Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In those days Caesar Augustus issued a decree to register the whole inhabited world. Mumazuva iwayo Kesari Ogasitasi akapa chirevo chokuti vagari vose venyika dzose dzaitongwa neRoma vaverengwe.
2 This was the first registration, when Quirinius was governor of Syria. Uku ndiko kwaiva kuverengwa kwokutanga kwakaitwa panguva yaKuriniasi paakanga ari mubati weSiria.
3 Everyone went to be registered, each to his own town. Uye mumwe nomumwe akaenda kuguta rake kuti andonyoresa.
4 Joseph too went up from Galilee, from the town of Nazareth, to Judea, to the city of David called Bethlehem, since he belonged to David's house and family, Saka Josefawo akakwidza achibva kuguta reNazareta muGarirea achienda kuJudhea, kuBheterehema guta raDhavhidhi nokuti akanga ari weimba yaDhavhidhi neworudzi rwake.
5 to be registered with Mary, his fiancée, who was expecting a child. Akaenda ikoko kundonyoresa naMaria, waakanga atsidzira kuzowanana naye uye akanga ava napamuviri.
6 While they were there, the time came for her to give birth. Vachiri ikoko, nguva yokuzvarwa kwomwana yakasvika,
7 She gave birth to her firstborn son, wrapped him in cloths, and laid him in a manger, because the inn had no place for them. akazvara dangwe rake, mwanakomana. Akamuputira nemicheka akamuisa muchidyiro chezvipfuwo, nokuti muimba yavaeni makanga musisina nzvimbo yavo.
8 Shepherds were in that same region, staying out in the fields, keeping watch over their flock by night. Uye kwakanga kuna vafudzi vakanga vachigara kumafuro aiva pedyo naikoko, vachichengeta makwai avo usiku.
9 An angel of our Father stood before them; the glory of our Father shone around them, and great fear seized them. Mutumwa waShe akazviratidza kwavari, uye kubwinya kwaJehovha kwakavakomberedza, uye vakatya kwazvo.
10 The angel told them, "Don't be afraid—I bring good news of great joy for everyone: Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose.
11 Today in the city of David, a Savior was born to you—Christ the Lord. Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe.
12 This is your sign: you'll find a baby wrapped in cloths, lying in a manger." Ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri: Muchawana mwana akaputirwa nemicheka uye avete muchidyiro chezvipfuwo.”
13 Suddenly there was with the angel a multitude of the heavenly host, praising our Father and saying, Pakarepo hondo huru yokudenga yakaonekwa pamwe chete nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti:
14 "Glory to our Father in the highest, and on earth peace among those with whom he is pleased!" “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro, uye rugare panyika nokuvanhu vaanofarira.”
15 When the angels left them for heaven, the shepherds said to each other, "Let's go straight to Bethlehem and see this thing that has happened, which our Father has made known to us." Vatumwa vakati vabva kwavari uye vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehema tindoona chinhu chaitika ichi, chataudzwa nezvacho naShe.”
16 They hurried off and found Mary and Joseph, and the baby lying in the manger. Saka vakakurumidza kusimuka vakaenda vakandowana Maria naJosefa, nomwana, akanga avete muchidyiro chezvipfuwo.
17 When they saw him, they made known what had been told them about this child. Vakati vamuona, vakaparadzira shoko maererano nezvakanga zvataurwa pamusoro pomwana uyu,
18 All who heard were amazed at what the shepherds told them. uye vose vakazvinzwa vakashamiswa nezvavakataurirwa navafudzi.
19 But Mary treasured up all these things, pondering them in her heart. Asi Maria akachengeta zvinhu zvose izvi akazvifungisisa mumwoyo make.
20 The shepherds returned, glorifying and praising our Father for all they'd heard and seen, just as they were told. Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakanga vanzwa uye zvavakaona, zvakanga zvakangoita sezvavakanga vataurirwa.
21 When eight days for his circumcision were complete, he was named Jesus, the name the angel gave before he was conceived in the womb. Pazuva rorusere, nguva yokudzingiswa kwake yasvika, akatumidzwa zita rokuti Jesu, zita raakanga apiwa nomutumwa asati aumbwa mudumbu.
22 When their days of purification under the Law of Moses ended, they brought him up to Jerusalem to present him to our Father, Nguva yokuzvinatsa kwavo maererano noMurayiro waMozisi yakati yakwana, Josefa naMaria vakaenda naye kuJerusarema kundomukumikidza kuna She
23 (as it is written in our Father's Law, "Every firstborn male will be called holy to our Father"), sezvazvakanyorwa muMurayiro waShe, kuti “Mwanakomana wose wedangwe anofanira kutsaurirwa Ishe,”
24 and to offer a sacrifice as the Law of our Father says: a pair of turtledoves or two young pigeons. uye kuti vabayire chibayiro maererano nezvinorehwa muMurayiro waShe zvichinzi: “njiva mbiri kana hangaiwa duku mbiri.”
25 In Jerusalem lived a man named Simeon, righteous and devout, waiting for Israel's comfort, with the Holy Spirit on him. Zvino kwakanga kuno murume aiva muJerusarema ainzi Simeoni, akanga akarurama uye aida Mwari. Akanga akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, uye Mweya Mutsvene waiva pamusoro pake.
