Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The beginning of the gospel of Jesus Christ, the Son of our Father. Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.
2 As written in Isaiah the prophet: "Look, I send my messenger ahead of you, who will prepare your way. Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi: “Ndichatuma nhume yangu mberi kwako, uyo achagadzira nzira yako,”
3 A voice calling out in the wilderness: 'Prepare the way of the Lord, make his paths straight.'" “inzwi rounodana murenje, richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’ ”
4 John appeared, baptizing in the wilderness and proclaiming a baptism of repentance for the forgiveness of sins. Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi.
5 All Judea and everyone in Jerusalem went out to him, and he baptized them in the Jordan River as they confessed their sins. Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusarema vakaenda kwaari. Vachireurura zvivi zvavo, vakabhabhatidzwa naye muRwizi rweJorodhani.
6 John was dressed in camel's hair, with a leather belt around his waist, eating locusts and wild honey. Johani aipfeka nguo dzamakushe engamera, nebhanhire reganda muchiuno chake, uye aidya mhashu nouchi hwesango.
7 He announced: "After me comes one stronger than I; I'm not worthy to stoop and untie his sandal strap. Uye iyi ndiyo yakanga iri mharidzo yake: “Shure kwangu kuchauya mumwe ane simba kupfuureni wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake.
8 I have baptized you with water, but he will baptize you with the Holy Spirit." Ndinokubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene.”
9 In those days Jesus came from Nazareth of Galilee and was baptized by John in the Jordan. Panguva iyoyo Jesu akauya achibva kuNazareta muGarirea uye akabhabhatidzwa naJohani muJorodhani.
10 Immediately, as he came up out of the water, he saw the heavens split open and the Holy Spirit come down on him like a dove. Jesu paakanga ava kubuda mumvura, akaona denga richizarurwa uye Mweya achiburukira pamusoro pake senjiva.
11 And a voice came from heaven: "You are my beloved Son; in you I delight." Uye inzwi rakauya richibva kudenga richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, wandinoda, wandinofarira kwazvo.”
12 And immediately the Holy Spirit drove him out into the wilderness. Pakarepo Mweya akamutumira kurenje,
13 He was in the wilderness forty days, tempted by Satan, with the wild animals, and the angels served him. uye akanga ari murenje kwamazuva makumi mana, achiedzwa naSatani. Akanga ari pamwe chete nemhuka dzesango uye vatumwa vakamushandira.
14 Now after John was arrested, Jesus came into Galilee, proclaiming the gospel of our Father, Mushure mokunge Johani aiswa mutorongo, Jesu akaenda kuGarirea, achiparidza vhangeri raMwari.
15 and saying, "The time is fulfilled, and our Father's kingdom is near; repent and believe the good news." Akati, “Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera. Tendeukai mutende vhangeri!”
16 Passing the Sea of Galilee, he saw Simon and his brother Andrew casting a net in the sea, for they were fishermen. Jesu paakanga achifamba pamahombekombe eGungwa reGarirea, akaona Simoni nomununʼuna wake Andirea vachikanda usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.
17 And Jesus said to them, "Follow me, and I will make you become fishers of people." Jesu akati, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”
18 And immediately they left their nets and followed him. Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera.
19 Going a little farther, he saw James son of Zebedee and John his brother in their boat, mending the nets. Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo.
20 At once he called them; leaving their father Zebedee in the boat with the hired hands, they followed him. Haana kunonoka, akavadana, uye vakasiya baba vavo, Zebhedhi, mugwa vaine vashandi vavo, vakamutevera.
21 They went to Capernaum. At once, on the Sabbath, he entered the synagogue and began teaching. Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa.
22 They were amazed at his teaching, for he taught them with authority, not like the scribes. Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro.
23 And immediately there was in their synagogue a man with an unclean spirit, and he cried out. Pakarepo mumwe murume akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti,
24 Why meddle with us, Jesus of Nazareth? Have you come to destroy us? I know who you are—God's Holy One! “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani, imi Mutsvene waMwari!”
