Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 19 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When Jesus finished these words, he left Galilee and went into the region of Judea, across the Jordan. Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda kudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani.
2 Large crowds followed him, and he healed them there. Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera uye akavaporesa ikoko.
3 Pharisees came to test him, asking, "Is it lawful for a man to divorce his wife for any cause?" Vamwe vaFarisi vakauya kwaari kuzomuedza. Vakamubvunza vachiti, “Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi wake nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho?”
4 He answered, "Haven't you read that our Father, who made them at the beginning, made them male and female, Akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi,
5 and said, 'So a man will leave his father and mother and cling to his wife, and the two will become one flesh'? akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?’
6 So they are no longer two but one flesh; therefore, let no one separate what our Father has joined." Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa.”
7 They said to him, "Why then did Moses command that a man give a divorce certificate and send her away?" Vakabvunzazve vachiti, “Sei Mozisi akarayira kuti murume ape mukadzi wake rugwaro rwokumuramba obva amuendesa?”
8 He told them, "Moses let you divorce your wives because your hearts were hard, but it wasn't like that from the beginning. Jesu akapindura achiti, “Mozisi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu. Asi zvainge zvisina kudaro kubva pakutanga.
9 I tell you: whoever divorces his wife—except for sexual sin—and marries another commits adultery." Ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake, kunze chete nokuda kwoupombwe, akazowana mumwe mukadzi, atoita upombwe.”
10 The disciples said to him, "If that's the case between husband and wife, it's better not to marry." Vadzidzi vake vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro azvakaita pakati pomurume nomukadzi, zviri nani kusawana.”
11 He said to them, "Not everyone can accept this word—only those it's given to. Jesu akapindura akati kwavari, “Haasi wose anogamuchira shoko iri, asi kune avo chete vakaripiwa.
12 There are eunuchs born that way from their mother's womb; there are eunuchs made that way by others; and there are eunuchs who made themselves so for the kingdom of our Father. Let the one who can accept this, accept it." Nokuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro; dzimwe dziriko dzakaitwa navanhu; dzimwe dzakazviita ngomwa nokuda kwoumambo hwokudenga. Uyo anogona kugamuchira shoko iri ngaarigamuchire.”
13 Then little children were brought to him so he could lay hands on them and pray, but the disciples rebuked those bringing them. Ipapo vana vaduku vakauyiswa kuna Jesu kuti aise maoko ake pamusoro pavo, uye kuti avanyengeterere. Asi vadzidzi vakatsiura vaya vakanga vauya navo.
14 But Jesus said, "Let the little children come to me—don't stop them, for the kingdom of our Father belongs to ones like these." Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai.”
15 And he laid his hands on them and went on from there. Akati aisa maoko ake pamusoro pavo, akabva ipapo.
16 Just then a man approached him and asked, "Teacher, what good must I do to obtain eternal life?" Zvino mumwe murume akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Mudzidzisi, ndechipi chinhu chakanaka chandingaita kuti ndiwane upenyu husingaperi?”
17 He said to him, "Why ask me about what is good? Only one is good. If you want to enter life, keep the commandments." Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Kunongova noMumwe chete akanaka. Kana uchida kupinda muupenyu, teerera mirayiro.”
18 "Which ones?" he asked. Jesus said, "Do not murder, do not commit adultery, do not steal, do not testify falsely, Murume uya akabvunza achiti, “Ipiko?” Jesu akapindura akati, “ ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema.
19 honor your father and mother, and love your neighbor as yourself." Kudza baba vako namai vako uye ude muvakidzani wako sokuzvida kwaunozviita iwe.’ ”
20 The young man said to him, "All these I have kept. What do I still lack?" Jaya riya rakati, “Zvose ndakazvichengeta. Chii chandichiri kushayiwa?”
21 Jesus told him, "If you want to be complete, go, sell your possessions and give to the poor—you'll have treasure in heaven—then come, follow me." Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.”
22 When the young man heard this, he went away grieving, because he had great wealth. Jaya riya parakanzwa izvi, rakaenda rakasuwa kwazvo nokuti raiva nepfuma zhinji kwazvo.
23 Jesus said to his disciples, "Truly, I tell you: a rich person will hardly enter our Father's kingdom. Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ndinokuudzai chokwadi, zvakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga.
24 I tell you again: a camel fits through the eye of a needle easier than a rich person enters our Father's kingdom." Ndinotizve zvakareruka kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
25 When the disciples heard this, they were greatly astonished and asked, "Who then can be saved?" Vadzidzi vakati vanzwa izvi vakakatyamara zvikuru vakabvunza vachiti, “Ndiani zvino achaponeswa?”
26 Jesus looked at them and said, "This is impossible for people, but everything is possible with our Father." Jesu akavatarisa akati, “Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.”
27 Then Peter said to him, "Look, we've left everything and followed you. What then will we have?" Petro akamupindura akati, “Takasiya zvose kuti tikuteverei! Zvino tichawaneiko?”
28 Jesus told them, "Truly: in the renewal, when the Son of Man sits on his glorious throne, you who followed me will also sit on twelve thrones, judging the twelve tribes of Israel. Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti pakuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwanakomana woMunhu paachagara pachigaro chake chokubwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga marudzi gumi namaviri eIsraeri.
29 "Everyone who has left houses or brothers or sisters or father or mother or children or fields for my name will receive one hundred times more and inherit eternal life. Uye vose vakasiya dzimba, kana vakoma kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana baba kana mai kana vana kana minda nokuda kwangu vachagamuchira zvakapetwa kazana, uye vachagara nhaka youpenyu husingaperi.
30 But many who are first will be last, and many who are last will be first." Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira uye navazhinji vokupedzisira vachava vokutanga.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]