Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 26 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When Jesus had finished all these sayings, he said to his disciples, Jesu akati apedza kutaura zvinhu zvose izvi, akati kuvadzidzi vake,
2 "You know Passover comes after two days, and the Son of Man is handed over to be crucified." “Sezvamunoziva, Pasika yasarirwa namazuva maviri kuti isvike, uye Mwanakomana woMunhu achaendeswa kuti andorovererwa pamuchinjikwa.”
3 Then the chief priests and elders of the people gathered in the courtyard of the high priest Caiaphas, Ipapo vaprista vakuru navakuru vavanhu vakandoungana mumuzinda womuprista mukuru ainzi Kayafasi,
4 and they plotted together to seize Jesus secretly and kill him. uye vakarangana kuti vasunge Jesu namano vagomuuraya.
5 But they said, "Not during the festival, or there will be an uproar among the people." Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo nokuti pangaita bope pakati pavanhu.”
6 Now when Jesus was in Bethany, in the house of Simon the leper, Jesu paakanga ari muBhetani mumba momurume ainzi Simoni waMaperembudzi,
7 a woman came to him with an alabaster jar of very expensive perfume and poured it on his head as he sat at the table. mumwe mukadzi akauya kwaari nechinu chamafuta anonhuhwira, omutengo mukuru, akasvikoadururira pamusoro wake, agere patafura.
8 Seeing this, the disciples were angry, saying, "Why this waste? Vadzidzi vakati vachiona izvi, vakatsamwa uye vakati, “Kuparadza kwakadai kwaitirweiko?
9 For this could have been sold for a large sum and given to the poor." Mafuta anonhuhwira aya angadai atengeswa nomutengo mukuru kwazvo uye mari yacho yapiwa varombo.”
10 Jesus knew this and said to them, "Why trouble this woman? She has done a beautiful thing to me. Achiziva izvi, Jesu akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Andiitira chinhu chakanaka kwazvo.
11 For you always have the poor with you, but you will not always have me. Varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuchava neni nguva dzose.
12 For when she poured this perfume on my body, she did it to prepare me for burial. Paadira mafuta anonhuhwira pamuviri wangu, azviita kuti agadzirire kuvigwa kwangu.
13 Truly I tell you: wherever this gospel is preached worldwide, what she did will also be told, in memory of her." Ndinokuudzai chokwadi kuti, kwose kwose kuchaparidzwa vhangeri iri munyika yose, zvaaita izvi zvichange zvichitaurwawo kuti vamurangarire nazvo.”
14 Then one of the Twelve, the one called Judas Iscariot, went to the chief priests, Ipapo mumwe wavane gumi navaviri, ainzi Judhasi Iskarioti, akaenda kuvaprista vakuru
15 and said, "What are you willing to give me, and I will hand him over to you?" And they counted out thirty pieces of silver for him. akandobvunza achiti, “Muchandipei kana ndikamuuyisa kwamuri?” Saka vakamuverengera makumi matatu esirivha.
16 And from then on he looked for an opportunity to betray him. Kubva ipapo zvichienda mberi Judhasi akamirira mukana wokuti amuise kwavari.
17 On the first day of Unleavened Bread, the disciples asked Jesus, "Where do you want us to prepare for you to eat the Passover?" Pazuva rokutanga roMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakasvikomubvunza vachiti, “Ndokupi kwamunoda kuti tindokugadzirirai kuti mugodyira Pasika?”
18 He said, "Go into the city to a certain man and tell him, 'The Teacher says: My time is near. I'll keep Passover at your house with my disciples.'" Akavapindura akati, “Endai muguta kuno mumwe murume munosvikomuudza kuti, ‘Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yakatarwa yava pedyo. Ndichapemberera Pasika navadzidzi vangu mumba mako.’ ”
19 And the disciples did as Jesus directed them, and they prepared the Passover. Saka vadzidzi vakaita sokurayirwa kwavakanga vaitwa naJesu vakandogadzira Pasika.
20 When evening came, he sat at the table with the Twelve. Ava madekwana Jesu akagara patafura navane gumi navaviri.
21 And as they were eating, he said, "Truly I tell you, one of you will betray me." Vari pakati pokudya akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti mumwe wenyu achandipandukira.”