25 But Jesus rebuked him, saying, "Be silent, and come out of him!" Jesu akarayira akati, “Nyarara! Buda maari!”
26 And the unclean spirit, convulsing him and crying out with a loud voice, came out of him. Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru.
27 All were amazed, and they questioned each other: "What is this? A new teaching with authority - he commands even the unclean spirits, and they obey him!" Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.”
28 And at once his fame spread everywhere throughout all the surrounding region of Galilee. Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea.
29 Immediately he left the synagogue and went to Simon and Andrew's house, with James and John. Vakati vachangobva musinagoge, vakaenda naJakobho naJohani kumba kwaSimoni naAndirea.
30 Now Simon's mother-in-law lay sick with a fever, and immediately they told him about her. Ambuya vaSimoni vakanga vavete pamubhedha vachirwara nefivha, uye vakaudza Jesu nezvavo.
31 He came, took her hand, raised her up. The fever left her, and she served them. Saka akaenda kwavari, akabata ruoko rwavo akavabatsira kusimuka. Fivha yakabva mavari vakatanga kuvashandira.
32 That evening, when the sun set, they brought him all who were sick and those oppressed by demons. Manheru acho iwayo zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vairwara navakanga vakabatwa namadhimoni.
33 And the whole city was gathered together at the door. Guta rose rakaungana pamukova,
34 He healed many sick with various diseases and drove out many demons, not letting the demons speak, since they knew him. uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani.
35 Long before dawn, while still dark, he got up, went out to a deserted place, and prayed there. Mangwanani-ngwanani, kuchakasviba, Jesu akamuka akabuda mumba akaenda kunzvimbo yaakanga ari oga, ikoko akandonyengetera.
36 And Simon and those who were with him searched for him, Simoni navamwe vake vakaenda kundomutsvaka,
37 and they found him and said to him, "Everyone is looking for you." uye vakati vamuwana, vakati, “Vanhu vose vanokutsvakai!”
38 He said, "Let us go elsewhere, to the neighboring towns, so I can preach there too, for that is why I came." Jesu akapindura akati, “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidzawo ikoko. Ndizvo zvandakauyira.”
39 And he went throughout all Galilee, preaching in their synagogues and casting out demons. Saka akafamba nomuGarirea yose, achiparidza mumasinagoge avo uye achidzinga madhimoni.
40 A man with leprosy came, knelt, and begged him, "If you're willing, you can make me clean." Mumwe murume akanga ana maperembudzi akauya kwaari akapfugama, akamukumbira zvikuru achiti, “Kana muchida, munogona kundinatsa.”
41 Moved with deep compassion, he stretched out his hand, touched him, and said to him, "I am willing; be clean." Jesu akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya. Akati, “Ndinoda. Chinatswa!”
42 And immediately the leprosy left him, and he was made clean. Pakarepo maperembudzi akabva paari uye akaporeswa.
43 Sternly warning him, he sent him away at once, Jesu akamuendesa pakarepo akamuyambira zvikuru achiti,
44 and told him, "Make sure you tell no one—but go, show yourself to the priest, and offer what Moses commanded for your cleansing, as proof to the people." “Chenjera kuti urege kuudza mumwe munhu. Asi enda, undozviratidza kumuprista ugobayira chipiriso chakarayirwa naMozisi chokuporeswa kwako, chive chapupu kwavari.”
45 But he went out, proclaiming it freely and spreading the news, so Jesus could no longer enter a town openly, but stayed in lonely places. Yet people came to him from everywhere. Asi iye akabuda akatanga kutaura akasununguka, achiparadzira shoko iro. Nokuda kwaizvozvo, Jesu haana kuzogona kupinda muguta zviri pachena asi akagara kunze, kunzvimbo dzakanyarara. Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachiuya kwaari vachibva kumativi ose.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]