Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Since many have undertaken to compile an ordered account of what has been accomplished among us. Vazhinji vakaedza kurondedzera nhoroondo dzezvinhu zvakaitika pakati pedu,
2 Just as eyewitnesses from the beginning and servants of the word handed these accounts to us, sokuturirwa kwazvakaitwa kwatiri neavo vakazviona kubva pakutanga naivozve vari varanda veshoko.
3 I too, having traced everything accurately from the start, decided to write it in order for you, most excellent Theophilus, Naizvozvo, sezvo neniwo ndakanyatsoongorora zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanakawo kuti ndikunyorerei imi Tiofiro mune mukurumbira, nhoroondo ndichinyatsotevedzanisa,
4 so that you may know the certainty of the things you have been taught. kuitira kuti mugoziva chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.
5 In the days of Herod, king of Judea, a priest named Zechariah was in Abijah's priestly division. His wife Elizabeth descended from Aaron. Panguva yaHerodhi mambo weJudhea kwakanga kuno muprista ainzi Zekaria, akanga ari weboka rouprista hwaAbhija; mukadzi wake Erizabheti akanga ari chizvarwa chaAroni.
6 They were both righteous before our Father, walking blamelessly in all his commandments and ordinances. Vose vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachichengeta mirayiro yaShe yose nezvaakatema, vasina zvavangapomerwa.
7 But they had no child, because Elizabeth was barren, and both were very old. Asi vakanga vasina vana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki; uye vose vari vaviri vakanga vachembera kwazvo.
8 Now while he was serving as priest before our Father when his division was on duty, Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake achibata somuprista pamberi paMwari,
9 by priestly custom, lot chose him to enter his sanctuary and burn incense. akasarudzwa nomujenya, maererano netsika youprista, kuti aende andopisa zvinonhuhwira mutemberi yaShe.
10 And the whole crowd of the people were praying outside at the hour of incense. Uye nguva yokupisa zvinonhuhwira yakati yasvika, vanamati vose vakaungana panze vachinyengetera.
11 Then an angel of our Father appeared to him, standing at the right of the altar of incense. Ipapo mutumwa waShe akazviratidza kwaari, akamira kurutivi rworudyi rwearitari yezvinonhuhwira.
12 Zechariah was shaken when he saw him, and fear came over him. Zekaria akati achimuona, akavhunduka uye akabatwa nokutya.
13 The angel said to him, "Don't be afraid, Zechariah—your prayer has been heard. Your wife Elizabeth will bear you a son; name him John. Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Zekaria; munyengetero wako wanzwikwa. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Johani.
14 You will have joy and gladness; many will rejoice at his birth. Achava mufaro nokufarisisa kwamuri, uye vazhinji vachafara nokuda kwokuberekwa kwake,
15 He will be great before our Father, must never drink wine or other alcoholic drinks, and he will be filled with the Holy Spirit even from his mother's womb. nokuti achava mukuru pamberi paShe. Haafaniri kutongonwa waini kana zvinonwiwa zvose zvakaviriswa, uye achazadzwa noMweya Mutsvene kunyange kubva pakuberekwa kwake.
16 And he will turn many of the children of Israel back to their Father. Achadzorera vanhu vazhinji vaIsraeri kuna She Mwari wavo.
17 He will go before our Father in Elijah's spirit and power, turning fathers' hearts to their children, and the disobedient to the wisdom of the righteous, to prepare a people ready for our Father." Uye achafamba pamberi paShe, mumweya nomusimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana vavo uye kuti vasingateereri vadzokere kuuchenjeri hwavakarurama, kuti agadzirire vanhu vakagadzirirwa kugamuchira Ishe.”
18 Zechariah said to the angel, "How will I know this? I'm old, and my wife is well along in years." Zekaria akabvunza mutumwa akati, “Ndichazviziva seiko izvi? Ini ndava murume mutana uye mukadzi wangu achembera kwazvo.”
19 The angel answered him, "I am Gabriel, who stands in our Father's presence, sent to speak to you and bring you this good news. Mutumwa akapindura akati, “Ndini Gabhurieri. Ndinomira pamberi paMwari, uye ndatumwa kuti ndizotaura newe, ndizokuudza nhau dzakanaka idzi.
20 And now you will be silent, unable to speak, until the day these things happen, because you did not believe my words, which will come true in their time." Uye iye zvino uchava chimumumu uye uchatadza kutaura kusvikira pazuva razvichaitika, nokuti hauna kutenda mashoko angu, iwo achaitika nenguva yawo.”
