Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Once again Jesus entered the synagogue, and a man with a withered hand was there. Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara.
2 They watched closely to see if he'd heal the man on the Sabbath, to accuse Jesus. Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata.
3 Jesus said to the man with the withered hand, "Stand up and come forward." Jesu akati kumurume akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.”
4 Then he asked them, "Is it lawful on the Sabbath to do good or to do harm, to save life or to kill?" But they stayed silent. Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Asi vakaramba vanyerere.
5 He looked around at them in anger, grieved by their hardness of heart, and told the man, "Stretch out your hand." He stretched it out, and his hand was restored. Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa.
6 Then the Pharisees went out and immediately began plotting with the Herodians how they might destroy him. Ipapo vaFarisi vakabuda vakatanga kurangana navaHerodhi kuti vangauraya sei Jesu.
7 Jesus withdrew with his disciples to the sea; a large crowd from Galilee followed, and from Judea, Jesu akabva kugungwa navadzidzi vake, uye vanhu vazhinji vaibva kuGarirea vakamutevera.
8 from Jerusalem, Idumea, beyond the Jordan, and the region around Tyre and Sidon—hearing all he was doing, a great crowd came to him. Vakati vanzwa zvose zvaakanga achiita, vanhu vazhinji vakauya kwaari vachibva kuJudhea, Jerusarema, Idhumea, uye namatunhu ari mhiri kweJorodhani, neakapoteredza Tire neSidhoni.
9 He told his disciples to keep a small boat ready, because of the crowd, so they wouldn't crush him. Akaudza vadzidzi vake kuti vamutsvagire igwa duku, kuitira kuti vanhu varege kumutsikirira nokuda kwokuwanda kwavo.
10 For he had healed so many that all who had diseases were pressing forward to touch him. Ainge aporesa vazhinji zvokuti vaya vakanga vane zvirwere vakanga vachisundana vachiuya mberi kuti vamubate.
11 Whenever the unclean spirits saw him, they fell before him, shouting, "You are the Son of God!" Pose paaionekwa nemweya yakaipa, yaiwira pasi pamberi pake uye yaidanidzira ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari.”
12 But he firmly warned them not to reveal him. Asi iye akairayira kwazvo kuti irege kutaura kuti akanga ari ani.
13 Jesus went up the mountain and called those he wanted; they came to him. Jesu akakwira pagomo akadana kwaari vaya vaaida, uye vakauya.
14 He appointed twelve, named apostles, so they could be with him and he could send them out to preach, Akasarudza vane gumi navaviri akavati vapostori, kuti vagare naye uye kuti agozovatuma kuti vandoparidza
15 and to have authority to drive out demons. uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni.
16 These are the twelve he appointed: Simon, to whom he gave the name Peter; Ava ndivo gumi navaviri vaakasarudza: Simoni (uyo waakatumidza zita rokuti Petro),
17 James son of Zebedee, and John his brother, whom he named Boanerges, meaning Sons of Thunder; Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani (avo vaakatumidza zita rokuti Bhoanerigesi, kureva kuti Vanakomana voKutinhira),
18 Andrew, Philip, Bartholomew, Matthew, Thomas, James son of Alphaeus, Thaddaeus, Simon the Zealot, Andirea, Firipi, Bhatoromeo, Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Tadheo, Simoni muZeroti
19 and Judas Iscariot, who betrayed him. naJudhasi Iskarioti, uyo akamupandukira.
20 He went home; the crowd gathered again, so he and his disciples couldn't even eat. Ipapo Jesu akapinda mune imwe imba, uye vazhinji vakaunganazve, zvokuti iye navadzidzi vake vakanga vasingagoni kunyange kudya.
21 When his family heard, they went out to restrain him, for they said, "He's out of his mind." Mhuri yake yakati yazvinzwa, vakaenda kundomubata, nokuti vakati, “Ava kupenga.”
22 The scribes who came down from Jerusalem said, "He has Beelzebul," and, "By the prince of demons he drives out demons." Uye vadzidzisi vomurayiro vaibva kuJerusarema vakati, “Akabatwa nomweya waBheerizebhubhi! Ari kudzinga madhimoni nomuchinda wamadhimoni.”
23 So Jesus called them to him and spoke in parables: "How can Satan drive out Satan? Saka Jesu akavadana akataura kwavari nomufananidzo achiti, “Ko, Satani angadzinga sei Satani?
24 If a kingdom is divided against itself, that kingdom cannot stand. Kana umambo huchizvipesanisa, umambo ihwohwo hahugoni kumira.
25 And if a house is divided against itself, that house will not be able to stand. Kana imba ichizvipesanisa, imba iyoyo haigoni kumira.
26 And if Satan opposes himself and is divided, he cannot stand; his end has come. Uye kana Satani achizvipikisa pachake uye achizvipesanisa, haangagoni kumira; kuguma kwake kwasvika.
27 No one can enter a strong man's house and take his goods without first tying up the strong man—then he can plunder the house. Zviripo ndezvokuti, hakuna munhu angapinda mumba momunhu ane simba agotakura zvinhu zvake, kana asina kutanga asunga murume wacho ane simba. Ipapo angagona kupamba imba yake.
28 Truly I tell you, all sins and insults against God will be forgiven children of mankind, whatever they say, Ndinokuudzai chokwadi kuti zvivi zvose nokumhura kwavanhu kwose zvicharegererwa.
29 but whoever blasphemes against the Holy Spirit never has forgiveness; they are guilty of an eternal sin," Asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazomboregererwi; ane mhosva yechivi chisingaperi.”
30 for they were saying, "He has an unclean spirit." Akataura izvozvo nokuti vakanga vachiti, “Ano mweya wakaipa.”
31 His mother and brothers arrived and, standing outside, sent to him, calling him. Ipapo mai vaJesu navanunʼuna vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze.
32 A crowd sat around him and said to him, "Look, your mother and your brothers are outside, asking for you." Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vari kukutsvakai panze.”
33 He answered them, "Who are my mother and my brothers?" Iye akati, “Vanamai vangu navanunʼuna vangu ndivanaaniko?”
34 Looking around at those sitting in a circle around him, he said, "Here are my mother and my brothers! Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, “Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu!
35 Whoever does the will of our Father is my brother and sister and mother." Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi, uye namai vangu.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]