Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 27 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 At dawn, all the chief priests and elders of the people met and plotted to kill Jesus. Mangwanani-ngwanani vaprista vose vakuru navakuru vavanhu vakabvumirana kuti Jesu aurayiwe.
2 So they bound him, led him away, and handed him over to Pilate the governor. Vakamusunga, vakaenda naye vakandomuisa kuna Pirato uyo aiva mubati.
3 Then Judas, his betrayer, seeing Jesus condemned, felt remorse and returned the thirty pieces of silver to the chief priests and elders, Judhasi uya akanga amupandukira akati aona kuti Jesu atongerwa rufu, akazvidemba kwazvo ndokubva adzosera makumi matatu esirivha aya kuvaprista vakuru navakuru.
4 saying, "I sinned, betraying innocent blood." They said, "Not our concern. You'll see to it." Akasvikoti, “Ndatadza, nokuti ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakamupindura vachiti, “Zvinei nesu? Ndezvako izvo.”
5 He threw the pieces of silver into the temple, went out, and hanged himself. Saka Judhasi akakanda mari iya mutemberi akabva akaenda akandozvisungirira.
6 The chief priests took the silver and said, "We can't put this in the treasury—it was payment for blood." Vaprista vakuru vakanhonga mari iya vakati, “Hazvitenderwi nomurayiro kuti tiise mari iyi mudura remari, sezvo iri mari yeropa.”
7 So they consulted, then bought the potter's field with it, to bury foreigners. Saka vakazotenderana kuti vaishandise kutenga munda womuumbi wehari kuti ugova nzvimbo yokuviga vatorwa.
8 That is why that field has been called the Field of Blood to this day. Naizvozvo wakanzi Munda Weropa kusvikira zuva ranhasi.
9 Then what the prophet Jeremiah spoke was fulfilled: "They took the thirty pieces of silver, the price set on him, whom some of Israel's sons priced, Ipapo zvakabva zvazadziswa zvakataurwa nomuprofita Jeremia zvinoti, “Vakatora makumi matatu esirivha, mutengo waakatengeswa nawo navanhu veIsraeri,
10 and they gave them for the potter's field, as our Father directed me." uye vakaashandisa kutenga nawo munda womuumbi wehari, sokurayirwa kwandakaitwa naIshe.”
11 Jesus stood before the governor; the governor asked, "Are you the King of the Jews?" Jesus said, "You say so." Panguva iyoyo Jesu akamira pamberi pomubati, uye mubati akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura achiti, “Hongu, ndizvo zvamataura.”
12 But when he was accused by the chief priests and elders, he gave no answer. Paakapomerwa navaprista vakuru navakuru vavanhu, haana chaakapindura.
13 Then Pilate said to him, "Don't you hear how many charges they're bringing against you?" Ipapo Pirato akamubvunza achiti, “Iwe haunzwi here uchapupu hwezvavari kukupomera izvi?”
14 He gave him no answer, not even to a single charge, so the governor was greatly amazed. Asi, Jesu akaramba anyerere, akasapindura kunyange chimwe zvacho, mubati akashamiswa kwazvo.
15 At each feast the governor would release one prisoner the crowd wanted. Zvino yaiva tsika yomubati pamutambo kusunungura musungwa mumwe chete anenge asarudzwa navanhu vazhinji.
16 At that time they were holding a notorious prisoner called Barabbas. Panguva iyoyo vaiva nomusungwa ainge anetsa kwazvo ainzi Bharabhasi.
17 When they had gathered, Pilate asked, "Which do you want me to release—Barabbas, or Jesus called Christ?" Saka vanhu vazhinji vakati vaungana, Pirato akavabvunza akati, “Ndoupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana kuti Jesu anonzi Kristu?”
18 For he knew that it was out of envy that they had handed him over. Nokuti aiziva kuti vakanga vamuisa kwaari nokuda kwegodo.
19 While he sat on the judgment seat, his wife sent to him: Have nothing to do with that righteous man, for I suffered much today in a dream because of him. Pirato akati agere pachigaro chokutonga mukadzi wake akamutumira shoko iri rokuti: “Usawana chaunoita nomurume uyo asina mhosva, nokuti hope dzandarota nezvake usiku hwanhasi dzanditambudza kwazvo.”
20 But the chief priests and elders persuaded the crowds to ask for Barabbas and to have Jesus put to death. Asi vaprista vakuru navakuru vavanhu vakakurudzira vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi uye kuti Jesu aurayiwe.
