Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Once, as the crowd pressed around him to hear our Father's word, Jesus stood by Lake Gennesaret. Rimwe zuva Jesu zvaakanga amire paGungwa reGenesareti, vanhu vakaungana vakamukomberedza vachiteerera kushoko raMwari,
2 He saw two boats standing by the lake; the fishermen had left them and were washing their nets. uye akaona magwa maviri kumhenderekedzo dzegungwa, akanga asiyiwapo navabati vehove, vakanga vachisuka mambure avo.
3 Getting into one of the boats, Simon's, he asked him to move out a little from shore, then sat down and taught the crowds from the boat. Akakwira mune rimwe ramagwa acho, rakanga riri raSimoni, akamukumbira kuti ariswededze zvishoma kumahombekombe. Ipapo akagara pasi akadzidzisa vanhu ari mugwa.
4 When he stopped speaking, he told Simon, "Push out into deep water and lower your nets for a catch." Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.”
5 Simon answered, "Master, we worked all night and caught nothing. But at your word, I'll let down the nets." Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu mambure.”
6 Doing this, they caught so many fish their nets began tearing. Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye mambure avo akatanga kubvaruka.
7 They signaled to partners in the other boat to come help; they came and filled both boats so that they began to sink. Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune rimwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura.
8 Seeing this, Simon Peter fell at Jesus' knees and said, "Leave me, Lord, for I'm a sinful man!" Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, “Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!”
9 For amazement gripped him and all with him at the catch of fish they had caught, Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata,
10 and so were James and John, Zebedee's sons and Simon's partners. Jesus told Simon, "Don't be afraid; from now on you'll catch people." uye vanaJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vamwe vaSimoni, vakashamawo. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya; kubva zvino uchava mubati wavanhu.”
11 So they pulled their boats up on shore, left everything, and followed him. Saka vakakwevera magwa avo kumahombekombe, vakasiya zvose uye vakamutevera.
12 While Jesus was in one of the towns, a man covered with a serious skin disease appeared. Seeing Jesus, he fell facedown and begged, "Lord, if you're willing, you can make me clean." Jesu paakanga achiri mune rimwe ramaguta, mumwe murume akanga azere namaperembudzi akauya. Akati achiona Jesu, akawira pasi nechiso chake akamukumbira zvikuru achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
13 Jesus reached out his hand, touched him: "I am willing. Be clean." At once the skin disease left him. Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uyu akati, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari.
14 Jesus ordered him to tell no one, "but go, show yourself to the priest and offer what Moses commanded for your cleansing, as proof to the people." Ipapo Jesu akamurayira akati, “Usaudza munhu, asi enda undozviratidza kumuprista ugopa zvibayiro zvakarayirwa naMozisi zvokunatswa kwako, chive chapupu kwavari.”
15 But word about him spread even more; large crowds gathered to hear him and be healed of their sicknesses. Asi mukurumbira wake wakapararira kwazvo, zvokuti vanhu vazhinji zhinji vakauya kuzomunzwa uye kuti vaporeswe zvirwere zvavo.
16 But Jesus often withdrew to deserted places and prayed. Asi, kazhinji Jesu aizvitsaura achienda kusina vanhu kuti andonyengetera.
17 One day as he taught, Pharisees and teachers of the law sat, having come from every village of Galilee, and from Judea and Jerusalem. And our Father's power was there for him to heal the sick. Rimwe zuva paaidzidzisa, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro, vakanga vabva mumisha yose yeGarirea neJudhea uye neJerusarema, vakanga vagerepo. Uye simba raShe rakanga riripo kuti aporese vanorwara.
18 Just then, men came carrying a paralyzed man on a mat, trying to bring him in and lay him before Jesus. Vamwe varume vakasvika vakatakura murume akanga akaoma mutezo parukukwe vakaedza kuti vamupinze mumba kuti vandomuradzika pamberi paJesu.
19 Finding no way through the crowd to bring him in, they went up on the roof and lowered him on his mat through the tiles, into the middle, right before Jesus. Vakati vashayiwa nzira yokupinda nayo nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakakwira pamusoro pedenga vakamuburutsa ari parukukwe rwake nepamapfiriro, pakati pavanhu, pamberi paJesu chaipo.
