Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In Tiberius Caesar's fifteenth year, when Pontius Pilate was governor of Judea, Herod was tetrarch of Galilee, his brother Philip of the region of Ituraea and Trachonitis, and Lysanias of Abilene, Mugore regumi nemashanu rokutonga kwaTibheriasi Kesari, Pondio Pirato paakanga ari mubati weJudhea, Herodhi ari mubati weGarirea, mununʼuna wake Firipi ari mubati weIturea neTirakoniti, uye Risania ari mubati weAbhurini,
2 under high priests Annas and Caiaphas, our Father's word came to John son of Zechariah in the wilderness. panguva youprista hwaAnasi naKefasi, shoko raMwari rakasvika kuna Johani mwanakomana waZekaria mugwenga.
3 He went through the whole Jordan region, preaching a baptism of repentance for the forgiveness of sins, Akaenda munyika yose yakapoteredza Jorodhani, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi.
4 as it is written in the book of the words of Isaiah the prophet: "A voice of one calling in the wilderness: Prepare the way for the Lord, make his paths straight. Sezvazvakanyorwa mubhuku ramashoko aIsaya muprofita zvichinzi: “Inzwi rounodana murenje richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.
5 Every valley will be filled in, and every mountain and hill made low. The crooked roads will become straight, and the rough ways smooth, Mipata yose ichafushirwa, makomo ose nezvikomo zvichaderedzwa. Migwagwa yakakombama ichatwasanudzwa, pasakaenzana pachaenzaniswa.
6 and all flesh will see the salvation of our Father." Uye marudzi ose avanhu achaona ruponeso rwaMwari.’ ”
7 John said then to the crowds coming to be baptized by him: "You brood of vipers! Who warned you to flee the coming wrath? Johani akati kuvanhu vazhinji vaiuya kuzobhabhatidzwa naye, “Imi vana venyoka! Ndianiko akuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?
8 So produce fruit worthy of repentance. Don't start telling yourselves, 'We have Abraham as our father.' For I tell you, our Father can raise up children for Abraham from these stones. Chiberekai zvibereko zvinoenderana nokutendeuka. Uye musatanga kuti mumwoyo menyu, ‘Abhurahama ndiye baba vedu.’ Nokuti ndinoti kwamuri Mwari anogona kumutsira Abhurahama vana pamabwe aya.
9 Already the axe lies at the root of the trees; every tree not bearing good fruit is cut down and thrown into the fire." Demo ratoiswa pamidzi yemiti, uye muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.”
10 And the crowds asked him, "What then should we do?" Vanhu vazhinji vakati, “Zvino toita seiko?”
11 He replied, "Whoever has two shirts, share with the one who has none; whoever has food, do the same." Johani akapindura akati, “Munhu ane nguo mbiri ngaagovane neasina, uye ane zvokudya ngaaitewo saizvozvo.”
12 Tax collectors also came to be baptized, and they said to him, "Teacher, what should we do?" Vateresi vakauyawo kuzobhabhatidzwa. Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, toita seiko?”
13 "Collect no more than you are required to," he told them. Akati kwavari, “Musatora mari inopfuura mwero wamunofanira kutora.”
14 Soldiers also asked him, "And us—what should we do?" He said to them, "Don't extort anyone by force or false charges; be satisfied with your wages." Ipapo vamwe varwi vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko?” Iye akati, “Musatorera vanhu mari nechisimba uye musapomera vanhu nhema, mugutsikane nomubayiro wenyu.”
15 The people were expectant, all wondering in their hearts whether John himself might be the Christ. Vanhu vakanga vakamirira vakatarisira, uye vose vakanga vachikahadzika mumwoyo mavo kuti zvimwe Johani akanga ari iye Kristu.
16 John answered them all, "I baptize you with water. But one stronger than I is coming—I'm not worthy to untie his sandal strap. He will baptize you with the Holy Spirit and fire. Johani akavapindura vose achiti, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura. Asi shure kwangu kunouya mumwe ane simba kundipfuura zvokuti ini handina kukodzera kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
17 Winnowing fork in hand, he will clear his threshing floor, gather the wheat into his barn, but burn the chaff with fire that can't be put out." Rusero rwake rwuri muruoko rwake kuti apepete paburiro rake uye agounganidza gorosi mudura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.”
18 And with many other words of exhortation, John proclaimed the good news to the people. Uye namamwe mashoko mazhinji, Johani akakurudzira vanhu akaparidza vhangeri kwavari.
