Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 16 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When the Sabbath ended, Mary Magdalene, Mary the mother of James, and Salome bought spices to go anoint him. Sabata rakati rapfuura, Maria Magadharena, Maria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira kuti vagondozodza mutumbi waJesu.
2 Very early on the first day of the week, just after sunrise, they went to the tomb. Mangwanani-ngwanani pazuva rokutanga revhiki, zuva risati rabuda, vakanga vapinda munzira,
3 They asked each other, "Who will roll the stone away from the tomb's entrance for us?" uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?”
4 But looking up, they saw the stone—very large—already rolled away. Asi vakati vatarira, vakaona kuti ibwe rakanga rakungurutswa.
5 They entered the tomb and saw a young man dressed in a white robe, seated on the right. They were alarmed. Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara kuruoko rworudyi, uye vakavhunduka.
6 "Don't be alarmed," he said. "You're looking for Jesus the Nazarene, who was crucified. He's risen—he isn't here. Look, the place they laid him. Iye akati, “Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa.
7 But go, tell his disciples and Peter, 'He goes ahead of you to Galilee. You will see him there, as he told you.'" Asi chiendai mundoudza vadzidzi vake naPetro, kuti, ‘Afanotungamira kuGarirea. Muchandomuona ikoko sezvaakakuudzai.’ ”
8 Trembling and amazed, the women fled the tomb, telling no one—they were afraid. Vachibvunda uye vachishamiswa, vakabuda vakatiza kubva muguva. Havana chavakataura kuno munhu, nokuti vakanga vachitya.
9 Rising early the first day of the week, Jesus appeared first to Mary Magdalene, from whom he had driven seven demons. Jesu akati amuka mangwanani nezuva rokutanga revhiki, akatanga kuzviratidza kuna Maria Magadharena, uya waakanga abudisa kubva maari mweya yakaipa minomwe.
10 She went and told those who had been with him, who were mourning and weeping. Akaenda akandoudza vaya vaimbova naye, vakanga vachiungudza uye vachichema.
11 Hearing Jesus was alive and seen by her, they did not believe it. Vakati vanzwa kuti Jesu akanga ari mupenyu, uye kuti Maria akanga amuona, havana kuzvitenda.
12 Afterward Jesus appeared, in a different form, to two of them walking in the country. Shure kwaizvozvo Jesu akaonekwazve neimwe nzira navaviri vavo pavakanga vachifamba kuruwa.
13 They went back and reported it to the others, but they did not believe them either. Ava vakadzoka vakandozivisa vakasara; asi naivowo havana kuvatenda.
14 Later Jesus appeared to the eleven as they reclined at a meal and rebuked their lack of faith and hardness of heart, because they hadn't believed those who saw him risen. Mushure maizvozvo Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwe pavakanga vachidya; akavatsiura pamusoro pokusatenda kwavo uye nokusindimara kwemwoyo yavo pakuramba kutenda vaya vakanga vamuona mushure mokumuka kwake.
15 He said to them, "Go into all the world and proclaim the good news to all creation. Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose.
16 Whoever believes and is baptized will be saved, but whoever does not believe will be condemned. Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa.
17 And these signs will follow those who believe: in my name they'll drive out demons, speak in new tongues. Uye zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa muzita rangu, vachataura nendimi itsva;
18 They will pick up snakes with their hands; if they drink deadly poison, it won't harm them; they will lay hands on the sick, and they will recover." vachabata nyoka namaoko avo, uye kunyange vakanwa muchetura unouraya haungavakuvadzi napaduku; vachaisa maoko avo pamusoro pavarwere, uye vachapora.”
19 After speaking to them, the Lord Jesus was taken up into heaven and sat at the right hand of our Father. Mushure mokunge Ishe Jesu ataura kwavari, akatorwa akakwidzwa kudenga uye akandogara kuruoko rworudyi rwaMwari.
20 They went out and preached everywhere, the Lord working with them, confirming his word through accompanying signs. Ipapo vadzidzi vakabuda vakandoparidza kwose kwose, uye Ishe akashanda navo, akasimbisa shoko rake nezviratidzo zvakatevera.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]