Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Jesus, full of the Holy Spirit, returned from the Jordan, led by the Spirit in the wilderness. Jesu, azere noMweya Mutsvene, akadzoka kubva paJorodhani akatungamirirwa noMweya mugwenga,
2 Forty days, tempted by the devil, eating nothing in those days; when they ended, he was hungry. umo maakaedzwa naSatani kwamazuva makumi mana. Haana chaakadya pamazuva iwayo, uye pakupera kwamazuva iwayo akanzwa nzara.
3 The devil told him, "If you're the Son of God, tell this stone to become bread." Satani akati kwaari, “Kana iwe uri mwanakomana waMwari, rayira dombo iri kuti rive chingwa.”
4 And Jesus answered him, "It is written, 'Man shall not live by bread alone.'" Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.’ ”
5 Then the devil led him up and showed him all the kingdoms of the world in an instant. Satani akamutungamirira kunzvimbo yakakwirira uye akamuratidza munguva diki diki umambo hwose hwenyika.
6 He said to him, "I will give you all this authority and their glory, for it has been entrusted to me, and I give it to whomever I want. Akati kwaari, “Ndichakupa simba rahwo rose nokubwinya kwahwo, nokuti ndakahupiwa, uye ini ndinogona kuhupa kuna ani zvake wandinoda.
7 If you, then, will worship me, it will all be yours." Saka kana ukandinamata, huchava hwako hwose.”
8 And Jesus answered him, "It is written, 'You will worship your Father, and serve only him.'" Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’ ”
9 Then he led him to Jerusalem, stood him on the temple's highest point, and said, "If you're the Son of God, throw yourself down from here, Satani akamutungamirira kuJerusarema akamuita kuti amire pachiruvi chetemberi. Akati kwaari, “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano.
10 for it is written, 'He will command his angels concerning you, to guard you,' Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Acharayira vatumwa vake pamusoro pako kuti vakuchengete kwazvo;
11 and 'On their hands they will bear you up, so that you won't strike your foot against a stone.'" vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.’ ”
12 And Jesus answered him, "It is said, 'You shall not put your Father to the test.'" Jesu akati, “Zvinonzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”
13 And when the devil had ended every temptation, he departed from him until an opportune time. Satani akati apedza kuedza kwake kwose uku, akabva paari kusvikira pane imwe nguva.
14 Jesus returned to Galilee in the Holy Spirit's power, and news of him spread through the whole region. Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika.
15 And he taught in their synagogues, and everyone glorified him. Akadzidzisa mumasinagoge avo, uye munhu wose akamurumbidza.
16 He came to Nazareth, where he was raised, and as usual entered the synagogue on the Sabbath, then stood to read. Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge.
17 He was handed the scroll of the prophet Isaiah, unrolled it, and found where it was written: Rugwaro rwakapetwa rwaIsaya rwakapiwa kwaari. Pakurubhedhenura, akawana pakanga pakanyorwa kuti:
18 "The Spirit of our Father is upon me, because he has anointed me to proclaim good news to the poor. He has sent me to proclaim freedom for the captives and recovery of sight to the blind, to set free those who are oppressed, “Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa,
19 to proclaim the year of our Father's favor." kuti ndiparidze gore rakanaka raShe.”
20 He rolled up the scroll, gave it back to the attendant, and sat down. Every eye in the synagogue was fixed on him. Ipapo akapeta rugwaro, akarudzosera kumubati akagara pasi. Meso avanhu vose vakanga vari musinagoge akanga akati nde-e kwaari,
21 And he began to say to them, "Today this Scripture has been fulfilled in your hearing." uye akatanga nokuti kwavari, “Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.”
22 All spoke well of him, amazed at the gracious words from his mouth, and said, "Isn't this Joseph's son?" Vose vakataura zvakanaka pamusoro pake uye vakashamiswa namashoko akanaka akanga achibuda mumuromo make. Vakati, “Ko, uyu haazi mwanakomana waJosefa here?”
23 He said to them, "Surely you'll quote this proverb to me: 'Doctor, heal yourself.' Do here in your hometown, too, what we heard happened in Capernaum." Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchataura tsumo iyi kwandiri muchiti: ‘Murapi, chizvirapa! Itawo muguta rako rino zvatakanzwa kuti wakaita muKapenaume.’ ”
24 And he said, "Truly, I say to you, no prophet is acceptable in his hometown. Akaenderera mberi achiti, “Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna muprofita anogamuchirwa muguta rake.
25 But truly I tell you, many widows lived in Israel in Elijah's days, when the sky was shut three years and six months and a great famine struck the whole land, Ndinokuudzai chokwadi kuti kwakanga kune chirikadzi zhinji muIsraeri panguva yaEria, panguva yakadzivirwa denga kwamakore matatu nehafu uye nzara huru ikavapo munyika yose.
