Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The Pharisees and some of the scribes who had come from Jerusalem gathered around Jesus, VaFarisi navamwe vavadzidzisi vomurayiro vakanga vauya kuJerusarema vakaungana pana Jesu
2 and they saw that some of his disciples were eating bread with unclean hands—that is, unwashed. vakaona vamwe vavadzidzi vake vachidya zvokudya namaoko akanga ane “tsvina,” ndiko kuti, asina kushambwa.
3 (For the Pharisees and all the Jews don't eat unless they wash their hands ceremonially, keeping the elders' tradition. VaFarisi navaJudha vose havadyi kunze kwokunge vamboshamba maoko avo, vachichengeta tsika dzavakuru.
4 When they come from the market, they don't eat without washing. They also hold to many other traditions they've received—washing cups, pitchers, and copper vessels.). Pavanenge vadzoka kumusika, havadyi kunze kwokunge vashamba. Uye vanocherechedza dzimwe tsika zhinji, dzakadai sokushambidza mikombe, matende, nemidziyo yokuvirisa mvura.
5 Then the Pharisees and scribes asked him, "Why don't your disciples follow the elders' tradition, but eat bread with unclean hands?" Saka vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakabvunza Jesu vakati, “Seiko vadzidzi venyu vachirega kurarama zviri maererano netsika dzavakuru, zvavanodya zvokudya zvavo ‘namaoko ane tsvina’?”
6 He replied, "Isaiah prophesied truly about you hypocrites, as written: 'These people honor me with their lips, but their heart is far from me.' Akapindura akati, “Isaya akataura zvakanaka paakaprofita pamusoro penyu imi vanyengeri; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni.
7 'They worship me in vain, teaching as doctrines the commandments of men.' Vanondinamata pasina; dzidziso dzavo dzinongova mirayiro inodzidziswa navanhu.’
8 You abandon the commandment of our Father and hold to the tradition of men." Makasiya mirayiro yaMwari mukachengetedza tsika dzavanhu.”
9 He said to them, "You do a fine job setting aside our Father's commandment to keep your own tradition!" Uye akati kwavari, “Mune nzira chaiyo yokuisa parutivi nayo mirayiro yaMwari kuitira kuti mucherechedze tsika dzenyuwo!
10 For Moses said, 'Honor your father and your mother,' and 'Whoever curses father or mother must be executed.' Nokuti Mozisi akati, ‘Kudza baba vako namai vako,’ uye ‘Munhu upi zvake achatuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.’
11 "But you say: if anyone tells his father or mother, 'Whatever you'd have gained from me is Corban' (a gift devoted to our Father), Asi imi munoti, kana munhu akati kuna baba kana mai vake, ‘Rubatsiro rupi zvarwo rwamungadaro makagamuchira kubva kwandiri iKobhani’ (ndiko kuti, chipo chakapirwa kuna Mwari),
12 then you no longer let him do anything for his father or mother. ipapo hamuchamuregi achiitira baba kana mai vake chinhu chipi zvacho.
13 So you cancel the word of our Father with your handed-down tradition. You do many things like this." Nokudaro munoparadza shoko raMwari nokuda kwetsika dzenyu dzamakachengeta kusvika zvino. Uye munoita zvinhu zvizhinji zvakadaro.”
14 He called the crowd again and said to them, "Listen to me, all of you, and understand: Jesu akadanazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditeererei, imi mose, uye munzwisise izvi.
15 Nothing outside a person entering him can make him unclean; rather, what comes out of a person is what makes him unclean." Hakuna chinhu chinobva kunze ‘chinosvibisa’ munhu nokupinda maari. Asi icho chinobuda mumunhu ndicho chinoita kuti ‘asvibe.’
16 Not in this edition Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
17 When he had left the crowd and entered the house, his disciples asked him about the parable. Zvino akati abva pavanhu vazhinji uye apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.
18 He said to them, "Are you also this dull? Don't you understand nothing entering a person from outside can make him unclean, Akati, “Hamunzwisisi seiko? Hamuoni kuti hakuna chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze chinogona ‘kumusvibisa’?
