Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 He went out from there and came to his hometown, and his disciples followed him. Jesu akabva ipapo akaenda kuguta rokwake, vadzidzi vake vachimutevera.
2 On the Sabbath he began teaching in the synagogue. Many who heard were amazed: "Where did this man get this? What wisdom is this, given to him? How do such miracles happen through his hands? Sabata rakati rasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, uye vazhinji vakamunzwa vakashamiswa. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi zvinhu izvi? Uchenjeri hupi uhu hwaakapiwa hwokuti anotoita zvishamiso?
3 Isn't this the carpenter, Mary's son, brother of James, Joses, Judas, and Simon? Aren't his sisters here with us?" They were offended by him. Ko, haasiye muvezi here? Ko, haasiye mwanakomana waMaria here nomukoma waJakobho, Josefa, Judhasi naSimoni? Ko, hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Uye vakagumburwa naye.
4 Jesus said to them, "A prophet lacks honor only in his hometown, among his relatives, and in his own household." Jesu akati kwavari, “Muprofita haakudzwi muguta romunyika yokwake, pakati pehama dzake, nomumba make chete.”
5 He could do no miracle there, except laying hands on a few sick and healing them. Haana kugona kuita zvishamiso zvipi zvazvo imomo, kunze kwokuisa maoko ake pamusoro pavanhu vashoma vairwara uye nokuvaporesa.
6 He was amazed at their lack of faith. Then he went around the villages teaching. Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo Jesu akapota nemisha achidzidzisa.
7 He called the twelve and began sending them out two by two, giving them authority over unclean spirits. Akadana kwaari vane gumi navaviri akavatuma vari vaviri vaviri uye akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa.
8 He ordered them to take only a staff for the road—no bread, no bag, no money in their belts, Akavarayira achiti, “Musatora chinhu parwendo kunze kwetsvimbo; musatora chingwa, kana hombodo, kana mari muzvikwama zvenyu.
9 but to wear sandals and not put on two tunics. Mupfeke shangu asi kwete nguo yechipiri.
10 And he said to them, "Wherever you enter a house, stay there until you leave that place. Pose pamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mabva muguta iroro.
11 Whatever place refuses to welcome or hear you, leaving there, shake the dust off your feet as testimony against them." Uye kana pane nzvimbo icharamba kukugamuchirai kana kukuteererai, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva, chive chapupu pamusoro pavo.”
12 So they went out and proclaimed that people should repent. Vakabuda vakaenda kundoparidza kuti vanhu vatendeuke.
13 And they drove out many demons and anointed many sick people with oil and healed them. Vakadzinga madhimoni mazhinji uye vakazodza mafuta vanhu vazhinji vairwara uye vakavaporesa.
14 King Herod heard of it, for Jesus's name had become known. Some were saying, "John the Baptist has been raised from the dead; that is why these miraculous powers are at work in him." Mambo Herodhi akanzwa nezvazvo, nokuti zita raJesu rakanga rozivikanwa kwazvo. Vamwe vakanga vachiti, “Johani Mubhabhatidzi akamutswa kubva kuvakafa; uye ndokusaka zviratidzo zvesimba zvichiitika.”
15 But others said, "He's Elijah." Others said, "He's a prophet, like one of the prophets of old." Vamwe vakati, “NdiEria.” Uye vamwezve vakati, “Ndiye muprofita, akaita somumwe wavaprofita vekare.”
16 But when Herod heard of it, he said, "John, whom I beheaded, has been raised." Asi Herodhi akati anzwa izvozvo, akati, “Johani, murume wandakagura musoro, akamutswa kubva kuvakafa!”
17 Herod had sent and seized John, binding him in prison because of Herodias, his brother Philip's wife, whom he had married. Nokuti Herodhi pachake akanga arayira kuti Johani asungwe, uye akaita kuti asungwe nengetani uye aiswe mutorongo. Akaita izvi nokuda kwaHerodhiasi mukadzi womununʼuna wake Firipi waakanga awana.
18 For John kept telling Herod, "It is not lawful for you to have your brother's wife." Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hazvitenderwi kuti utore mukadzi womununʼuna wako.”