26 and Elijah was sent to none of them but only to a widow in Zarephath of Sidon. Asi Eria haana kutumwa kuno mumwe wavo, asi kuchirikadzi yeZerafati munyika yeSidhoni.
27 Many had leprosy in Israel in the days of the prophet Elisha, yet none was made clean except Naaman the Syrian." Uye kwaiva navazhinji vaiva namaperembudzi panguva yaEria muprofita, asi hapana mumwe chete pakati pavo akanatswa kunze kwaNaamani muSiria.”
28 When they heard these things, everyone in the synagogue was furious. Vanhu vose vakanga vari musinagoge vakatsamwa kwazvo pavakanzwa izvi.
29 They got up, drove him out of town, and took him to the edge of the hill their town was built on, to throw him off the cliff. Vakasimuka, vakamubudisa muguta, vakamutora vakaenda naye kumucheto cheto kwechikomo chakanga chakavakirwa guta ravo, kuti vamusundidzire kumawere.
30 But he walked through the crowd and went away. Asi akafamba napakati pemhomho yavanhu akaenda zvake.
31 He went down to Capernaum, a town in Galilee, and taught them on the Sabbath, Ipapo akaburuka zasi kuKapenaume, guta riri muGarirea, akatanga kudzidzisa vanhu nomusi weSabata.
32 and they were astonished at his teaching, for his word possessed authority. Vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti shoko rake raiva nesimba.
33 In the synagogue was a man with the spirit of an unclean demon; he cried out in a loud voice, Musinagoge makanga muno murume akanga akabatwa nedhimoni, mweya wakaipa, uye akadanidzira nenzwi guru achiti,
34 Ha! What do you want with us, Jesus of Nazareth? Have you come to destroy us? I know who you are—God's Holy One. “A! Munodeiko kwatiri imi Jesu weNazareta? Ko, mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinoziva kuti muri ani, muri Mutsvene waMwari!”
35 Jesus rebuked him: "Be silent and come out of him!" The demon threw him down before them all, came out, and did him no harm. Jesu akaurayira achiti, “Nyarara! Buda maari!” Ipapo dhimoni rakaputsira murume uyu pasi pamberi pavo vose rikabuda risina kumukuvadza.
36 All were amazed and asked each other, "What word is this? With authority and power he orders unclean spirits, and they leave!" Vanhu vose vakashamiswa vakataurirana vachiti, “Kudzidzisa uku ndokupi? Anorayira mweya yakaipa nechikuriri uye nesimba, ichibva yabuda!”
37 And reports about him went out into every place in the surrounding region. Mukurumbira wake wakapararira munzvimbo dzose dzakapoteredza.
38 And he arose and left the synagogue and entered Simon's house. Now Simon's mother-in-law was ill with a high fever, and they asked him to help her. Jesu akabva pasinagoge akaenda kumba kwaSimoni. Zvino mai vomukadzi waSimoni vairwara nefivha, uye vakakumbira Jesu kuti avabatsire.
39 He stood over her and rebuked the fever; it left her, and she rose at once and began serving them. Saka akakotamira kwavari akarayira fivha, ikabva pavari. Vakasimuka pakarepo vakatanga kuvashandira.
40 As the sun set, all who had someone sick with various diseases brought them to him; laying his hands on each one, he healed them. Zuva rakati rodoka, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vana marudzi akasiyana-siyana ezvirwere, akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo akavaporesa.
41 Demons also came out of many, shouting, "You are the Son of God!" He silenced them, forbidding them to speak, since they knew he was the Christ. Pamusoro paizvozvo, madhimoni akabuda muvanhu vazhinji, achidanidzira achiti, “Ndiwe Mwanakomana waMwari!” Asi iye akaatsiura akasaatendera kuti ataure, nokuti iwo aiziva kuti ndiye Kristu.
42 At daybreak he went out to a remote place. Crowds looked for him, came to him, and tried to keep him from leaving them. Mangwanani-ngwanani, Jesu akaenda kunzvimbo yakanyarara ari oga. Vanhu vakanga vachimutsvaka uye vakati vamuwana paakanga ari, vakaedza kumudzivisa kuti asabva kwavari.
43 But he told them, "I must announce the good news of our Father's kingdom to the other towns too—this is why I was sent." Asi iye akati, “Ndinofanira kuparidza vhangeri roumambo hwaMwari kuna mamwewo maguta, nokuti ndizvo zvandakatumirwa.”
44 And he was preaching in the synagogues of Judea. Uye akaramba achiparidza mumasinagoge eJudhea.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]