa mvura yavo pane vakarurama nevasakarurama.
46 If you love those who love you, what reward is that? Don't even tax collectors do the same? Kana mukangoda avo vanokudai, muchawana mubayiro wei? Vateresi havaiti zvimwe chetezvo here?
47 If you greet only your brothers, what more do you do than others? Don't even the Gentiles do that? Kana muchingokwazisana nehama dzenyu bedzi, mungakunda vamwe pakudii? Ko, vasingatendi havaiti zvimwe chetezvo here?
48 Be perfect, therefore, as your heavenly Father is perfect." Naizvozvo, ivai vakakwana, sezvo Baba venyu vari kudenga vari vakakwana.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]