Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 28 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After the Sabbath, at dawn on the first day of the week, Mary Magdalene and the other Mary came to see the tomb. Mushure meSabata, ava mambakwedza nomusi wokutanga wevhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria vakaenda kundoona guva.
2 Suddenly a great earthquake struck, for an angel of our Father came down from heaven, rolled back the stone, and sat on it. Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru nokuti mutumwa waShe akabva kudenga akaenda paguva akasvikokungurutsa ibwe riya akagara pamusoro paro.
3 His appearance was like lightning, and his clothing white as snow. Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni uye nguo dzake dzakanga dzakachena sechando.
4 The guards trembled in fear of him and became like dead men. Varindi vakamutya kwazvo zvokuti vakadedera vakaita savanhu vafa.
5 But the angel said to the women, "Don't be afraid, for I know you're looking for Jesus, who was crucified. Mutumwa akati kuvakadzi vaya, “Musatya nokuti ndinoziva kuti muri kutsvaka Jesu uyo akarovererwa pamuchinjikwa.
6 He isn't here—he's risen, as he said. Come, see the place where he was lying. Haapo pano; amuka sokutaura kwaakaita. Uyai muone panzvimbo paakanga avete.
7 Go quickly, tell his disciples: He has risen from the dead. Look, he is going ahead of you to Galilee; you will see him there. Listen, I have told you." Zvino kurumidzai muende kundoudza vadzidzi vake kuti, ‘Amuka kubva kuvakafa uye kuti afanotungamira kuGarirea. Muchanomuona ikoko.’ Zvino ndakuudzai.”
8 So they left the tomb quickly, with fear and great joy, and ran to tell his disciples. Saka vakadzi ava vakakurumidza kubva paguva vachitya asi vakazadzwa nomufaro, uye vakamhanya kundoudza vadzidzi vake.
9 Suddenly Jesus met them, saying, "Greetings!" They came to him, grasped his feet, and worshiped him. Pakarepo Jesu akasangana navo, akati, “Kwaziwai.” Vakauya kwaari vakabata tsoka dzake uye vakamunamata.
10 Then Jesus told them, "Don't be afraid. Go, tell my brothers to leave for Galilee—they will see me there." Ipapo Jesu akati kwavari, “Musatya. Endai mundoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea; ikoko ndiko kwavachanondiona.”
11 While on the way, some guards entered the city and reported to the chief priests all that had happened. Vakadzi vaya vachiri munzira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakandotaurira vaprista vakuru zvose zvakanga zvaitika.
12 After meeting with the elders and forming a plan, they paid the soldiers a large sum, Vaprista vakuru vakati vasangana navakuru, uye vafunga zano, vakapa varwi mari zhinji
13 telling them, "Say: His disciples came at night and stole him while we slept. vakati kwavari, “Imi munofanira kutaura muchiti, ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tivete.’
14 If this reaches the governor, we'll persuade him and keep you free of trouble." Kana mashoko aya akasvika munzeve dzomubati, isu tichaita kuti agutsikane uye imi musawira mudambudziko.”
15 They took the money and did as they were told; this report spread among the Jews to this day. Saka varwi vakatora mari iya vakaita sezvavakanga varayirwa. Uye shoko iri rakaparadzirwa kwazvo pakati pavaJudha kusvikira zuva ranhasi.
16 Then the eleven disciples went to Galilee, to the mountain where Jesus had directed them. Ipapo vadzidzi gumi nomumwe vakaenda kuGarirea, kugomo ravainge vaudzwa naJesu kuti vaende.
17 When they saw him, they worshiped him, but some doubted. Vakati vamuona, vakamunamata, asi vamwe vakakahadzika.
18 Jesus came and said to them, "All authority in heaven and on earth has been given to me. Ipapo Jesu akasvika pavari akati, “Simba rose kudenga napanyika rakapiwa kwandiri.
19 Therefore go and make disciples of all nations, baptizing them in the name of the Father and of the Son and of the Holy Spirit, Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene,
20 teaching them to obey all I've commanded you. Remember, I'm with you always, to the end of the age." uye muchivadzidzisa kuti vachengete zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvikira pakuguma kwenyika.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]