22 Deeply grieved, they each asked him, "Surely not I, Lord?" Vakasuwa zvikuru uye vakatanga, mumwe nomumwe kuti, “Chokwadi, ndini here, Ishe?”
23 He replied, "The one who has dipped his hand in the bowl with me will betray me. Jesu akapindura akati, “Munhu aisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira.
24 The Son of Man goes, just as is written of him. But how terrible for the man who betrays him—better for him had he never been born." Mwanakomana woMunhu achaenda hake sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvingadai zvaiva nani kwaari dai asina kuberekwa.”
25 Judas, his betrayer, said, "Surely not I, Rabbi?" He said to him, "You have said so." Zvino Judhasi uyo aizomupandukira akati, “Chokwadi, ndini here, Rabhi?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndiwe.”
26 As they ate, Jesus took bread, blessed and broke it, gave it to the disciples, and said, "Take, eat; this is my body." Vachiri kudya, Jesu akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akapa vadzidzi vake, achiti, “Torai mudye; uyu ndiwo muviri wangu.”
27 Taking a cup and giving thanks, he gave it to them, saying, "Drink from it, all of you, Ipapo akatora mukombe, akavonga uye akavapa achiti, “Inwai mose.
28 for this is my blood of the covenant, poured out for many for forgiveness of sins. Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo.
29 I tell you: I won't drink this fruit of the vine again, from now until the day I drink it new with you in my Father's kingdom." Ndinokuudzai kuti, handichazonwi zvibereko zvomuzambiringa kubvira zvino kusvikira zuva iro randichazvinwa patsva nemi muumambo hwaBaba vangu.”
30 And when they had sung a hymn, they went out to the Mount of Olives. Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.
31 Then Jesus told them, "Tonight you will all fall away because of me. For it is written: 'I will strike the shepherd, and the flock's sheep will be scattered.' Ipapo Jesu akati kwavari, “Usiku huno imi mose muchatiza nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Ndicharova mufudzi, boka ramakwai rigopararira.’
32 But after I am raised up, I will go ahead of you to Galilee." Asi mushure mokunge ndamuka, ndichafanotungamira kuGarirea.”
33 Peter said to him, "Though they all fall away because of you, I will never fall away." Petro akapindura akati, “Kunyange vamwe vose vakatiza nokuda kwenyu, ini handizoiti izvozvo.”
34 Jesus said to him, "I tell you the truth: before the rooster crows tonight, you will deny me three times." Jesu akati, “Ndinokuudza chokwadi kuti usiku huno chaihwo, jongwe risati rarira uchandiramba katatu.”
35 Peter said, "Even if I must die with you, I won't deny you." All the disciples said the same. Asi Petro akati kwaari, “Kunyange ndichifanira kufa nemi, handingatongokurambai.” Vamwe vadzidzi vose vakadarowo.
36 Then Jesus came with them to a place called Gethsemane and told the disciples, "Sit here while I go pray over there." Ipapo Jesu akaenda navadzidzi vake kunzvimbo inonzi Getsemani, uye akati kwavari, “Garai pano ini ndichienda apo kundonyengetera.”
37 And taking with him Peter and the two sons of Zebedee, he became deeply grieved and distressed. Akatora Petro navanakomana vaZebhedhi vaviri akaenda navo, uye akatanga kusuwa, uye akatambudzika.
38 Then he told them, "My soul is crushed with sorrow, even to death. Stay here and watch with me." Ipapo akati kwavari, “Mweya wangu uri kushungurudzika kwazvo kusvika pakufa. Garai pano uye murinde pamwe chete neni.”
39 Going a little farther, he fell on his face and prayed, "My Father, if possible, let this cup pass from me. Yet not as I will, but as you will." Akaenda mberi zvishoma, akawira pasi nechiso chake akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira mukombe uyu ngaubviswe kwandiri. Asi kwete kuda kwangu asi kuda kwenyu.”
40 He came to the disciples and found them asleep. He said to Peter, "So, couldn't you stay awake with me one hour? Ipapo akadzokera kuvadzidzi vake akavawana vavata. Akabvunza Petro achiti, “Varume, matadza kurinda neni kweawa imwe chete?