21 Meanwhile the people waited for Zechariah, wondering why he stayed so long in the sanctuary. Zvichakadaro, vanhu vakanga vakamirira Zekaria vakashamiswa kuti akanga atora nguva yakareba kudai seiko ari mutemberi.
22 When he came out, he could not speak to them, and they knew he had seen a vision in the sanctuary. He kept motioning to them and stayed mute. Akati abuda, akasagona kutaura navo. Vakazviona kuti akanga aona chiratidzo mutemberi, nokuti akaramba achitaura navo namaoko, uye akaramba ari chimumumu asingagoni kutaura.
23 And when his days of service were ended, he went home. Nguva yokushumira kwake yakati yapera, akadzokera kumba kwake.
24 After these days his wife Elizabeth became pregnant, and for five months she kept herself hidden, saying, Shure kwaizvozvo, mukadzi wake Erizabheti akava nemimba uye akazvivanza kwemwedzi mishanu.
25 "This is what our Father did for me, in the days he looked on me, to remove my disgrace among people." Akati mumwoyo make, “Ishe andiitira izvi. Mumazuva ano akaratidza nyasha dzake uye akabvisa kunyadziswa kwangu pakati pavanhu.”
26 In month six our Father sent the angel Gabriel to a Galilee town called Nazareth, Mumwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuNazareta, guta riri muGarirea,
27 to a virgin engaged to a man named Joseph, of the house of David; the virgin's name was Mary. kumhandara yakanga yatsidzirwa kuwanikwa nomurume ainzi Josefa, chizvarwa chaDhavhidhi. Zita remhandara iyi rainzi Maria.
28 And he came to her and said, "Greetings, favored one! Our Father is with you." Mutumwa akasvika kwaari akati, “Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha zvikuru! Ishe anewe.”
29 But she was greatly troubled by his words, and wondered what kind of greeting this might be. Maria akatambudzika zvikuru namashoko ake uye akashamiswa kuti kukwazisa kwakadai ndekworudzii.
30 The angel said to her, "Don't be afraid, Mary, for you have found favor with our Father. Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari.
31 You will conceive in your womb and bear a son, and you will call his name Jesus. Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu.
32 He will be great and called Son of the Most High, and our Father will give him the throne of his father David, Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi,
33 and he will reign over Jacob's house forever; his kingdom will never end." uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.”
34 And Mary said to the angel, "How will this be, since I am a virgin?" Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?”
35 The angel answered her, "The Holy Spirit will come over you, and the Most High's power will shadow you; so the holy child born will be called the Son of our Father. Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba reWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari.
36 Look, your relative Elizabeth has also conceived a son in her old age—this is the sixth month for her called barren. Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki.
37 For nothing will be impossible with our Father." Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.”
38 Mary said, "I am the servant of our Father; let it happen to me as you said." Then the angel left her. Maria akati, “Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva.” Ipapo mutumwa akabva paari.
39 In those days Mary got up and hurried to the hill country, to a town in Judah, Panguva iyoyo Maria akagadzirira ndokukurumidza kuenda kune rimwe guta romunyika yezvikomo yeJudhea,
40 and she entered the house of Zechariah and greeted Elizabeth. uko kwaakasvikopinda mumba maZekaria akakwazisa Erizabheti.
41 When Elizabeth heard Mary's greeting, her baby leaped in her womb, and she was filled with the Holy Spirit. Erizabheti akati anzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu make, ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene.
42 She cried out with a loud voice, "Blessed are you among women, blessed is the fruit of your womb! Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara!
43 And why is this granted to me, that the mother of my Lord should come to me? Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri?
44 For the moment I heard your greeting, the baby in my womb leaped for joy. Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro.
45 Blessed is she who believed that there would be a fulfillment of what our Father spoke to her." Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!”
46 And Mary said, "My soul magnifies our Father, Maria akati: “Mwoyo wangu unokudza Ishe
47 and my spirit rejoices in our Father, my Savior, uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu,
48 for he has looked on the humble estate of his servant. For from now on all generations will call me blessed; nokuti akanga ane hanya nokuninipiswa kwomurandakadzi wake. Kubva zvino marudzi ose achanditi ndakaropafadzwa,
49 for the Mighty One has done great things for me, and holy is his name. nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru, zita rake idzvene.
50 And his mercy is for those who fear him from generation to generation. Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya, kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.