19 But John confronted Herod the tetrarch about Herodias, his brother's wife, and about all the evil Herod had done, Asi Johani akati atsiura Herodhi mutongi nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi womununʼuna wake, uye nezvimwe zvinhu zvose zvakaipa zvaakanga aita,
20 Herod added this to all the rest: he locked John up in prison. Herodhi akawedzera pazviri zvose nokuita izvi: Akapfigira Johani mutorongo.
21 When all the people were baptized, Jesus was baptized too. As he prayed, heaven opened, Vanhu vose vakati vachiri kubhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo. Uye akati achinyengetera, denga rakazaruka,
22 and the Holy Spirit descended on him in bodily form like a dove. And a voice came from heaven: "You are my beloved Son; in you I delight." Mweya Mutsvene akauya pamusoro pake nomufananidzo wenjiva. Uye inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndiwe mwanakomana wangu, wandinoda; ndiwe wandinofarira kwazvo.”
23 Jesus was about thirty when he began his ministry, the son—so it was thought—of Joseph, son of Heli, Zvino Jesu pachake akanga ava namakore anenge makumi matatu paakatanga ushumiri hwake. Sokuonekwa kwazvo, akanga ari mwanakomana, mwanakomana waHeri,
24 the son of Matthat, the son of Levi, the son of Melchi, the son of Jannai, the son of Joseph, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMereki, mwanakomana waJani, mwanakomana waJosefa,
25 the son of Mattathias, the son of Amos, the son of Nahum, the son of Esli, the son of Naggai, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNahumi, mwanakomana waEsiri, mwanakomana waNagai,
26 the son of Maath, the son of Mattathias, the son of Semein, the son of Josech, the son of Joda, mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeini, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJodha,
27 the son of Joanan, the son of Rhesa, the son of Zerubbabel, the son of Shealtiel, the son of Neri, mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, mwanakomana waNeri,
28 the son of Melchi, the son of Addi, the son of Cosam, the son of Elmadam, the son of Er, mwanakomana waMereki, mwanakomana waAdhi, mwanakomana waKosamu, mwanakomana waErimadhami, mwanakomana waEri,
29 the son of Joshua, the son of Eliezer, the son of Jorim, the son of Matthat, the son of Levi, mwanakomana waJoshua, mwanakomana waEriezeri, mwanakomana waJerimi, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi,
30 the son of Simeon, the son of Judah, the son of Joseph, the son of Jonam, the son of Eliakim, mwanakomana waSimeoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonami, mwanakomana waEriakimi,
31 the son of Melea, the son of Menna, the son of Mattatha, the son of Nathan, the son of David, mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatani, mwanakomana waDhavhidhi,
32 the son of Jesse, the son of Obed, the son of Boaz, the son of Salmon, the son of Nahshon, mwanakomana waJese, mwanakomana waObhedhi, mwanakomana waBhoazi, mwanakomana waSarimoni, mwanakomana waNahashoni,
33 the son of Amminadab, the son of Admin, the son of Arni, the son of Hezron, the son of Perez, the son of Judah, mwanakomana waAminadhabhi, mwanakomana waRami, mwanakomana waHezironi, mwanakomana waPerezi, mwanakomana waJudha,
34 the son of Jacob, the son of Isaac, the son of Abraham, the son of Terah, the son of Nahor, mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahama, mwanakomana waTera, mwanakomana waNahori,
35 the son of Serug, the son of Reu, the son of Peleg, the son of Eber, the son of Shelah, mwanakomana waSerugi, mwanakomana waReu, mwanakomana waPeregi, mwanakomana waEbha, mwanakomana waShera,
36 the son of Cainan, the son of Arphaxad, the son of Shem, the son of Noah, the son of Lamech, mwanakomana waKainani, mwanakomana waArifasadhi, mwanakomana waShamu, mwanakomana waNoa, mwanakomana waRameki,
37 the son of Methuselah, the son of Enoch, the son of Jared, the son of Mahalalel, the son of Cainan, mwanakomana waMetusera, mwanakomana waEnoki, mwanakomana waJaredhi, mwanakomana waMaharareri, mwanakomana waKenani,
38 the son of Enosh, the son of Seth, the son of Adam, the son of our Father. mwanakomana waEnoshi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhamu, mwanakomana waMwari.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]