Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 A few days later, when Jesus came back to Capernaum, word spread that he was home. Shure kwamazuva mashoma shoma, Jesu akati apindazve muKapenaume, vanhu vakanzwa kuti akanga auya kumusha.
2 So many gathered that there was no room left, not even at the door, and he was speaking the word to them. Saka vazhinji vakaungana zvokuti mumba makasara musisina nzvimbo kunyange kunze kwomukova, uye akaparidza shoko kwavari.
3 Then some men came, bringing to him a paralyzed man carried by four of them. Vamwe varume vakasvika, vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mutezo, akatakurwa navarume vana.
4 Unable to bring him to Jesus because of the crowd, they removed the roof over him, dug through it, and lowered the mat the paralyzed man lay on. Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye kuna Jesu nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakazarura denga reimba pamusoro paJesu uye, vakati variputsa, vakaburutsa nhoo pakanga pavete uya munhu akanga akafa mutezo.
5 When Jesus saw their faith, he said to the paralyzed man, "Son, your sins are forgiven." Jesu akati aona kutenda kwavo, akati kuno uya akanga akafa mutezo, “Mwanakomana, zvivi zvako zvaregererwa.”
6 Now some of the scribes were sitting there, reasoning in their hearts, Zvino vamwe vadzidzisi vomurayiro, vakanga vagere ipapo, vakafunga mumwoyo yavo vachiti,
7 "Why does this man speak this way? He is blaspheming! Who can forgive sins but God alone?" “Munhu uyu anotaura sei achidaro? Ari kumhura Mwari! Ndianiko anoregerera zvivi asi Mwari oga?”
8 Immediately Jesus knew in his spirit they were reasoning this way within themselves, and said to them, "Why are you reasoning these things in your hearts? Pakarepo Jesu akazviziva mumweya wake kuti ndizvo zvavakanga vachifunga mumwoyo yavo, uye akati kwavari, “Seiko muchifunga zvinhu izvi?
9 Which is easier—telling the paralyzed man, 'Your sins are forgiven,' or, 'Get up, take your mat, and walk'? Ndezvipiko zvakareruka: Kuti kuno wakafa mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo yako ufambe’?
10 But so you'll know the Son of Man has authority on earth to forgive sins"—he told the paralyzed man, Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kuna akanga akafa mutezo,
11 "I say to you, get up, take your mat, and go home." “Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo yako uende kumba.”
12 He got up, immediately took his mat, and went out before them all, so that everyone was amazed and praised our Father, saying, "We've never seen anything like this." Akasimuka kubva panhoo yake, akatora nhoo yake akafamba akabuda vose vachizviona. Izvi zvakashamisa munhu wose uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Hatina kumboona chinhu chakadai!”
13 Jesus went out beside the sea again; the whole crowd came to him, and he taught them. Ipapo Jesu akabudazve akaenda kugungwa. Vanhu vazhinji zhinji vakauya kwaari uye akatanga kuvadzidzisa.
14 Passing by, he saw Levi son of Alphaeus sitting at the tax booth and said, "Follow me." He got up and followed him. Paaifamba achitevedza gungwa, akaona Revhi mwanakomana waArifeasi agere paitererwa mutero. Jesu akati kwaari, “Nditevere,” ipapo Revhi akasimuka akamutevera.
15 While Jesus reclined at the table in Levi's house, many tax collectors and sinners reclined with Jesus and his disciples, since many were following him. Jesu paakanga achidya kudya kwamanheru pamba paRevhi, vateresi vazhinji na“vatadzi” vakanga vachidya naye, navadzidzi vake, nokuti kwaiva navazhinji vaimutevera.
16 Seeing him eat with sinners and tax collectors, the Pharisees' scribes asked his disciples, "Why does he eat with tax collectors and sinners?" Vadzidzisi vomurayiro, ivo vaFarisi, vakati vachimuona achidya na“vatadzi” navateresi, vakabvunza vadzidzi vake vakati, “Seiko achidya navateresi na‘vatadzi’?”
17 Hearing this, Jesus said to them, "The healthy don't need a doctor, but the sick do. I didn't come to call the righteous, but sinners." Anzwa izvozvo, Jesu akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
18 John's disciples and the Pharisees were fasting. They came and asked him, "Why do John's disciples and the Pharisees' disciples fast, but yours don't?" Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachitsanya. Vamwe vanhu vakauya vakabvunza Jesu vakati, “Sei vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vachitsanya, asi venyu vasingatsanyi?”
19 Jesus said to them, "Can wedding guests fast while the bridegroom is with them? As long as they have the bridegroom with them, they cannot fast. Jesu akapindura akati, “Shamwari dzechikomba dzingatsanya seiko kana iye achinavo? Havangadaro, kana iye achinavo.
20 But days will come when the bridegroom is taken from them; then, on that day, they will fast. Asi nguva ichasvika ichabviswa chikomba kwavari, uye pazuva iroro vachatsanya.
21 No one sews unshrunk cloth on an old garment; otherwise the new patch tears away from the old, and the tear worsens. “Hakuna munhu anoisa chigamba chitsva panguo tsaru. Kana akadaro, chigamba chitsva chichabvarura chitsaru, zvoita kuti buri racho rinyanye kukura.
22 No one puts new wine into old wineskins; the wine bursts the skins, and both are ruined. New wine goes into new wineskins." Uye hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo dzamatehwe tsaru. Kana akaita izvozvo, waini ichaputitsa matehwe, uye zvose waini nedehwe rewaini zvichaparara. Kwete, anodira waini itsva muhombodo itsva.”
23 One Sabbath, he walked through the grainfields, and as they went, his disciples began picking heads of grain. Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achipfuura nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakanga vachifamba naye, vakatanga kutanha hura dzezviyo.
24 The Pharisees said to him, "Look, why are they doing what's not lawful on the Sabbath?" VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, seiko vachiita zvisingatenderwi nomusi weSabata.”
25 And he said to them, "Have you never read what David did when he was in need and hungry, he and those with him, Akapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vashayiwa zvokudya uye vonzwa nzara?
26 how he entered the house of our Father in the days of Abiathar the high priest, ate the bread of the Presence—which only priests may eat—and gave some to those with him?" Mumazuva aAbhiatari muprista mukuru, akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakatsaurwa, chinongotenderwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo vamwe vaaiva navo.”
27 And he said to them, "The Sabbath was made for people, not man for the Sabbath. Ipapo akati kwavari, “Sabata rakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa Sabata.
28 So the Son of Man is Lord even of the Sabbath." Saka Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe kunyange weSabata.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]