41 Stay alert and pray, so you don't fall into temptation; the spirit is willing, but the flesh is weak." Rindai uye munyengetere kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda, asi muviri wakaneta.”
42 A second time he went away and prayed, "My Father, if this cannot pass unless I drink it, your will be done." Akaendazve kechipiri akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvisingagoni kuti mukombe uyu ubviswe kwandiri kunze kwokutenge ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.”
43 And he came again and found them sleeping, for their eyes were heavy. Paakadzoka, akavawanazve vavata nokuti meso avo akanga azere nehope.
44 So leaving them again, he went away and prayed a third time, saying the same words again. Saka akavasiya akaendazve uye akanyengetera kechitatu, achitaura zvimwe chetezvo.
45 Then he came to the disciples and said to them, "Still sleeping and resting? Look, the hour has come, and the Son of Man is betrayed into the hands of sinners. Ipapo akadzokazve kuvadzidzi akati kwavari, “Muchakavata uye muchakazorora here? Tarirai, nguva yava pedyo, uye Mwanakomana woMunhu ari kupandukirwa achiiswa mumaoko avatadzi.
46 Get up, let's go! Look, the one who betrays me is here!" Simukai, ngatichiendai! Anondipandukira uya ouya!”
47 While he was still speaking, Judas, one of the Twelve, suddenly came with a large crowd carrying swords and clubs, sent by the chief priests and elders of the people. Paakanga achiri kutaura kudaro, Judhasi, mumwe wevane gumi navaviri akasvika. Akauya navanhu vazhinji vakanga vakabata minondo netsvimbo, vakanga vatumwa navaprista vakuru navakuru vavanhu.
48 Now the betrayer had given them a signal: "The one I kiss is him—seize him." Zvino uya akamupandukira ainge avaudza chiratidzo achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye; mumusunge.”
49 And immediately he came up to Jesus and said, "Greetings, Rabbi!" And he kissed him. Judhasi akaenda pakarepo kuna Jesu akati, “Kwaziwai, Rabhi!” uye akamutsvoda.
50 Jesus told him, "Friend, do what you came to do." Then they came, grabbed Jesus, and held him. Jesu akamupindura achiti, “Shamwari, ita zvawavinga.” Ipapo varume vakaswedera pedyo vakabata Jesu, vakamusunga.
51 And look, one of those with Jesus reached out his hand, drew his sword, struck the high priest's servant, and cut off his ear. Ipapo mumwe waavo vaiva naJesu akavhomora munondo wake ndokugura nzeve yomuranda womuprista mukuru.
52 Then Jesus said to him, "Put your sword back in its place. All who take the sword will die by the sword. Zvino Jesu akati kwaari, “Dzorera munondo wako mumuhara mawo, nokuti vose vanovhomora munondo vachafa nomunondo.
53 Do you think I can't call on my Father, who'd at once send me more than twelve legions of angels? Unofunga kuti handigoni here kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iye zvino, vatumwa vanopfuura mapoka makuru gumi namaviri?
54 But how then would the Scriptures be fulfilled, that it must happen this way?" Asi Magwaro angagozadziswa sei anoti zvinofanira kuitika saizvozvo?”
55 At that hour Jesus said to the crowds, "Did you come out with swords and clubs to seize me, as against a bandit? I sat teaching in the temple daily, and you didn't arrest me. Panguva iyoyo Jesu akati kuvanhu vazhinji vaivapo, “Ko, ndinotungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuzondibata? Mazuva ose ndaigara mutemberi ndichidzidzisa uye hamuna kundisunga.
56 But all this happened to fulfill the prophets' Scriptures." Then all the disciples abandoned him and fled. Asi izvi zvose zvaitika kuti zvakanyorwa navaprofita zvizadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya uye vakatiza.
57 Then those who arrested Jesus brought him to Caiaphas the high priest, where the scribes and the elders had gathered. Vaya vakanga vasunga Jesu vakaenda naye kuna Kayafasi, muprista mukuru, uko kwakanga kwakaungana vadzidzisi vomurayiro navamwe vakuru.