20 When Jesus saw their faith, he said, "Friend, your sins are forgiven you." Jesu akati aona kutenda kwavo, akati, “Shamwari, zvivi zvako zvaregererwa.”
21 The scribes and Pharisees began debating, "Who is this man insulting God? Who but God alone can forgive sins?" VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kufunga vachiti, “Ndianiko munhu uyu anotaura achimhura Mwari. Ndianiko anoregerera zvivi kunze kwaMwari chete?”
22 Knowing what they were thinking, Jesus answered them, "Why are you reasoning in your hearts? Jesu aiziva zvavaifunga uye akabvunza achiti, “Seiko muchifunga zvinhu izvi mumwoyo yenyu?
23 Which is easier: to say, 'Your sins are forgiven you,' or to say, 'Get up and walk'? Ndezvipiko zvakareruka: kuti, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’?
24 But so you'll know the Son of Man has authority on earth to forgive sins"—he told the paralyzed man—"I tell you, get up, pick up your mat, and go home." Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kumurume akanga akaoma mutezo, “Ndinoti kwauri, simuka, tora rukukwe rwako uende kumba.”
25 At once he stood before them, picked up his mat, went home glorifying our Father. Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora rukukwe rwaakanga avete parwuri akaenda kumba achirumbidza Mwari.
26 Amazement seized them all; they glorified our Father, filled with awe, saying, "We saw remarkable things today." Munhu wose akashamiswa nazvo akarumbidza Mwari. Vakazadzwa nokutya vakati, “Taona zvinhu zvinoshamisa nhasi.”
27 After this, Jesus went out and saw a tax collector named Levi sitting at the tax booth. "Follow me," he said. Shure kwaizvozvo, Jesu akabuda akaona muteresi ainzi Revhi akagara paimba yake yokuteresa. Jesu akati kwaari, “Nditevere.”
28 So Levi got up, left everything behind, and followed him. Revhi akasimuka, akasiya zvinhu zvose akamutevera.
29 Then Levi hosted a great banquet for Jesus at his house, and a large crowd of tax collectors and others reclined with them. Ipapo Revhi akaitira Jesu mabiko makuru pamba pake, uye vateresi vazhinji kwazvo navamwewo vakadya navo.
30 But the Pharisees and their scribes grumbled to his disciples, "Why do you eat and drink with tax collectors and sinners?" Asi vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vari veboka ravo vakagununʼuna vakati kuvadzidzi vake, “Seiko muchidya navateresi navatadzi?”
31 Jesus answered them, "It is not the healthy who need a doctor, but the sick. Jesu akavapindura akati, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara.
32 I have not come to call the righteous, but sinners to repentance." Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi kuti vatendeuke.”
33 They said to him, "John's disciples fast often and pray, likewise the Pharisees' disciples, but yours eat and drink." Ivo vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kazhinji uye vachinyengetera, uye vadzidzi vavaFarisi vanodarowo, asi venyu vanoramba vachidya nokunwa.”
34 Jesus said, "Can you make the bridegroom's friends fast while he is with them? Jesu akavapindura akati, “Mungaite here kuti shamwari dzechikomba dzitsanye iye achinavo?
35 But days will come when the bridegroom is taken from them, and then, in those days, they will fast." Asi nguva ichauya apo chikomba chichabviswa kwavari; mumazuva iwayo vachatsanya.”
36 He told them a parable too: "No one tears a patch from a new garment and sews it on an old one. Otherwise, he tears the new, and the new patch won't match the old. Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Hakuna munhu anobvarura chigamba kubva panguo itsva achichisonera panguo tsaru. Kana akadaro, anenge abvarura nguo itsva, uye chigamba chinobva panguo itsva hachibatsiri panguo tsaru.
37 No one puts new wine into old wineskins; otherwise the new wine will burst the skins, spill out, and the skins will be ruined. Uye hakuna anodira waini itsva mumaguchu amatehwe matsaru. Kana akadaro, waini itsva ichatsemura matehwe, waini itsva ichateuka uye maguchu ewaini achaparadzwa.
38 No, new wine must be poured into new wineskins. Kwete, waini itsva inofanira kudirwa mumaguchu amatehwe matsva.
39 And no one after drinking old wine wants the new, for he says, 'The old is good.'" Uye hakuna munhu anoti ambonwa waini tsaru ozoda waini itsva, nokuti anoti, ‘Tsaru iri nani.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]