21 The governor said, "Which of the two should I release to you?" They said, "Barabbas." Mubati akabvunza akati, “Ndoupi pavaviri ava wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Vakapindura vakati, “Bharabhasi!”
22 Pilate asked them, "What then do I do with Jesus called Christ?" They all said, "Have him crucified!" Pirato akabvunza akati, “Zvino ndichaiteiko naJesu anonzi Kristu?” Vakapindura vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!”
23 He said, "Why? What wrong has he done?" But they cried out louder, "Crucify him!" Pirato akabvunzazve achiti, “Nemhaka yei? Mhosva yake ndeyei?” Vanhu vazhinji vaya vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!”
24 Seeing he could do nothing, but a riot was starting instead, Pilate took water, washed his hands before the crowd, and said, "I am innocent of this man's blood; you see to it." Pirato akati aona kuti hapana kwaaisvika, asi kuti bope rakanga rotanga, akatora mvura akashamba maoko ake pamberi pavanhu akati, “Handina mhosva yeropa romunhu uyu. Zvionerei.”
25 And all the people answered, "His blood be on us and on our children!" Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pevana vedu.”
26 Then he released Barabbas to them, had Jesus whipped, and handed him over to be crucified. Ipapo akavasunungurira Bharabhasi, asi akaita kuti Jesu arohwe, uye akamupa kwavari kuti arovererwe pamuchinjikwa.
27 Then the governor's soldiers took Jesus into the governor's headquarters and gathered the whole regiment around him. Ipapo varwi vomubati vakatora Jesu vakaenda naye mumuzinda womubati uye vakaunganidza hondo yose paari.
28 They stripped him and put a scarlet robe on him. Vakamubvisa nguo dzake vakamupfekedza nguo tsvuku.
29 They twisted a crown of thorns, set it on his head, put a reed in his right hand, knelt before him, and mocked him: "Hail, King of the Jews!" Vakaruka korona yeminzwa vakaiisa pamusoro wake. Vakamubatisa mudonzvo muruoko rwake rworudyi vakapfugama pamberi pake uye vakamuseka vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!”
30 And they spit on him, took the reed, and struck him on the head again and again. Vakamusvipira mate vakamutorera tsvimbo iya uye vakamurova nayo mumusoro kakawanda.
31 After mocking him, they stripped off the robe, dressed him in his own clothes, and led him away to crucify him. Shure kwokumuseka, vakamupfekedza nguo dzake chaidzo ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.
32 Going out, they found a Cyrenian named Simon and forced him to carry Jesus's cross. Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa.
33 And when they came to a place called Golgotha (which means Place of a Skull), Vakasvika panzvimbo inonzi Gorogota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya).
34 they gave him wine mixed with bitter gall to drink; he tasted it and refused to drink. Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa.
35 And when they had crucified him, they divided his garments among themselves by casting lots. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya.
36 Then they sat down and kept watch over him there. Uye vakagara pasi, vakamurinda.
37 Over his head they posted the charge against him: "This is Jesus, the King of the Jews." Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “uyu ndijesu, mambo wavajudha.”
38 Then two robbers were crucified with him, one on his right and one on his left. Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
39 Those who passed by hurled insults at him, shaking their heads, Vaya vaipfuura napo, vakamutuka vachidzungudza misoro yavo
40 saying, "You who would destroy the temple and rebuild it in three days—save yourself! If you're the Son of God, come down from the cross!" uye vachiti, “Iwe uri kuzoputsa temberi uchizoivakazve mumazuva matatu, chizviponesa! Buruka pamuchinjikwa kana uri Mwanakomana waMwari!”
41 In the same way the chief priests, with the scribes and elders, also mocked him, saying, Nenzira imwe cheteyo, vaprista vakuru, navadzidzisi vomurayiro navakuru vakamuseka vachiti,
42 "he saved others; himself he can't save. He's King of Israel—let him come down from the cross now, and we'll believe in him. “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari.
43 He trusts in God—let God save him now, if he wants him, for he said, 'I am God's Son.'" Anovimba naMwari saka ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ”
44 And the robbers who were crucified with him also heaped insults on him in the same way. Nenzira imwe cheteyo makororo akanga arovererwa pamwe chete naye akamutukawo.