19 And Herodias held a grudge against him and wanted to kill him, but she could not, Saka Herodhiasi akachengeta ruvengo mumwoyo make pamusoro paJohani uye akada kumuuraya. Asi akanga asingakwanisi kuita izvozvo,
20 Herod feared John, knowing him righteous and holy, and protected him. Hearing John left Herod deeply puzzled, yet he gladly listened to him. nokuti Herodhi aitya Johani uye akamudzivirira, achimuziva somunhu akanga akarurama uye ari mutsvene. Herodhi akati anzwa Johani, akakanganisika zvikuru; asi akanga achifarira kumuteerera.
21 Then a fitting day came: Herod's birthday, when he gave a banquet for his nobles, military commanders, and Galilee's leading men. Pakupedzisira mukana wakazovapo. Pazuva rokuberekwa kwake, Herodhi akaitira vabati vake vakuru, navakuru vamauto uye navarume vaitungamirira muGarirea mabiko.
22 When Herodias's daughter entered and danced, she delighted Herod and his dinner guests. The king told the girl, "Ask me for anything you want, and I'll give it to you." Mwanasikana waHerodhiasi akati apinda akatamba, akafadza Herodhi navakanga vakokwa kuzodya. Mambo akati kumusikana, “Ndikumbire chipi zvacho chaunoda, uye ndichakupa chinhu ichocho.”
23 He swore to her, "Whatever you ask me, I'll give you—up to half my kingdom." Uye akamuvimbisa nemhiko achiti, “Chose chauchakumbira ndichakupa chinhu ichocho, kusvikira pahafu youmambo hwangu.”
24 She went out and said to her mother, "What should I ask?" She said, "The head of John the Baptist." Akabuda kunze akandoti kuna mai vake, “Ndichakumbireiko?” Ivo vakati, “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.”
25 She went in immediately, with urgency, to the king and asked, "I want you to give me this instant the head of John the Baptist on a platter." Pakarepo musikana akamhanya akapinda kuna mambo nechikumbiro akati, “Ndinoda kuti mundipe iye zvino musoro waJohani Mubhabhatidzi mundiro umu.”
26 Deeply grieved, the king still wouldn't refuse her, because of his oaths and his guests. Mambo akatambudzika zvikuru, asi nokuda kwemhiko yake uye nokuda kwevaakanga achidya navo, haana kuda kumurambira.
27 The king at once sent an executioner, ordering John's head brought. He went and beheaded him in the prison, Saka pakarepo akatuma murwi akarayira kuti vauye nomusoro waJohani. Murume akaenda akandogura musoro waJohani mutorongo,
28 and brought his head on a platter, gave it to the girl, and the girl gave it to her mother. akadzoka nomusoro wake uri mundiro. Akaupa kumusikana, uye musikana akaupa kuna mai vake.
29 When John's disciples heard, they came, took his body, and laid it in a tomb. Vadzidzi vaJohani vakati vanzwa izvi vakauya vakatora mutumbi wake vakauviga mubwiro.
30 The apostles gathered to Jesus and told him all that they had done and taught. Vapostori vakaungana pana Jesu vakamuudza zvose zvavakanga vaita nezvavakanga vadzidzisa.
31 He told them, "Come away by yourselves to a quiet place and rest a while." For many were coming and going, and they had no time to eat. Zvino nokuda kwokuti vanhu vazhinji vakanga vachingouya nokuenda zvokuti havana kugona kuwana kunyange mukana wokudya, akati kwavari, “Handei tose, imi neni chete, kunzvimbo yakanyarara kuti mumbondozorora.”
32 And they went away in the boat to a desolate place by themselves. Saka vakaenda voga mugwa kunzvimbo yakanyarara.
33 Many saw them leave and recognized them; they ran on foot from every town and got there ahead of them. Asi vazhinji vakavaona vakavaziva uye vakamhanya netsoka vachibva kumaguta ose vakavatangira kusvikako.
34 Stepping ashore, he saw a large crowd and felt compassion for them, for they were like sheep without a shepherd, and began teaching them many things. Jesu akati aburuka uye achiona vanhu vazhinji zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakaita samakwai asina mufudzi. Saka akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.
35 When it was already late, his disciples came to him and said, "This is an isolated place, and it's already late. Zvino zuva rava kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Nzvimbo ino irenje, uye kwava kudoka.
36 Send them away to go into the surrounding countryside and villages and buy themselves something to eat." Itai kuti vanhu vaende kumaruwa nemisha yakapoteredza kuti vandozvitengera zvokudya.”
