Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 25 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "Then the kingdom of our Father will be like ten virgins who took their lamps and went out to meet the bridegroom. “Panguva iyoyo umambo hwokudenga huchange hwakafanana navasikana gumi, vakatora mwenje yavo vakabuda kundochingamidza chikomba.
2 Five of them were foolish, and five were wise. Vashanu vavo vakanga vari mapenzi uye vashanu vavo vakanga vakachenjera.
3 The foolish ones took their lamps but did not take any oil with them. Mapenzi vaya vakatora mwenje yavo asi havana kuisa mafuta mairi.
4 But the wise ones took oil in flasks along with their lamps. Kunyange zvakadaro, vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo pamwe chete nemwenje yavo.
5 When the bridegroom was delayed, they all became drowsy and fell asleep. Chikomba chakanonoka kusvika, vose vakabatwa nehope ndokuvata.
6 But at midnight a cry rang out: 'Look, the bridegroom! Come out to meet him!' “Pava pakati pousiku vakanzwa mheremhere: ‘Chikomba chauya! Budai mumuchingamidze!’
7 Then all the young women woke up and trimmed their lamps. “Ipapo vasikana vose vakamuka uye vakagadziridza mwenje yavo.
8 The foolish said to the wise, 'Give us some of your oil, because our lamps are going out.' Mapenzi akati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe emafuta enyu; mwenje yedu yava kudzima.’
9 But the wise answered, 'No, there may not be enough for us and you. Go instead to those who sell, and buy for yourselves.' “Vakapindura vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose. Asi endai kuna vaya vanotengesa mafuta mugondozvitengera mamwe.’
10 While they went to buy it, the bridegroom came. The ready ones went in with him to the wedding feast, and the door closed. “Asi vachiri munzira kundotenga mafuta, chikomba chakasvika. Vasikana vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wesvitsa uye musuo ukapfigwa.
11 Later the other young women came too, saying, 'Lord, lord, open the door for us!' “Pashure vamwe vaya vakadzokawo. Vakati, ‘Ishe! Ishe! Tizarurireiwo musuo!’
12 But he answered, 'Truly I tell you, I do not know you.' “Asi akavapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi, handikuzivei.’
13 Therefore keep watch, because you do not know the day or the hour. “Naizvozvo garai makagadzirira nokuti hamuzivi musi kana nguva.
14 "For it will be like a man going abroad, calling his servants and entrusting them with his property. “Zvakare, zvichaita somurume akabuda kuti afambe rwendo, akadana varanda vake akavachengetesa pfuma yake.
15 He gave one five bags of silver, another two, another one—each by his own ability—then set out on his journey. Kuno mumwe akapa matarenda mashanu emari, kuno mumwe matarenda maviri, uye kuno mumwe tarenda rimwe chete, mumwe nomumwe maererano nokugona kwake. Ipapo akaenda zvake parwendo rwake.
16 The one given five bags of silver went at once, put them to work, and gained five more. Murume akapiwa matarenda mashanu akaenda pakarepo akandoshandisa mari yake akawanazve mamwe mashanu.
17 In the same way, the one with two bags of silver gained two more. Saizvozvo uya aiva namatarenda maviri akawana mamwe maviri.
18 But the one who received one bag of silver went off, dug in the ground, and hid his master's money. Asi murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akaenda akandochera gomba muvhu ndokuviga mari yatenzi wake.
19 "After a long time the master of those servants returned and settled accounts with them. “Shure kwenguva refu tenzi wavaranda vaya akadzoka akagadzirisa nezvemari idzi navo.
20 The man who received five bags of silver came, adding five more: 'Master, you entrusted me with five bags of silver; see, I've gained five more.' Murume akanga apiwa matarenda mashanu akauya namamwe mashanu, akati, ‘Tenzi, makandipa matarenda mashanu. Tarirai ndakawana mamwe mashanu.’
21 "His master said, 'Well done, good and faithful servant! You were faithful over a little; I'll put you over much. Enter your master's joy!' “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’
22 "The one with two bags of silver also came and said, 'Master, you gave me two bags of silver; look, I've earned two more.' “Murume akanga apiwa matarenda maviri akauyawo. Akati, ‘Tenzi makandipa matarenda maviri, tarirai ndakawanazve mamwe maviri.’