51 He has shown strength with his arm; he has scattered the proud in the thoughts of their hearts; Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake; akaparadzira avo vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo.
52 he has brought down the mighty from their thrones and lifted up the humble; Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo, asi akasimudzira vanozvininipisa.
53 he has filled the hungry with good things, and the rich he has sent away empty. Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka, asi akadzinga vapfumi vasina chinhu.
54 He has helped his servant Israel, in remembrance of his mercy, Akabatsira muranda wake Israeri, achirangarira kuva nengoni,
55 just as he spoke to our fathers, to Abraham and to his offspring forever." kuna Abhurahama nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kunyange sezvaakareva kumadzibaba edu.”
56 And Mary remained with her about three months and then returned to her home. Maria akagara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu uye mushure maizvozvo akazodzokera zvake kumusha.
57 Now the time came for Elizabeth to give birth, and she bore a son. Nguva yakati yasvika yokuti Erizabheti ave nomwana, akazvara mwana mukomana.
58 Her neighbors and relatives heard our Father had shown her great mercy, and rejoiced with her. Vavakidzani vake nehama dzake vakanzwa kuti Ishe akanga amunzwira ngoni huru, vakafara pamwe chete naye.
59 On the eighth day they came to circumcise the child, and were going to call him Zechariah after his father, Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria,
60 but his mother answered, "No; he will be called John." asi mai vake vakati, “Kwete! Anofanira kunzi Johani.”
61 And they said to her, "None of your relatives is called by this name." Ivo vakati kwaari, “Pakati pehama dzenyu hapana munhu ane zita iroro.”
62 And they made signs to his father, asking what Zechariah wanted the child to be called. Ipapo vakaninira namaoko kuna baba vake, kuti vazive zita raaida kupa mwana.
63 He asked for a tablet and wrote, "His name is John." And everyone was amazed. Akavakumbira pokunyorera, akanyora kuti “Zita rake ndiJohani” uye vose vakashamiswa nazvo.
64 And immediately his mouth was opened and his tongue loosed, and he spoke, blessing our Father. Pakarepo muromo wake wakazarurwa uye rurimi rwake rukasunungurwa, akatanga kutaura, achirumbidza Mwari.
65 Fear fell on all their neighbors, and all these things were talked about throughout Judea's hill country. Vavakidzani vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose.
66 And all who heard kept these things in their hearts, saying, "What then will this child become?" For our Father's hand was with him. Vanhu vose vakazvinzwa vakashamiswa nazvo, vakati, “Mwana uyu achava akadiniko?” Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye.
67 And his father Zechariah was filled with the Holy Spirit and prophesied, saying, Zekaria baba vake vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakaprofita vachiti:
68 "Blessed be our Father of Israel, for he has visited and redeemed his people, “Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe, nokuti akauya akadzikinura vanhu vake.
69 and has raised up a mighty Savior for us in the house of his servant David, Akatisimudzira runyanga rworuponeso muimba yomuranda wake Dhavhidhi,
70 as he spoke through the mouth of his holy prophets long ago, sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare,
71 that we should be saved from our enemies and from the hand of all who hate us; iko kuponeswa kubva kuvavengi vedu naparuoko rwavose vanotivenga,
72 to show the mercy promised to our fathers and to remember his holy covenant, kunzwira madzibaba edu ngoni nokurangarira sungano yake tsvene,
73 the oath that he swore to our father Abraham, to grant us, mhiko yaakapikira baba vedu Abhurahama:
74 that we, being delivered from the hand of our enemies, might serve him without fear, kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu, uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi,
75 in holiness and righteousness before him all our days. muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.
76 And you, child, will be called the prophet of the Most High; for you will go before the Lord to prepare his ways, “Uye iwe, mwana wangu, uchanzi muprofita weWokumusoro-soro; nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira,
77 to give his people the knowledge of salvation through the forgiveness of their sins, kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa kwezvivi zvavo,
78 because of the tender mercy of our Father, by which the sunrise from on high will visit us, nokuda kwomwoyo munyoro waMwari wedu, naye zuva richatibudira richibva kudenga,
79 to give light to those who sit in darkness and in the shadow of death, to guide our feet into the way of peace." kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima nomumumvuri worufu, uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare.”
80 The child grew, became strong in spirit, and lived in the wilderness until the day he appeared publicly to Israel. Uye mwana akakura akava nesimba mumweya; uye akagara mugwenga kusvikira azoonekwa pachena kuvaIsraeri.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]