Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 24 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Jesus was leaving the temple when his disciples came to show him its buildings. Jesu akabuda mutemberi, uye paakanga achifamba kudaro, vadzidzi vake vakaswedera kwaari vakamuratidza dzimba dzetemberi.
2 "Do you see all these?" he answered. "Truly I tell you: not one stone here will be left on another; all will be torn down." Iye akati kwavari, “Muri kuona zvinhu izvi zvose here? Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna ibwe richasara pano riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.”
3 While Jesus was sitting on the Mount of Olives, his disciples came to him privately: "Tell us, when will these things happen, and what sign marks your coming and the end of the age?" Jesu akati agara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vakati, “Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika rini, uye kuti chiratidzo chokuuya kwenyu nokuguma kwenyika chichava chei?”
4 Jesus answered, "Watch out that no one deceives you. Jesu akapindura akati, “Chenjerai kuti murege kunyengerwa nomunhu.
5 "For many will come in my name, claiming, 'I am the Christ,' and they will deceive many. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachinyengera vazhinji.
6 You'll hear of wars and rumors of wars—don't be alarmed. This must happen, but the end isn't yet. Muchanzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, asi chenjerai kuti murege kuvhundutswa nazvo. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika.
7 Nation will rise against nation, and kingdom against kingdom, with famines and earthquakes in place after place. Nokuti rudzi ruchamukira rumwe rudzi noumambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nenzara nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana.
8 All these are the beginning of birth pains. Asi zvose izvi mavambo okurwadziwa pakubereka.
9 Then they will hand you over to suffering and kill you, hated by all nations because of my name. “Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu.
10 At that time many will fall away and will betray and hate one another, Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana,
11 and many false prophets will appear and deceive many people. uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji.
12 Because lawlessness will increase, the love of most will grow cold, Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora.
13 but the one who endures to the end will be saved. Asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo, achaponeswa.
14 This good news of the kingdom will be announced worldwide as a testimony to all nations, and then the end will come. Uye vhangeri iri roumambo richaparidzwa munyika yose souchapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.
15 So when you see the desolating abomination Daniel the prophet spoke of standing in the holy place—let the reader understand, “Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga ngaanzwisise,
16 then let those who are in Judea flee to the mountains. ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.
17 "Let no one on the rooftop go down to take anything out of the house, Uyo ari padenga reimba yake ngaarege kuburuka kuti andotora chinhu chipi zvacho chiri mumba make.
18 and let no one in the field go back to get a coat. Ari mumunda ngaarege kudzokera kundotora nguo yake.
19 How dreadful it will be in those days for pregnant women and nursing mothers! Zvichaoma sei mumazuva iwayo kuvakadzi vane mimba navaya vanoyamwisa!
20 Pray that your flight will not take place in winter or on the Sabbath. Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuitika panguva yechando kana nomusi weSabata.
21 For then there will be great suffering, unmatched from the world's beginning until now, and never to be matched again. Nokuti ipapo pachava nenhamo huru isina kumbovapo kubva pakuvamba kwenyika kusvika zvino uye haizombovapozve.
22 If those days had not been cut short, no one would survive; but for the elect's sake, those days will be cut short. Dai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu airarama, asi nokuda kwavasanangurwa, mazuva iwayo achatapudzwa.
23 Then if anyone tells you, 'Look, here's the Christ,' or 'There he is,' don't believe it. Panguva iyoyo, mukanzwa munhu anoti kwamuri, ‘Tarirai, hoyu Kristu!’ kana kuti, ‘Hoyo Kristu,’ musazvitenda.
24 False messiahs and false prophets will arise, performing great signs and wonders to deceive, if possible, even the elect. Nokuti kuchamuka vanaKristu venhema navaprofita venhema avo vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vanyengere kunyange navasanangurwa kana zvichigoneka.