26 The Holy Spirit had revealed to him he wouldn't die before seeing our Father's Christ. Zvakanga zvaratidzwa naMweya Mutsvene kuti haaizofa asati aona Muzodziwa waShe.
27 Prompted by the Spirit, he entered the temple. As the parents brought in the child Jesus to do for him what the Law required, Akapinda mutemberi achisundwa noMweya Mutsvene. Vabereki vakati vauya nomwana Jesu kuti vazoita kwaari tsika yaidiwa noMurayiro,
28 Simeon took him up in his arms and blessed our Father, saying, Simeoni akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari achiti:
29 "Sovereign Father, now you are letting your servant depart in peace, according to your word. “Ishe Tenzi, sezvamakavimbisa, zvino chiendesai henyu muranda wenyu norugare.
30 For my eyes have seen your salvation, Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,
31 which you have prepared in the presence of all peoples: rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose,
32 a light for revelation to the Gentiles, and for glory to your people Israel." chiedza chinovhenekera veDzimwe Ndudzi uye nokukudzwa kwavanhu venyu Israeri.”
33 His father and mother were amazed at what was said about him. Baba namai vomwana vakashamiswa nezvakataurwa pamusoro pake.
34 And Simeon blessed them and told Mary, his mother, "This child is appointed for the fall and rising of many in Israel, and to be a sign that is opposed, Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa,
35 and a sword will pierce through your own soul also—so that thoughts from many hearts may be revealed." kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.”
36 Also there was Anna, a woman prophet, daughter of Phanuel of Asher's tribe, very old, having lived with her husband seven years after her virginity, Kwaivawo nomuprofitakadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, worudzi rwaAsheri. Akanga akwegura kwazvo; akanga ambogara makore manomwe nomurume wake shure kwokuwanikwa kwake,
37 and a widow until eighty-four, never leaving the temple, worshiping with fasting and prayer night and day. ipapo akazova chirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere namana. Haana kumbobva mutemberi asi akanamata usiku namasikati, achitsanya nokunyengetera.
38 Coming up at that same hour, she gave thanks to our Father and spoke of the child to all awaiting Jerusalem's redemption. Akasvika pavari panguva iyoyo, akavonga Mwari uye akataura pamusoro pomwana kuna vose vakanga vakamirira kudzikinurwa kweJerusarema.
39 When they finished everything required by our Father's Law, they returned to Galilee, to their own town of Nazareth. Josefa naMaria vakati vaita zvose zvaidikanwa noMurayiro waShe, vakadzokera kuGarirea kuguta ravo reNazareta.
40 The child grew, becoming strong, filled with wisdom, and our Father's favor was on him. Uye mwana akakura akasimba; akanga azere nouchenjeri, uye nyasha dzaMwari dzaiva pamusoro pake.
41 Now his parents went to Jerusalem every year at the Feast of Passover. Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusarema kuMutambo wePasika.
42 When he was twelve years old, they went up according to the custom of the feast. Akati ava namakore gumi namaviri, vakakwidza naye kuMutambo, maererano netsika yavo.
43 When the festival ended and they left for home, the boy Jesus stayed behind in Jerusalem, unknown to his parents. Mutambo wakati wapera, vabereki vake pavakanga vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara muJerusarema, asi ivo vakanga vasingazvizivi.
44 Thinking he was in the group, they traveled a day's journey, then searched for him among relatives and acquaintances. Vakafamba kwezuva rose vachifunga kuti akanga ari pakati pavo. Ipapo vakatanga kumutsvaka pakati pehama neshamwari dzavo.
45 When they did not find him, they returned to Jerusalem, searching for him. Vakati vamushayiwa, vakadzokera kuJerusarema kundomutsvaka.
46 After three days they found him in the temple, sitting among the teachers, listening to them and asking them questions. Mushure mamazuva matatu vakamuwana ari mutemberi, akagara pakati pavadzidzisi achivateerera uye achivabvunza mibvunzo.
47 All who heard him were amazed at his understanding and his answers. Mumwe nomumwe akamunzwa akashamiswa nokunzwisisa kwake uye nemhinduro dzake.
48 When his parents saw him, they were astonished. His mother said, "Child, why have you done this to us? Look, your father and I have been anguished, searching for you." Vabereki vake vakati vamuwana, vakashamiswa kwazvo. Mai vake vakati kwaari, “Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Baba vako neni tanga tichikutsvaka kwazvo.”
49 He said to them, "Why were you searching for me? Didn't you know I must be in my Father's house?" Iye akati, “Manga muchinditsvakireiko? Manga musingazivi here kuti ndaifanira kunge ndiri mumba mababa vangu?”
50 But they did not understand the saying that he spoke to them. Asi havana kunzwisisa zvaaireva kwavari.
51 Then he went down with them and came to Nazareth, remaining obedient to them. His mother kept all these things in her heart. Ipapo akaburuka navo kuNazareta uye akavateerera. Asi mai vake vakachengeta zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo.
52 Jesus increased in wisdom and stature and in favor with our Father and with people. Uye Jesu akakura muuchenjeri nomumhu, achidiwa naMwari uye navanhu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]