Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 18 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 At that time the disciples came to Jesus, asking, "Who, then, is greatest in the kingdom of our Father?" Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, “Ndianiko mukuru pane vose muumambo hwokudenga?”
2 Calling a little child to him, he placed the child among them, Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo.
3 and said, "I tell you truly: unless you turn and become like little children, you'll never enter our Father's kingdom. Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga.
4 Whoever therefore humbles himself like this little child is the greatest in the kingdom of our Father. Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga.
5 And whoever welcomes one such little child in my name welcomes me." “Uye ani naani anogamuchira mwana muduku souyu muzita rangu anogamuchira ini.
6 "But whoever trips up one of these little ones who believe in me—better to hang a heavy millstone on his neck and drown him in the depths of the sea." Asi ani naani anoita kuti mumwe wavaduku vanotenda kwandiri atadze, zvaiva nani kwaari kuti asungirirwe guyo guru muhuro make agonyudzwa mugungwa makadzika.
7 "Disaster for the world because of things that cause stumbling! They must come, but disaster for whoever brings them. “Ine nhamo nyika nokuda kwezvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze! Zvinhu izvozvo zvinofanira kuuya asi ane nhamo munhu anoita kuti zviitike.
8 If your hand or foot makes you stumble, cut it off, throw it away. Better to enter life crippled or lame than keep both hands or both feet and be thrown into the eternal fire." Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri.
9 If your eye trips you up, tear it out and throw it away. Better to enter life with one eye than to keep both and be thrown into hell's fire. Kana ziso rako richikuita kuti utadze ribvise urirasire kure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uine ziso rimwe chete pane kunge uine maziso maviri asi ugokandwa mumoto wegehena.
10 "See that you don't look down on one of these little ones. I tell you, their angels in heaven always see my Father's face in heaven." “Onai kuti hamuzvidze mumwe wavaduku ava. Ndinokuudzai kuti vatumwa vavo kudenga vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kudenga.
11 Not in this edition Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzoponesa chakarasika.
12 "What do you think? If a man has one hundred sheep and one wanders off, won't he leave the ninety-nine on the hills and go look for the one that wandered? “Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiye makumi mapfumbamwe nepfumbamwe mumakomo achinotsvaka rakarasika here?
13 If he finds it, I assure you: he rejoices over it more than over the ninety-nine that never strayed. Uye kana akariwana, ndinokuudzai chokwadi kuti anorifarira kukunda makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika.
14 So it is not your Father in heaven's will that one of these little ones perish.' Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike.
15 "If your brother sins against you, go, show him his fault—you and he alone. If he listens, you've won your brother over. “Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wadzora hama yako.
16 But if he won't listen, bring one or two more with you, so every matter stands by the mouth of two or three witnesses. Asi akaramba kuteerera, enda nomumwe kana vaviri kuitira kuti ‘nyaya imwe neimwe isimbiswe nezvapupu zviviri kana zvitatu.’
17 If he won't listen to them, tell the church. If he won't listen to the church either, treat him like an outsider or a tax collector. Kana akaramba kuteerera, uudze kereke, kana akaramba kuteerera kunyange kereke, umutore zvako somuhedheni kana muteresi.
18 Truly I tell you, whatever you bind on earth will be bound in heaven, and whatever you loose on earth, loosed in heaven. “Ndinokuudzai chokwadi kuti chose chamuchasunga pano pasi chichasungwa kudenga, nechamunosunungura pano pasi chichasunungurwa kudenga.
19 Again, truly I tell you: if two of you on earth agree about anything they ask, my Father in heaven will do it for them. “Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa.
20 For where two or three are gathered together in my name, there I am among them." Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.”
21 Then Peter came to Jesus: "Lord, how many times must I forgive my brother who sins against me? Up to seven times?" Ipapo Petro akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Ishe, kanganiko kandingaregerera hama yangu kana achinditadzira? Kanomwe here?”
22 Jesus answered, "I tell you, not seven times, but seventy-seven times. Jesu akapindura akati, “Kwete kanomwe chete, asi kakapetwa makumi manomwe ane nomwe.
23 So the kingdom of our Father is like a king who wanted to settle accounts with his servants. “Naizvozvo, umambo hwokudenga hwakafanana namambo aida kuripirwa zvikwereti zvake navaranda vake.
24 When he began settling accounts, a man owing a fortune was brought to him. Paakatanga kuzviongorora, murume ainge aine chikwereti chamatarenda zviuru gumi akauyiswa kwaari.
25 Since he could not pay, his master ordered him and his wife, children, and all he had sold, and the debt repaid." Sezvo ainge asingakwanisi kuripa chikwereti ichi, tenzi wake akaronga kuti iye nomudzimai wake, navana vake nezvose zvaaiva nazvo zvitengeswe kuti zviripe chikwereti.
26 So the servant knelt before him, pleading, "Be patient with me, and I will repay everything. “Muranda uya akazviwisira pamberi patenzi wake akamukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitireiwo mwoyo murefu, ndicharipa hangu zvose.’
27 The master of that servant, his heart moved with compassion, released him and forgave him the debt." Tenzi womuranda uya akamunzwira tsitsi, ndokubva adzima chikwereti chiya chose, uye akamuregedza achienda zvake.
28 "That servant then went out, found a fellow servant who owed him one hundred days' wages, grabbed him, and began choking him: 'Pay back what you owe me!'" “Asi muranda uya paakabuda, akasangana nomumwewo muranda saiye ainge aine chikwereti chake chamadhenari zana. Akamubata ndokutanga kumudzipa. Akati, ‘Ndipe chikwereti changu!’
29 So his fellow servant knelt and pleaded with him, "Be patient with me; I'll repay you. “Muranda uya saiyewo muranda akapfugama ndokumukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitirewo mwoyo murefu, ndichakupa chikwereti chako.’
30 But he refused, went and threw him into prison until he paid the debt. “Asi akaramba. Pamusoro pezvo akamusungisa uye akaita kuti aiswe mutorongo kusvikira aripa chikwereti chose.
31 Seeing what had happened, his fellow servants were deeply grieved, went, and told their master all that had happened." Vamwe varanda vakati vaona zvakanga zvaitika, zvakavatambudza zvikuru ndokubva vanoudza tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika.
32 Then the master summoned him. "Wicked servant," he said, "I forgave you all that debt because you begged me. “Tenzi akadana muranda uya akati, ‘Iwe muranda akaipa. Ndakadzima chikwereti changu chawaiva nacho nokuti wakandikumbira zvikuru.
33 Shouldn't you also have shown your fellow servant mercy, as I showed you mercy? Saka hawaifanira here kuva netsitsi kuno mumwe wako sezvandakakuitira iwe?’
34 Furious, his master handed him to the torturers until he repaid the whole debt. Nehasha tenzi wake akamuisa kune vejeri kuti arangwe zvinorwadza kusvikira aripa chikwereti chose chaaiva nacho.
35 My heavenly Father will do the same to you, unless each forgives his brother from the heart." “Izvi ndizvo zvichaitirwa mumwe nomumwe wenyu naBaba vangu vari kudenga kana musingaregereri hama yenyu nomwoyo wose.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]