19 since it doesn't enter his heart but his stomach, and then goes out into the sewer?" (Saying this, he declared all foods clean.). Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu make, uyezve zvichizobuda mumuviri wake.” Nokutaura uku, Jesu akati zvokudya zvose zvakanaka.
20 He said, "What comes out of a person—that makes him unclean. Akaenderera mberi achiti, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa.
21 For from within, out of the human heart, come evil thoughts—sexual sin, theft, murder, Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve,
22 adultery, greed, malice, deceit, sensuality, envy, slander, pride, and foolishness. ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi.
23 All these evils come from inside and make a person unclean." Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye ‘zvinosvibisa munhu.’ ”
24 Jesus left there for the region of Tyre. He entered a house, wanting no one to know, but couldn't stay hidden. Jesu akabva panzvimbo iyo akaenda pedyo neTire. Akapinda mumba akasada kuzivikanwa nomunhu; asi akanga asingagoni kuzvivanza.
25 Instead, a woman whose little daughter had an unclean spirit heard about him at once, came, and fell at his feet. Zvakaitika ndezvokuti, paakangonzwa nezvake, mukadzi aiva nomwanasikana akanga akabatwa nomweya wetsvina akauya akawira patsoka dzake.
26 The woman was Greek, Syrophoenician by birth. She kept asking him to drive the demon out of her daughter. Mukadzi uyu aiva muGiriki, akaberekerwa muFonishia yomuSiria. Akakumbirisa Jesu kuti adzinge dhimoni mumwanasikana wake.
27 He told her, "Let the children eat first, for it's not right to take their bread and toss it to the dogs." Jesu akati kwaari, “Vana vanofanira kutanga kudya zvavanoda, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira kumbwa dzavo.”
28 But she replied to him, "Sir, even the dogs under the table eat the children's crumbs." Iye akapindura akati, “Hongu Ishe, asi kunyange imbwa dziri pasi petafura dzinodya zvimedu zvezvokudya zvavana wani.”
29 He said to her, "Because of this answer, go—the demon has left your daughter." Ipapo akati kwaari, “Nokuda kwemhinduro yakadai, enda hako; dhimoni rabva pamwanasikana wako.”
30 And she went home and found the child lying on the bed, and the demon gone. Akadzokera kumba kwake akawana mwana wake avete pamubhedha, uye dhimoni raenda.
31 Then Jesus left the territory of Tyre, went through Sidon to the Sea of Galilee, into the region of the Decapolis. Ipapo Jesu akabva kunzvimbo yeTire akaenda nokuSidhoni, akaburukira kuGungwa reGarirea uye nokudunhu reDhekapori.
32 They brought him a deaf man who could hardly speak, begging him to lay his hand on him. Ikoko vamwe vanhu vakauya kwaari nomurume akanga ari matsi uye asingagoni kunyatsotaura, uye vakamukumbira kwazvo kuti aise ruoko rwake pamusoro pomurume uyu.
33 Jesus took him aside privately, away from the crowd, put his fingers in the man's ears, spit, and touched his tongue. Akati aenda naye parutivi, kure noruzhinji, Jesu akaisa minwe yake munzeve dzake. Ipapo akapfira mate akabata rurimi rwomurume uya.
34 Then, looking up to heaven, he sighed deeply and said to him, "Ephphatha!" (that is, "Be opened!"). Akatarisa kudenga uye nokugomera kukuru akati kwaari, “Efata!” (kureva kuti, “Dziuka!”)
35 And immediately his ears were opened, his tongue was released, and he began to speak plainly. Pakarepo, nzeve dzomurume uya dzakadziuka, rurimi rwake rukasunungurwa uye akatanga kutaura zvakanaka.
36 Jesus ordered them to tell no one; but the more he ordered, the more they proclaimed it. Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu. Asi paakanyanya kuita izvozvo, ndipo pavakanyanya kutaura nezvazvo.
37 They were completely amazed: "He has done everything well—he makes the deaf hear and the mute speak." Vanhu vakashamiswa zvikuru kwazvo. Vakati, “Akaita zvinhu zvose nenzira yakanaka. Anoita kuti kunyange matsi dzinzwe uye nembeveve dzitaure.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]