Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Jesus again taught by the sea. So large a crowd gathered around him that he got into a boat on the water and sat, while the whole crowd was on land by the sea. Jesu akatanga kudzidzisazve ari pagungwa. Vanhu vakanga vakaungana vakamukomberedza vari vazhinji zhinji zvokuti akabva apinda mugwa akagara mariri ari mugungwa, asi vanhu vose vari kumahombekombe.
2 He taught them many things in parables, and in his teaching he said to them: Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, uye mukudzidzisa kwake akati,
3 "Listen! A sower went out to sow. “Teererai! Murimi akabuda kundokusha mbeu yake.
4 And as he sowed, some seed fell along the path, and the birds came and devoured it. Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, uye shiri dzakasvika dzikadzidya.
5 Other seed fell on rocky ground, lacking much soil, and sprang up at once since the soil had no depth. Dzimwe dzakawira murukangarabwe, madzisina kuwana ivhu rakawanda. Dzakakurumidza kumera, nokuti ivhu rakanga riri shoma.
6 When the sun rose, the plants were scorched, and since they had no root, they withered. Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakapiswa nezuva, uye dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi.
7 Other seed fell among thorns, and the thorns grew up and choked it, yielding no grain. Dzimwe dzakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura ikavhunga mbeu, nokudaro hadzina kubereka zvibereko.
8 Other seed fell into good soil, producing grain that sprouted, grew, and yielded thirty, sixty, one hundred times what was sown." Uye dzimwe dzakawira pavhu rakanaka. Dzakamera dzikakura uye dzikabereka kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu, kana kunyange zana.”
9 And he said, "Whoever has ears to hear, let him hear." Ipapo Jesu akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
10 When he was alone, those around him, together with the Twelve, asked him about the parables. Paakanga ava oga, vane gumi navaviri uye navamwe vakanga vakamukomberedza vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.
11 He said to them, "To you is given the secret of the kingdom of our Father, but to those outside, everything comes in parables, Akati kwavari, “Chakavanzika choumambo hwaMwari chakapiwa kwamuri. Asi kuna avo vari kunze, zvinhu zvose zvinotaurwa nemifananidzo
12 so that 'they may look but not perceive, and hear but not understand, and not turn and be forgiven.'" kuitira kuti, “ ‘zvimwe vangaramba vachiona, asi varege kuonesesa; uye vachinzwa, asi varege kunzwisisa; kana kuti vangatendeuka uye vakaregererwa!’ ”
13 He said to them, "You don't understand this parable? Then how will you understand all the parables? Ipapo Jesu akati kwavari, “Hamunzwisisi mufananidzo uyu here? Munganzwisisa seiko mufananidzo upi zvawo?
14 The sower sows the word. Murimi anokusha shoko.
15 These are the ones on the path where the word is sown: once they hear, Satan comes immediately and takes away the word sown in them. Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo.
16 These are the ones sown on rocky ground, who hear the word and immediately receive it with joy. Vamwe vakaita setsanga yakawira parukangarahwe, vanonzwa shoko uye nokukurumidza vorigamuchira nomufaro.
17 But they have no root in themselves, lasting only briefly; when trouble or persecution comes because of the word, they fall away at once. Asi sezvo vasina midzi, vanongotsungirira kwenguva pfupi. Panongosvika nhamo kana kutambudzwa nokuda kweshoko, vanokurumidza kuwa.
18 And others are the ones sown among thorns. These are those who hear the word, Uye vamwe, setsanga yakawira pakati peminzwa, vanonzwa shoko;
19 but worries of this age, the deceit of wealth, and desires for other things enter and choke the word, and it produces no fruit. asi kufunganya nezvoupenyu huno, kunyengera kwoupfumi uye zvishuvo zvezvimwe zvinhu zvinopinda zvigovhunga shoko, zvichirishayisa zvibereko.
20 And these are the ones sown on good soil: they hear the word, accept it, and produce fruit—thirty, sixty, one hundred times over." Vamwe vakaita setsanga yakawira pavhu rakanaka, vanonzwa shoko, vorigamuchira, uye vobereka zvibereko, kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu kana kunyange zana pane zvinenge zvakushwa.”
21 He told them, "Does anyone bring in a lamp to put it under a basket or bed—not on a stand? Akati kwavari, “Munouya nomwenje kuzouisa pasi pedengu here kana pasi pomubhedha? Handiti munouisa pachigadziko chawo here?
22 Nothing is hidden except to be revealed; nothing is secret except to surface. Nokuti hapana chakavigwa chisingazooneswi, uye hapana chakavanzika chisingazobudi pachena.
23 If anyone has ears to hear, let him hear." Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
24 He told them, "Watch what you hear. The measure you use will be measured to you—and more added. Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Chiyero chamunoshandisa, ndicho chamuchayerwawo nacho kunyange zvakapfuurisa.
25 For whoever has will be given more; whoever doesn't, even what he has will be taken from him." Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.”
26 He said, "This is what the kingdom of our Father is like: a man scatters seed on the ground. Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu.
27 Night and day, asleep or awake, the seed sprouts and grows, though he doesn't know how. Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei.
28 The soil yields grain on its own—first blade, then head, then full kernel in the head. Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura.
29 But when the grain ripens, he immediately sends the sickle, since harvest has come." Panongoibva zviyo, anozvicheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.”
30 He said, "What can we compare the kingdom of our Father to, or what parable can we use for it? Akatizve, “Umambo hwaMwari tingahufananidza neiko kana kuti tingaita mufananidzo upiko kuti tihutsanangure?
31 It's like a mustard seed, the smallest of all seeds when sown on the ground. Hwakafanana netsanga yemasitadhi, inova tsanga duku duku yaunodyara muvhu.
32 Yet once sown, it grows up and becomes the largest of all garden plants, producing branches so big that birds of the air can nest in its shade." Asi kana yadyarwa, inokura igova muti mukuru kupfuura miti yose yomubindu, una matavi makuru zvokuti shiri dzedenga dzinogona kugara mumumvuri wawo.”
33 With many such parables he spoke the word to them, as they were able to hear. Nemimwe mifananidzo yakadai, Jesu akataura shoko kwavari, zvose sezvavaigona kunzwisisa.
34 He spoke to them only in parables, but privately explained everything to his own disciples. Haana kutaura chinhu chimwe kwavari asingashandisi mufananidzo. Asi paainge ari oga navadzidzi vake, aivatsanangurira zvose.
35 That day, when evening came, he said to them, "Let us cross over to the other side." Zuva iroro ava madekwana, akati kuvadzidzi vake, “Ngatiyambukirei kuno rumwe rutivi.”
36 They left the crowd and took him along, just as he was, in the boat, other boats accompanying him. Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye mugwa, sezvaakanga ari. Pakanga pane mamwewo magwa aaiva nawo.
37 A fierce windstorm came up. Waves broke over the boat, so that it was already being swamped. Dutu rinotyisa rakauya, uye mafungu akarova igwa, zvokuti rakanga rava pedyo nokunyura.
38 But Jesus was asleep in the stern on the cushion. They woke him and said, "Teacher, don't you care that we're dying?" Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?”
39 He got up, rebuked the wind, and told the sea, "Peace! Be still!" The wind stopped, and it grew totally calm. Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru.
40 He said to them, "Why are you so afraid? Do you still have no faith?" Akati kuvadzidzi vake, “Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?”
41 They were terrified and asked one another, "Who then is this, that even the wind and the sea obey him?" Vakatya uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]