Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 They came to the other side of the sea, to the region of the Gerasenes. Vakayambuka mhiri kwegungwa kunyika yavaGerase.
2 As Jesus left the boat, a man with an unclean spirit met him at once, from the tombs. Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye.
3 He lived among the tombs, and no one could bind him anymore, not even with a chain. Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani.
4 For he'd often been bound with shackles and chains, but tore the chains apart and shattered the shackles—no one had strength to subdue him. Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda.
5 Night and day, among the tombs and on the mountains, he cried out constantly, cutting himself with stones. Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo.
6 And when he saw Jesus from a distance, he ran and fell down before him. Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira namabvi ake mberi kwake.
7 Shouting loudly, he said, "What do you want with me, Jesus, Son of the Most High God? I beg you by God, don't torment me!" Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!”
8 For Jesus had been saying to him, "Come out of the man, you unclean spirit!" Nokuti Jesu akanga ati kwaari, “Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!”
9 Jesus asked, "What is your name?" "Legion," he said, "we are many." Ipapo Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji.”
10 He kept begging him not to send them out of the region. Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo.
11 Now a great herd of pigs was feeding there on the hillside. Boka guru renguruve raifura riri pazvikomo zvaiva pedyo nenzvimbo iyi.
12 And they begged him, "Send us to the pigs; let us enter them." Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, “Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri.”
13 He gave permission. The unclean spirits came out and entered the pigs; the herd—about 2,000—rushed down the cliff into the sea and drowned in the sea. Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo.
14 The herders fled and told it in town and country; people came to see what happened. Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika.
15 They came to Jesus and saw the man who had been possessed by the demons, the one who'd had the legion, sitting there, dressed and thinking clearly—and they were afraid. Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya.
16 Eyewitnesses told them what had happened to the demon-possessed man, and about the pigs. Vaya vakanga vazviona vakavaudza zvakanga zvaitika kumunhu akanga ambobatwa namadhimoni, uye vakataura nezvenguruvewo.
17 And they began to beg Jesus to leave their region. Ipapo vanhu vakatanga kukumbira Jesu kuti abve munyika yavo.
18 As he was getting into the boat, the once-possessed man begged to be with him. Jesu paakanga opinda mugwa, munhu akanga akabatwa namadhimoni akakumbira zvikuru kuti aende naye.
19 But Jesus refused, telling him instead, "Go home to your own people and tell them how much our Father has done for you, and how he has had mercy on you." Jesu haana kumutendera, asi akati kwaari, “Chienda kumba kumhuri yako undovaudza zvawaitirwa naShe, uye kuti akunzwira ngoni sei.”
20 He went and began proclaiming in the Decapolis all Jesus had done for him, and everyone was amazed. Saka murume uyu akabva akaenda uye akatanga kutaura muDhekapori zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu. Uye vanhu vose vakashamiswa.
21 When Jesus crossed again by boat to the other side, a large crowd gathered around him by the sea. Jesu akati ayambukazve mhiri negwa kuno rumwe rutivi rwegungwa, vazhinji zhinji vakaungana vakamukomberedza paakanga ari pagungwa.
22 One of the synagogue leaders, named Jairus, came, saw Jesus, and fell at his feet, Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake
23 and begged him urgently, "My little daughter is dying. Come, lay your hands on her, so she may be healed and live." uye akamukumbirisa zvikuru achiti, “Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro pake kuti agoporeswa uye ararame.”
24 So Jesus went with him. And a great crowd followed him and pressed around him. Saka Jesu akaenda naye. Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana.
25 And there was a woman with a discharge of blood that had gone on for twelve years. Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri.
26 She had suffered much under many doctors, spent all she owned, gained nothing, and only grew worse. Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara.
27 Hearing about Jesus, she came up behind him in the crowd and touched his cloak. Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake,
28 For she kept saying, "If I just touch his garments, I will be made well." nokuti akati mumwoyo make, “Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa.”
29 Her flow of blood dried up instantly, and she felt in her body that she was healed of her suffering. Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake.
30 At once Jesus, aware that power had left him, turned around in the crowd and asked, "Who touched my clothes?" Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?”
31 His disciples said to him, "You see the crowd crushing you, yet you ask, 'Who touched me?'" Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’ ”
32 And he looked around to see who had done it. Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo.
33 But the woman, afraid and trembling, knowing what had happened to her, came, fell before him, and told him the whole truth. Ipapo mukadzi, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya akawira patsoka dzake, uye achidedera nokutya, akamuudza chokwadi chose.
34 He told her, "Daughter, your faith made you well. Go in peace, healed of your suffering." Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.”
35 While he was still speaking, people came from the synagogue leader's house, saying, "Your daughter has died. Why bother the Teacher any longer?" Jesu achiri kutaura, vamwe varume vakauya vachibva kumba kwaJairosi, mukuru wesinagoge. Vakati, “Mwanasikana wenyu afa. Muchanetsereiko mudzidzisi?”
36 But Jesus overheard what they said and told the synagogue leader, "Don't fear, only believe." Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, “Usatya; tenda bedzi.”
37 And he allowed no one to follow him except Peter, James, and John the brother of James. Haana kutendera mumwe munhu kuti amutevere kunze kwaPetro, Jakobho naJohani mununʼuna waJakobho.
38 They came to the synagogue leader's house and Jesus saw chaos—people weeping, wailing loudly. Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru.
39 Entering, he said to them, "Why this commotion and crying? The child isn't dead, just asleep." Akapinda akati kwavari, “Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete.”
40 They laughed at him. But he sent them all out, took the child's father and mother and his companions, and entered where the child was. Asi vakamuseka. Mushure mokunge avabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, akapinda makanga muno mwana.
41 He took her hand and said to her, "Talitha koum," which means, "Little girl, I say to you, get up!" Akamubata noruoko akati kwaari, “Tarita kumi!” (zvichireva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri, muka!”)
42 At once the girl got up and walked—for she was twelve—and they were instantly overwhelmed with great amazement. Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru.
43 He strictly ordered them to tell no one of this, and said to give her something to eat. Akarayira nokurayira kukuru kuti parege kuva nomunhu anoziva nezvazvo, uye akavaudza kuti vamupe zvokudya.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]