37 He replied, "You give them something to eat." They said, "Should we go buy 200 denarii of bread and give them it to eat?" Asi iye akapindura akati, “Imi vapei zvokudya.” Vakati kwaari, “Izvo zvinotoda muripo womunhu wemwedzi misere! Ko, tingashandisa mari yakawanda kudaro kutenga chingwa kuti tigovapa kuti vadye here?”
38 He asked them, "How many loaves do you have? Go and see." They found out and said, "Five, and two fish." Akati, “Mune zvingwa zvinganiko? Endai mundotarisa.” Vakati vazviona, vakati, “Zvishanu, nehove mbiri.”
39 Then he commanded them all to sit down in groups on the green grass. Ipapo Jesu akavarayira kuti vagarise vanhu vose pasi mumapoka pauswa hunyoro.
40 So they sat down in groups, by hundreds and by fifties. Saka vakagara pasi mumapoka ane zana uye neane makumi mashanu.
41 Taking the five loaves and two fish, he looked up to heaven, gave thanks and broke the loaves, gave them to the disciples to set before the people, and divided the two fish among them all. Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri uye akatarisa kudenga, akavonga akamedura chingwa. Ipapo akazvipa kuvadzidzi vake kuti vazvigadzike pamberi pavanhu. Akagoverawo hove mbiri dziya pakati pavo vose.
42 And they all ate and were satisfied. Vose vakadya vakaguta,
43 And they took up twelve baskets full of broken pieces and of the fish. uye vadzidzi vakanonga zvimedu zvezvingwa nehove zvikazara matengu gumi namaviri.
44 And those who ate the loaves were 5,000 men. Varume vakanga vadya vaisvika zviuru zvishanu.
45 At once he made his disciples board the boat and go ahead to the other side, toward Bethsaida, while dismissing the crowd. Pakarepo Jesu akaita kuti vadzidzi vake vakwire mugwa uye kuti vafanotungamira kuBhetisaidha, iye achiri kuendesa vanhu vazhinji.
46 And after he had taken leave of them, he went up on the mountain to pray. Akati aonekana navo, akakwira mugomo kundonyengetera.
47 When evening came, the boat was out on the sea, and he was alone on the land. Ava madekwana, igwa rakanga rava pakati pegungwa, uye iye aiva oga kunyika.
48 He saw them straining at the oars, for the wind was against them. Around three in the morning he came to them, walking on the sea. He meant to pass by them, Akaona vadzidzi vachitambudzika pakukwasva, nokuti mhepo yaivarova. Nenguva inenge yechina yousiku akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Akanga oda kuvapfuura,
49 but seeing him walk on the sea, they thought it was a ghost and cried out, asi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti aiva dzangaradzimu. Vakadanidzira,
50 for all saw him and were terrified; but immediately he spoke to them, saying, "Take heart; it is I. Do not be afraid." nokuti vose vakamuona vakatya. Pakarepo akataura kwavari akati, “Tsungai mwoyo! Ndini. Musatya.”
51 He got into the boat with them, and the wind stopped; they were completely amazed among themselves, Ipapo akakwira mugwa navo, uye mhepo ikadzikama. Vakakatyamara zvikuru,
52 for they did not understand about the loaves, but their hearts were hardened. nokuti vakanga vasati vanzwisisa nezvezvingwa, mwoyo yavo yakanga iri mikukutu.
53 When they had crossed over, they came to land at Gennesaret and moored to the shore. Vakati vayambuka mhiri, vakasvika paGenesareti vakamisa igwa ipapo.
54 And when they got out of the boat, the people immediately recognized him. Vakati vachingobuda mugwa, vanhu vakaziva Jesu.
55 They ran through that whole region and began carrying the sick on mats to wherever they heard he was. Vakamhanya nomunyika iyo yose vakatakura vanorwara pamaponde vachienda navo kwavakanga vanzwa kuti ndiko kwaari.
56 Wherever he went—villages, towns, countryside—they laid the sick in the marketplaces, begging to touch just the edge of his cloak. All who touched it were healed. Uye pose paakaenda mumisha, mumaguta kana mumaruwa, vakaisa varwere mumisika. Vakamukumbira kuti avabvumire kubata kunyange mupendero wejasi rake, uye vose vakamubata vakaporeswa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]