Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 20 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "For the kingdom of our Father is like a landowner who went out at dawn to hire workers for his vineyard. “Nokuti umambo hwokudenga hwakafanana nomuridzi womunda akabuda mangwanani-ngwanani kundotsvaka vanhu vokuti vazoshanda mumunda wake wemizambiringa.
2 He agreed to pay the workers a full day's wage and sent them into his vineyard. Akabvumirana navo kuti aizovapa dhinari pazuva, ndokubva avaendesa mumunda wake wemizambiringa.
3 About nine o'clock in the morning he went out and saw others standing idle in the marketplace. “Nenguva inenge yechitatu akabuda ndokuona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita.
4 He told them, 'You too, go into the vineyard; I'll pay you whatever's right.' So they went. Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa, ndichakupai zvakakodzera.’
5 Going out again about noon and about three in the afternoon, he did the same. Saka vakaenda. “Akabudazve nenguva dzinenge dzechitanhatu nedzepfumbamwe akaita zvimwe chetezvo.
6 About five in the afternoon, he went out and found others standing there. He asked, 'Why have you stood here idle all day?'" Nenguva inenge yegumi neimwe akabuda akawanazve vamwe vamire. Akavabvunza achiti, ‘Seiko, maswera makangomira pano zuva rose musina chamuri kuita?’
7 "They said, 'Because no one hired us.' He said, 'You also go into the vineyard.' “Vakapindura vachiti, ‘Nokuti hapana munhu atipa basa.’ “Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa.’
8 "When evening came, the vineyard owner told his foreman, 'Call the workers and pay them their wages, from the last to the first.' “Akati ava madekwana, muridzi womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi ugovapa mubayiro wavo, uchitanga navapedzisira kupiwa basa kusvikira kune vokutanga.’
9 And when those hired about five o'clock came, each of them received a full day's wage. “Vashandi vainge vaenda kundoshanda nenguva inenge yegumi neimwe vakauya uye mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhinari.
10 When the first came, they thought they would get more, but each got a full day's wage too. Saka pakasvika vaya vakanga vatanga kushanda, vakatarisira kupiwa zvakawanda. Asi mumwe nomumwe wavo akapiwa dhinari.
11 And on receiving it they grumbled at the landowner, Vakati vagamuchira mari iyi vakatanga kutsutsumwira muridzi womunda.
12 saying, 'These last worked only one hour, yet you made them equal to us, who bore the day's burden and the scorching heat.' Vakati, ‘Varume ava vapedzisira vangoshanda awa imwe chete, asi mavaenzanisa nesu tatakura mutoro webasa uye tikapiswa nezuva.’
13 "He answered one of them, 'Friend, I'm not wronging you. Didn't you agree with me for a full day's wage?' “Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, handina chandakukanganisira. Ko, hauna kutenderana neni kushandira dhinari here?
14 Take what's yours and go. I want to give this last worker the same as you. Tora mubayiro wako uende. Ndinoda kupa munhu ashanda kwokupedzisira zvakafanana nezvandakupa.
15 Can't I do what I want with what's mine? Or are you jealous because I'm generous? Ko, handina kodzero here yokuita zvandinoda nemari yangu? Kana kuti iwe une godo nokuda kwokupa kwangu zvakawanda.’
16 So the last will be first, and the first last." “Saka vokupedzisira vachava vokutanga uye vokutanga vachava vokupedzisira.”
17 As Jesus was going up to Jerusalem, he took the twelve aside and said to them on the way, Zvino Jesu paakanga achikwira kuenda kuJerusarema, akatora vadzidzi vake gumi navaviri parutivi akati kwavari,
18 "See, we are going up to Jerusalem, and the Son of Man will be given over to the chief priests and scribes, who will condemn him to death, “Tiri kukwira kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achaiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu
19 and hand him over to the Gentiles to mock and flog and crucify—and on the third day he will be raised." uye vagomuisa kune veDzimwe Ndudzi kuti asekwe agorohwa uye arovererwe pamuchinjikwa. Pazuva retatu achamutswa kuti ave mupenyu!”
20 Then Zebedee's sons' mother came to him with her sons, kneeling to ask something of him. Ipapo mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu navanakomana vavo, vakapfugama pamberi pake vaine chikumbiro.
21 He asked her, "What do you want?" She said, "Say my two sons will sit one at your right, one at your left, in your kingdom." Akabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “Itaiwo kuti mumwe wavanakomana vangu vaviri ava agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu muumambo hwenyu.”
22 But Jesus replied, "You don't know what you're asking. Can you drink the cup I am about to drink?" "We can," they said. Jesu akati, kwavari, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Mungagona kunwa mukombe wandichazonwa here?” Vakapindura vachiti, “Tinogona.”
23 He said, "You will drink my cup, but seating at my right and left is not mine to give—it belongs to those my Father has prepared it for." Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchanwa mumukombe wangu, asi zvokuti mugare kurudyi kana kuruboshwe rwangu, handisini ndinopa. Nzvimbo idzi ndedzaavo vakadzigadzirirwa naBaba vangu.”
24 When the ten heard this, they were angry at the two brothers. Vane gumi vakati vanzwa izvi vakatsamwira mukoma nomununʼuna ava.
25 Jesus called them over and said, "You know the rulers of the Gentiles lord it over them, and their powerful men hold authority over them. Jesu akavadana pamwe chete uye akati, “Munoziva kuti vatongi veveDzimwe Ndudzi vanobata ushe pamusoro pavo uye machinda avo makuru anoshandisa simba pamusoro pavo.
26 Not so among you. Rather, whoever wants to be great among you must be your servant, Ngazvirege kudaro kwamuri. Asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu,
27 and whoever wants to be first among you must be your slave, uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yenyu,
28 just as the Son of Man came not to be served but to serve, and to give his life as a ransom for many." sezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”
29 And as they went out of Jericho, a great crowd followed him. Jesu navadzidzi vake pavakabva kuJeriko, vanhu vazhinji kwazvo vakamutevera.
30 Two blind men sitting by the road heard Jesus was passing and cried out, "Lord, have mercy on us, Son of David!" Varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ainge opfuura nepo vakadanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”
31 The crowd scolded them to be quiet, but they shouted louder, "Have mercy on us, Lord, Son of David!" Vanhu vazhinji vakavatsiura vakavarayira kuti vanyarare, asi ivo vakanyanya kudanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”
32 And stopping, Jesus called them and said, "What do you want me to do for you?" Jesu akamira akavadana, akavabvunza achiti, “Munoda kuti ndikuitireiko?”
33 They said to him, "Lord, let our eyes be opened." Vakapindura vachiti, “Ishe, tinoda kuona.”
34 And Jesus, moved with compassion, touched their eyes, and immediately they recovered their sight and followed him. Jesu akavanzwira tsitsi uye akabata meso avo. Pakarepo vakabva vaona uye vakamutevera.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]