Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 23 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then Jesus spoke to the crowds and to his disciples, Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti,
2 saying, "The scribes and the Pharisees sit on Moses' seat. “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi.
3 "So do and keep whatever they tell you, but not what they do—they preach, but don't do. Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza.
4 They tie up heavy, hard-to-carry loads and put them on people's shoulders, but they themselves won't lift a finger to move them. Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise.
5 They do everything to be seen by others; they widen their phylacteries and lengthen their tassels, “Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo.
6 and they love the place of honor at feasts and the best seats in the synagogues, Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge.
7 and greetings in the marketplaces and being called 'Rabbi' by others. Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu.
8 You must not be called 'Rabbi,' since you have only one teacher, and you're all brothers. “Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama.
9 And call no one on earth your father, for you have one Father, who is in heaven. Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba vamwe chete uye vari kudenga.
10 Don't let anyone call you 'instructor,' for you have one instructor, the Christ. Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu.
11 The greatest among you will be your servant. Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu.
12 Whoever raises himself will be humbled; whoever humbles himself will be raised. Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa.
13 Woe to you, scribes and Pharisees, hypocrites! For you shut the kingdom of our Father before people, neither entering yourselves nor letting in those trying to enter. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga vachizviona. Imi pachenyu hamupindi, uye vaya vanoedza kupinda hamuvatenderi.
14 Not in this edition Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munoparadza dzimba dzechirikadzi, uye munoita minyengetero mirefu kuti muonekwe. Naizvozvo muchatongwa zvakaomesesa.
15 Woe to you, scribes and Pharisees, hypocrites! For you cross sea and land to make one convert, then make him twice the child of hell you are. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi.
16 Woe to you, blind guides! You say, 'Swearing by the temple means nothing, but swearing by the temple's gold makes the oath binding.' “Mune nhamo imi vatungamiri mapofu! Imi munoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina hazvo mhosva, asi kana munhu akapika negoridhe romutemberi anosungwa nemhiko yake.’
17 Blind fools! Which is greater: the gold, or the temple that makes the gold sacred? Imi mapenzi amapofu! Chikuru chii: Goridhe netemberi inoita kuti goridhe rive dzvene?
18 And you say, 'Swearing by the altar is nothing, but swearing by its gift is binding.' Uyezve imi munoti, ‘Kana munhu upi zvake akapika nearitari hazvirevi chinhu, asi kana munhu upi zvake akapika nechipo chiri pairi, asungwa nemhiko yake.’
19 You blind men! For which is greater, the gift or the altar that makes the gift sacred? Imi mapofu! Chikuru chii: Chipo kana kuti aritari inoita kuti chipo chive chitsvene?
20 So whoever swears by the altar swears by it and by everything on it. Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi.
21 And whoever swears by the temple swears by it and by him who lives in it. Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi.
22 And whoever swears by heaven swears by our Father's throne and by him who sits on it. Uye uyo anopika nedenga anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri.
23 Woe to you, scribes and Pharisees, hypocrites! You bring the tenth of mint, dill, and cumin, yet neglect the law's weightier matters—justice, mercy, faithfulness. These you should have done, without neglecting the others. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuhwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi munoshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga.
24 You blind guides, straining out a gnat and swallowing a camel! Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera.
25 Woe to you, scribes and Pharisees, hypocrites! You clean the cup and dish outside, but inside they're full of greed and excess. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora.
26 Blind Pharisee! First clean the inside of cup and dish, so the outside is clean too. Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo.
27 Woe to you, scribes and Pharisees, hypocrites! You are like whitewashed tombs, appearing beautiful outside but full of dead people's bones and all impurity inside. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anoratidzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina.
28 So you also outwardly appear righteous to others, but inside you are full of hypocrisy and lawlessness. Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi.
29 Woe to you, scribes and Pharisees, hypocrites! For you build tombs of the prophets and decorate the monuments of the righteous, “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munovaka makuva avaprofita nokushongedza makuva avakarurama.
30 saying, 'Had we lived in our fathers' days, we would not have joined them in killing the prophets.' Uye moti, ‘Dai takanga tararama pamazuva amadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pakuteura ropa ravaprofita.’
31 So you testify against yourselves that you are the sons of those who murdered the prophets. Saka muri kuzvipupurira pachenyu kuti muri zvizvarwa zvaivavo vakaponda vaprofita.
32 Fill up, then, the measure of your fathers. Zvino chizadzisai chiyero chechivi chamadzitateguru enyu!
33 You serpents, you brood of vipers, how are you to escape being sentenced to hell? “Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena?
34 So I am sending you prophets, wise men, and scribes—some you will kill and crucify, some you will flog in your synagogues and persecute from town to town, Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta.
35 so that all righteous blood shed on earth may come upon you—from righteous Abel's blood to Zechariah son of Berekiah's, whom you murdered between the sanctuary and the altar. Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZekaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari.
36 Truly, I say to you, all these things will come upon this generation. Ndinokuudzai chokwadi kuti zvose izvi zvichava pamusoro porudzi urwu.
37 Jerusalem, Jerusalem—killing the prophets, stoning those sent to you! How often I wanted to gather your children, as a hen gathers her chicks under her wings, but you refused. “Iwe Jerusarema, Jerusarema! Iwe unouraya vaprofita nokutaka namabwe avo vanotumirwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako sezvinoita nhunzvi yehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo.
38 Look, your house is left to you desolate. Tarira, wasiyirwa imba yako yangova dongo.
39 I tell you, you won't see me again till you say, 'Blessed is the one coming in our Father's name.'" Ndinokuudza kuti, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa anouya muzita raIshe.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]