58 Peter followed at a distance, to the high priest's courtyard, went in, and sat with the guards to watch how it would end. Asi Petro akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvazhe rwomuprista mukuru. Akapinda akagara pasi pamwe chete navarindi kuti aone maperero azvo.
59 The chief priests and the whole Council sought false testimony against Jesus, to put him to death, Vaprista vakuru nedare rose ramakurukota vakanga vachitsvaka zvapupu zvenhema kuti zvipomere Jesu mhosva kuti vamuuraye.
60 but they found none, though many false witnesses came forward. At last two came forward, Asi havana zvavakawana, kunyange zvazvo zvapupu zvenhema zvakauya pamberi. Pakupedzisira, vaviri vakauya
61 and said, "This man said, 'I can destroy God's temple and rebuild it in three days.'" vakati, “Munhu uyu akati, ‘Ndinogona kuputsa temberi yaMwari ndigoivakazve namazuva matatu.’ ”
62 The high priest stood up and said to him, "Have you no answer? What are these men testifying against you?" Ipapo muprista mukuru akasimuka akati kuna Jesu, “Ko, haupinduri here? Uchapupu uhu hunorehwa navarume ava pamusoro pako ndohwei?”
63 But Jesus was silent. The high priest said, "I put you under oath by the living God: tell us whether you are the Christ, the Son of God." Asi Jesu akaramba anyerere. Muprista mukuru akati kwaari, “Ndinokurayira, sezvo wapika naMwari mupenyu, kuti, ‘Tiudze kana uri iwe Kristu, Mwanakomana waMwari.’ ”
64 Jesus told him, "You've said it. But I tell you: from now on you'll see the Son of Man seated at Power's right hand, coming on heaven's clouds." Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamataura. Asi ndinoti kwamuri mose: Munguva inouya muchaona Mwanakomana woMunhu agere kurudyi rwaSamasimba uye achiuya ari mumakore okudenga.”
65 Then the high priest tore his clothes: "He has blasphemed! Why do we still need witnesses? You've now heard the blasphemy. Ipapo muprista mukuru akabvarura nguo dzake akati, “Ataura zvinomhura. Tichagodirei zvimwe zvapupu? Tarirai, zvino manzwa kumhura kwake.
66 What is your judgment?" They answered, "He deserves death." Munofungei nazvo?” Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa!”
67 Then they spit in his face and struck him; and some slapped him, Ipapo vakamusvipira mate kumeso uye vakamurova netsiva. Vamwe vakamurova nembama
68 saying, "Prophesy to us, Christ! Who hit you?" uye vakati, “Profita kwatiri, Kristu. Ndiani akurova?”
69 Peter sat outside in the courtyard. A servant girl approached, saying, "You too were with Jesus the Galilean." Zvino Petro akanga agere panze muruvazhe, uye mumwe muranda wechisikana akauya kwaari akati, “Newewo wakanga una Jesu weGarirea.”
70 But he denied it before them all, saying, "I don't know what you're talking about." Asi akaramba pamberi pavo vose achiti, “Handizivi zvauri kutaura nezvazvo.”
71 As he went out to the gate, another servant girl saw him and told those there, "This man was with Jesus of Nazareth." Ipapo akabuda akandomira pasuo apo paakaonekwa nomumwe musikana uyo akati kuvanhu vose vaivapo, “Murume uyu akanga ari pamwe chete naJesu weNazareta.”
72 And again he denied it with an oath, "I do not know the man." Akarambazve, akapika achiti, “Murume uyu handimuzivi!”
73 Shortly after, the bystanders came to Peter: "Surely you're one of them too, since your accent gives you away." Mushure mechinguva, vaya vakanga vamirepo vakaenda kuna Petro vakasvikoti, “Zvechokwadi uri mumwe wavo nokuda kwamatauriro ako.”
74 Then he began to curse himself and swear, "I don't know the man." At once a rooster crowed. Ipapo akatanga kuzvituka uye akapika kwavari achiti, “Murume uyu handimuzivi!” Pakarepo jongwe rakarira.
75 Peter remembered Jesus' words: "Before the rooster crows, you will deny me three times." He went out and wept bitterly. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa naJesu rokuti: “Jongwe risati rarira uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]