45 Now from noon until three in the afternoon darkness came over all the land. Kubva panguva yechitanhatu kusvika panguva yepfumbamwe rima rakavapo panyika yose.
46 About three in the afternoon, Jesus cried loudly, "Eli, Eli, lema sabachthani?"—meaning, "My God, my God, why have you forsaken me?" Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvichireva kuti, “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?”
47 When some of those standing there heard this, they said, "This man is calling Elijah." Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Ari kudana Eria.”
48 One of them ran at once, soaked a sponge in sour wine, put it on a reed, and gave him a drink. Pakarepo mumwe wavo akamhanya akatora chipanje. Akachizadza newaini yevhiniga ndokuchiisa pachimuti, achibva apa Jesu kuti anwe.
49 But the others said, "Leave him alone. Let us see whether Elijah will come to save him." Vamwe vakati, “Zvino musiyei ari oga. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.”
50 And Jesus cried out again with a loud voice and gave up his spirit. Uye Jesu akati adanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.
51 Suddenly the curtain of the temple was torn in two, from top to bottom. The earth shook, the rocks split. Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka.
52 The tombs were opened, and many bodies of the holy ones who had fallen asleep were raised. Makuva akazaruka, mitumbi yavatsvene vazhinji vakanga vakafa ikamutswa kuupenyu.
53 After Jesus's resurrection, they left the tombs, entered the holy city, and appeared to many. Vakabuda mumakuva, uye shure kwokumuka kwaJesu vakapinda muguta dzvene uye vakaonekwa navanhu vazhinji.
54 The centurion and those with him guarding Jesus saw the earthquake and what happened, and were terrified, saying, "Truly this man was the Son of God!" Mukuru wezana navaya vaakanga anavo vakarinda Jesu, pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo, uye vakati, “Zvechokwadi, anga ari Mwanakomana waMwari!”
55 Many women watched from a distance; they had followed Jesus from Galilee to serve him. Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vachitarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu kubva kuGarirea kuti vamuriritire pane zvaaida.
56 Among them: Mary Magdalene, Mary mother of James and Joseph, and the mother of Zebedee's sons. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho naJosefa, namai vavanakomana vaZebhedhi.
57 At evening a rich man from Arimathea named Joseph came, himself a disciple of Jesus. Kwakati kwovira, kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatea, ainzi Josefa, akanga avawo mudzidzi waJesu.
58 He went to Pilate and asked for Jesus' body. Then Pilate ordered it given to him. Akaenda kuna Pirato akandokumbira mutumbi waJesu, uye Pirato akarayira kuti aupiwe.
59 Joseph took the body, wrapped it in a clean linen cloth. Josefa akatora mutumbi akauputira nomucheka wakachena,
60 He put it in his new tomb, cut into the rock, rolled a large stone across the tomb's entrance, and left. akauisa muguva rake idzva raakanga achera padombo. Akakungurutsira ibwe guru pamuromo weguva ndokubva aenda.
61 Mary Magdalene and the other Mary were there, sitting opposite the tomb. Maria Magadharena nomumwe Maria vakanga varipo vagere pakatarisana neguva.
62 The next day—after Preparation Day—the chief priests and Pharisees gathered before Pilate, Mangwana acho, iro rakatevera Zuva roKugadzirira, vaprista vakuru navaFarisi vakaenda kuna Pirato.
63 and said, "Sir, we remember that deceiver, while still alive, said, 'After three days I will rise.' Vakasvikoti, “Ishe, tinorangarira kuti achiri mupenyu, munyengeri uya akati, ‘Mushure mamazuva matatu, ndichamukazve.’
64 So order the tomb secured until the third day, or his disciples may come, steal him, and tell the people, 'He has been raised from the dead.' That last deception would be worse than the first." Saka rayirai kuti guva rake richengetedzwe kwazvo kusvika pazuva retatu. Zvimwe vadzidzi vake vangauye vakaba mutumbi wake vakaudza vanhu kuti akamutswa kubva kuvakafa. Kunyengera kwokupedzisira uku kuchaipa kukunda kwokutanga.”
65 Pilate said to them, "You have a guard. Go, make it as secure as you can." Pirato akapindura akati, “Torai, varindi. Endai, mundochengetedza guva iroro semaziviro enyu.”
66 So they went and made the tomb secure by sealing the stone and posting the guard. Saka vakaenda vakandoita kuti richengetedzwe nokuisa chisimbiso pabwe, uye nokuisa varindi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]