23 "His master told him, 'Well done, good and faithful servant! You were faithful with a little; I'll put you over much. Enter your master's joy!' “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka, iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’
24 "Then the one who had received one bag of silver came and said, 'Master, I knew you were a hard man, reaping where you didn't sow, gathering where you didn't scatter seed.' “Ipapo murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akauya, akati, ‘Tenzi, ndakaziva kuti muri munhu akaoma, munokohwa pamusina kudyara uye munounganidza pamusina kukusha mbeu.
25 Afraid, I went and hid your silver in the ground. Here is what is yours. Nokudaro ndakatya ndikandocherera tarenda renyu muvhu. Tarirai, pfuma yenyu iyi.’
26 "His master replied, 'You wicked, lazy servant! You knew I harvest where I didn't sow and gather where I didn't scatter seed? “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe muranda akaipa, ano usimbe! Saka wakanga uchiziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kudyara nokuunganidza pandisina kukusha mbeu?
27 "You should have deposited my money with the bankers, so on my return I'd get it back with interest. Zvino ungadai wakachengetesa mari yangu kune vamabhangi kuitira kuti pakudzoka kwangu ndaizoiwana yabereka.
28 So take his bag of silver and give it to the one with ten bags of silver. “ ‘Mutorerei tarenda iri mupe kune uyo ane matarenda gumi.
29 For everyone who has will be given more, and he'll overflow; but the one who has nothing will lose even what he has. Nokuti wose anazvo achapiwa zvimwe, agova nezvakawanda kwazvo. Ani naani asina, kunyange nezvaanazvo achazvitorerwa.
30 Throw out that worthless servant into the outer darkness, where there will be weeping and grinding of teeth.' Uye chikandai muranda uyo asingabatsiri kunze kurima, uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.’
31 "When the Son of Man comes in his glory, with all his angels, he will sit on his glorious throne. “Mwanakomana woMunhu paanouya nokubwinya kwake, navatumwa vose, achagara pachigaro chake choushe mukubwinya kwokudenga.
32 All the nations will be gathered before him, and he will separate them from each other as a shepherd separates sheep from goats. Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake, achatsaura vanhu mumwe kubva kuno mumwe somufudzi anotsaura makwai kubva kumbudzi.
33 He will put the sheep on his right and the goats on his left. Achaisa makwai kurudyi rwake, uye mbudzi kuruboshwe rwake.
34 Then the King will say to those on his right, 'Come, you blessed by my Father; inherit the kingdom prepared for you since the foundation of the world. “Ipapo Mambo achati kuna avo vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makaropafadzwa naBaba vangu, mutore nhaka yenyu, umambo hwamakagadzirirwa kubva pakusikwa kwenyika.
35 "For I was hungry and you fed me; thirsty, and you gave me a drink; a stranger, and you took me in, Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipinza mumba,
36 I was naked and you dressed me, sick and you cared for me, in prison and you visited me.'" ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’
37 "Then the righteous will answer him, 'Lord, when did we see you hungry and feed you, or thirsty and give you drink? “Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa?
38 "When did we see you a stranger and shelter you, or naked and dress you? Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai?
39 When did we see you sick or in prison and come to you?'" Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutorongo tikakushanyirai?’
40 "And the King will reply, 'Truly I tell you, whatever you did for one of the least of these siblings of mine, you did for me.' “Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.’
41 Then he'll tell those on his left, 'Away from me, you cursed ones, into the eternal fire prepared for the devil and his angels. “Ipapo achati kune avo vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makatukwa mupinde mumoto usingadzimi wakagadzirirwa dhiabhori navatumwa vake.
42 For I was hungry and you gave me nothing to eat, thirsty and you gave me nothing to drink, Nokuti ndakanga ndine nzara mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa,
43 I was a stranger, and you didn't take me in; naked, and you didn't dress me; sick and in prison, and you didn't visit me.'" ndakanga ndiri mweni mukasandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukasandipfekedza, ndakanga ndichirwara uye ndiri mutorongo mukasandishanyira.’
44 "Then they too will answer, 'Lord, when did we see you hungry, thirsty, a stranger, naked, sick, or in prison, and not serve you?' “Naizvozvo vachapindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara kana mune nyota kana muri mweni kana musina zvokupfeka kana muchirwara kana muri mutorongo tikasakubatsirai?’
45 "He will answer, 'Truly I tell you: whatever you didn't do for one of the least of these, you didn't do for me.' “Achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, zvose zvamusina kuitira mumwe wavaduku ava, hamuna kuzviitira ini.’
46 Then they will go away to eternal punishment, but the righteous to eternal life." “Ipapo vachaenda mukurangwa kusingaperi, asi vakarurama vachipinda muupenyu husingaperi.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]