25 See, I have told you ahead of time. Tarirai, ndafanokuudzai zvisati zvaitika.
26 So if they say, 'Look, he's in the wilderness,' don't go out; 'Look, in the inner rooms,' don't believe it. “Saka kana munhu upi zvake akakuudzai kuti, ‘Tarirai uyo ari kurenje,’ musabuda kuti muendeko kana kuti akati, ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ musazvitenda.
27 For just as lightning flashes from the east and shows as far as the west, so will the Son of Man's coming be. Sezvinoita mheni inopenya kumabvazuva ichionekwawo kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu.
28 Wherever there is a carcass, there the vultures will gather. Pose pano mutumbi ndipo pachaungana magora.
29 Right after the suffering of those days, the sun will go dark, the moon will give no light, stars will fall from the sky, and the powers of the heavens will shake. “Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, “ ‘zuva richasviba, uye mwedzi hauzovheneki; nyeredzi dzichawa kubva kudenga, namasimba omuchadenga achazungunuswa.’
30 Then the sign of the Son of Man will appear in heaven, and all earth's peoples will mourn, seeing the Son of Man come on heaven's clouds with power and great glory. “Ipapo chiratidzo choMwanakomana woMunhu chichaonekwa kudenga, uye ndudzi dzose dzenyika dzichachema. Vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
31 He will send out his angels with a loud trumpet blast, and they will gather his chosen from the four winds, from one end of the sky to the other. Uye achatuma vatumwa vake nokurira kwehwamanda kukuru uye vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina dzenyika, kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe.
32 Learn this from the fig tree: as soon as its branch softens and leafs out, you know summer is near. “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Panopfava matavi awo uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo.
33 So also, when you see all these things, know it is near, at the door. Saizvozvowo, nemiwo pamunoona zvinhu zvose izvi muzive kuti nguva yangu yava pedyo, yava pamusiwo.
34 Truly I tell you, this generation will certainly not pass away until all these things have happened. Ndinokuudzai chokwadi kuti rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.
35 Heaven and earth will pass away, but my words will never pass away. Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.
36 "No one knows that day or hour—not the angels in heaven, not the Son—only the Father. “Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete.
37 As in Noah's days, so will be the Son of Man's coming. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.
38 For in the days before the flood, people ate and drank, married and gave in marriage, until the day Noah entered the ark; Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya uye vachinwa, vaiwana nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka,
39 and they knew nothing until the flood came and swept them all away. That is how the coming of the Son of Man will be. uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.
40 Two men will be in the field; one will be taken and the other left. Varume vaviri vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.
41 Two women will be grinding with a hand mill; one will be taken and the other left. Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.
42 Therefore keep watch, because you do not know on what day your Lord will come. “Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro.
43 Understand: had the homeowner known what watch of night the thief was coming, he'd have watched and kept his house from being broken into. Asi nzwisisai izvi: Dai muridzi weimba aiziva kuti inguva ipi yousiku ichauya mbavha, angadai airinda uye haaizotendera kuti imba yake ipazwe.
44 So you too must be ready, because the Son of Man comes at an hour you don't expect. Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.
45 Who then is the faithful and wise servant, whom the master put in charge of his household to give them food at the right time? “Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira?
46 It will be good for that servant whose master finds him doing so when he returns. Akaropafadzwa muranda uyo anowanikwa achiita izvozvo pakudzoka kwatenzi wake.
47 Truly I tell you, he will put him in charge of all his possessions. Ndinokuudzai chokwadi kuti achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose.
48 But suppose that wicked servant says to himself, 'My master is staying away a long time,' Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,’
49 and then begins to beat his fellow servants and to eat and drink with drunkards. uye ipapo otanga kurova vamwe varanda uye nokudya nokunwa nezvidhakwa.
50 That servant's master will come on a day he doesn't expect, at an hour he doesn't know. Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi.
51 He will cut him to pieces and place him with the hypocrites, where people weep and grind their teeth." Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]