Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 22 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Jesus spoke to them again in parables, saying: Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti,
2 "The kingdom of our Father is like a king who prepared a wedding feast for his son. “Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa.
3 He sent his servants to summon the invited guests to the wedding feast, but they refused to come. Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya.
4 Again he sent other servants, saying, 'Tell those invited: Look, I have prepared my dinner; my oxen and fattened cattle are killed, everything ready. Come to the wedding feast.' “Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’
5 But they paid no attention and went off, one to his farm, another to his business, “Asi hapana akateerera uye vakaenda mumwe kumunda wake, mumwewo kune rimwe basa rake.
6 while the rest seized his servants, mistreated them, and killed them. Vamwe vavo vakabata varanda vake vakavaitira zvakaipa uye vakavauraya.
7 The king was enraged, and he sent his troops, destroyed those murderers, and burned their city. Mambo akatsamwa kwazvo. Akatuma hondo yake kundoparadza vaurayi vaya uye akapisa guta ravo.
8 Then he told his servants, 'The wedding is ready, but those invited weren't worthy. “Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye.
9 Go therefore to the main roads and invite to the wedding feast as many as you find.' Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’
10 Those servants went out into the roads and gathered everyone they found, bad and good, and the wedding hall filled with guests. Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa.
11 "But when the king came in to see the guests, he saw a man not dressed in wedding clothes. “Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa.
12 He asked, 'Friend, how did you get in here without wedding clothes?' He was speechless. Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva.
13 Then the king told the servants, 'Tie his hands and feet, and throw him into the outer darkness, where there will be weeping and grinding of teeth.' “Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’
14 For many are called, but few are chosen." “Nokuti vazhinji vakakokwa asi vakasarudzwa vashoma.”
15 Then the Pharisees went and plotted how to trap him with his own words. Ipapo vaFarisi vakabuda vakandoronga kuti vamubate namashoko ake.
16 They sent their disciples to him, with the Herodians, saying, "Teacher, we know you are truthful and truly teach God's way; you defer to no one, since you don't judge people by rank. Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani.
17 Tell us, then, what you think: Is it lawful to pay taxes to Caesar, or not?" Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?”
18 But Jesus, knowing their malice, said, "Why are you testing me, you hypocrites? Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko?
19 Show me the coin used for the tax." And they brought him a denarius. Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari
20 And he said to them, "Whose image is this, and whose inscription?" uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?”
21 They said, "Caesar's." Then he said to them, "So pay Caesar what belongs to Caesar, and our Father what belongs to our Father." Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.”
22 When they heard it, they were amazed; and they left him and went away. Vakati vanzwa izvi, vakashamiswa. Saka vakamusiya vakaenda.
23 That same day Sadducees came to him, who say there is no resurrection, and they asked him, Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo.
24 saying, "Teacher, Moses said: if a man dies childless, his brother must marry the widow and raise offspring for his brother. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana.
25 Now there were seven brothers among us. The first married, died, and, childless, left his wife to his brother. Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira mununʼuna wake mukadzi.
26 So too the second and the third, down to the seventh. Zvimwe chetezvo zvakaitika kuno wechipiri nowechitatu kusvikira kuno wechinomwe.
27 Last of all, the woman died. Pakupedzisira mukadzi akazofawo.
28 In the resurrection, then, whose wife of the seven will she be? For they all had her." Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko pavanomwe vaya sezvo vose vaiva varume vake?”
29 Jesus answered, "You're mistaken—you know neither the Scriptures nor our Father's power. Jesu akavapindura akati, “Ndipo pamunorasika ipapo nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari.
30 For in the resurrection people neither marry nor are married off, but are like angels in heaven. Pakumuka kwavakafa vanhu havawani kana kuwanikwa, vachange vakaita savatumwa kudenga.
31 Now, about the resurrection of the dead, haven't you read what our Father told you: Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti,
32 'I'm the God of Abraham, of Isaac, and of Jacob'? He's not God of the dead, but of the living." ‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.”
33 And when the crowds heard it, they were astonished at his teaching. Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
34 But when the Pharisees heard that he had silenced the Sadducees, they gathered together. Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete.
35 And one of them, an expert in the Law, asked him a question to test him: Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo achiti,
36 "Teacher, which is the great commandment in the Law?" “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?”
37 He said to him, "Love your Father with all your heart, with all your soul, and with all your mind. Jesu akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’
38 This is the great and first commandment. Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga.
39 And a second is like it: You will love your neighbor as yourself. Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’
40 On these two commandments depend all the Law and the Prophets." Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.”
41 Now while the Pharisees were gathered together, Jesus asked them, VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati,
42 "What do you think about the Christ? Whose son is he?" They said to him, "David's." “Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?” Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.”
43 He asked them, "How then does David, by the Holy Spirit, call him Lord, saying, Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? Nokuti anoti,
44 'Our Father said to my Lord, "Sit at my right hand, until I put your enemies under your feet"'? “ ‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’
45 If then David calls the Christ Lord, how can the Christ be David's son?" Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?”
46 No one could answer him a word, and from that day no one dared ask him anything else. Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]