Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 On a Sabbath, Jesus walked through grainfields; his disciples picked heads of grain, rubbed them in their hands, and ate. Rimwe Sabata Jesu akanga achifamba nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakatanga kunonga hura dzezviyo, vachidzipukuta mumaoko avo vachidya tsanga dzacho.
2 Some of the Pharisees said, "Why are you doing what is not lawful on the Sabbath?" Vamwe vavaFarisi vakati, “Seiko muchiita zvisingatenderwi nomusi weSabata?”
3 Jesus answered them, "Haven't you read what David did when he and those with him were hungry, Jesu akavapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara, iye neshamwari dzake?
4 how he entered our Father's house, took the bread of the Presence, ate it, gave some to his companions, though it's not lawful for any but the priests to eat it?" Akapinda mumba maMwari, akatora chingwa chakatsaurwa, akadya zvaingobvumirwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo chimwe kushamwari dzake.”
5 Then he said to them, "The Son of Man is Lord of the Sabbath." Ipapo akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”
6 On another Sabbath he entered the synagogue and taught; a man was there with a withered right hand. Rimwezve Sabata akapinda musinagoge uye aidzidzisa, zvino pakanga pano murume akanga ano ruoko rwake rworudyi rwakanga rwakakokonyara.
7 The scribes and Pharisees watched him closely to see if he would heal on the Sabbath, so they could find a charge against him. VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata.
8 But knowing their thoughts, he told the man with the withered hand, "Get up and stand here." So he got up and stood there. Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Saka iye akasimuka akamira ipapo.
9 Then Jesus said to them, "I ask you: is it lawful on the Sabbath to do good or do harm, to save a life or destroy it?" Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?”
10 Looking around at them all, he told the man, "Stretch out your hand." He did, and his hand was restored. Akatarisa kwavari vose, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukatwasanuka.
11 But filled with rage, they discussed with each other what to do to Jesus. Asi ivo vakatsamwa kwazvo vakatanga kutaurirana zvavangaita kuna Jesu.
12 In those days Jesus went out to the mountain to pray, spending the whole night in prayer to our Father. Nerimwe ramazuva iwayo, Jesu akabuda akaenda kugomo kuti andonyengetera, uye akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari.
13 At daybreak he called his disciples and chose twelve of them, naming them apostles: Fume mangwana, akadana vadzidzi vake akasarudza gumi navaviri pakati pavo, avo vaakatumidza kuti vapostori:
14 Simon, whom he named Peter, and his brother Andrew; James and John; Philip and Bartholomew; Simoni (uyo waakatumidza kuti Petro), mununʼuna wake Andirea, Jakobho, Johani, Firipi, Bhatoromeo,
15 Matthew and Thomas; James son of Alphaeus, and Simon who was called the Zealot; Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Simoni ainzi muZeroti,
16 Judas son of James, and Judas Iscariot, who became a traitor. Judhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Iskarioti, uyo akazova mupanduki.
17 He came down with them and stood on a level place, with a large crowd of his disciples and a large multitude of people from all Judea, Jerusalem, and the coast of Tyre and Sidon. Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye navanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni,
18 They came to hear him and be healed of their diseases; those troubled by unclean spirits were also cured. vakanga vauya kuzomunzwa uyewo kuti vazoporeswa pazvirwere zvavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa,
19 The whole crowd tried to touch him, since power went out from him, healing everyone. uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari richivaporesa vose.
20 Looking up at his disciples, he said: "Blessed are you who are poor, for yours is the kingdom of our Father. Akatarira kuvadzidzi vake, akati: “Makaropafadzwa imi varombo, nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.
21 "Blessed are you who hunger now, for you will be satisfied. Blessed are you who weep now, for you will laugh. Makaropafadzwa imi vane nzara zvino, nokuti muchaguta. Makaropafadzwa imi munochema zvino, nokuti muchaseka.
22 Blessed are you when people hate you, and when they exclude you and revile you and reject your name as evil, because of the Son of Man. Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai, vachikutsaurai uye vachikutukai, vachiramba zita renyu vachiti rakaipa, nokuda kwoMwanakomana woMunhu.
23 Rejoice in that day and leap for joy, for your reward is great in heaven; for that is how the persecutors' ancestors treated the prophets. “Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo.
24 But woe to you who are rich, for you have already received your comfort. “Asi mune nhamo imi vapfumi, nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare.
25 Woe to you who are full now, for you will be hungry. Woe to you who laugh now, for you will mourn and weep. Mune nhamo imi makaguta zvino, nokuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imi vanoseka zvino, nokuti muchaungudza uye muchachema.
26 Woe to you when everyone speaks well of you, for that is how the flatterers' ancestors treated the false prophets. Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro.
27 But I tell you who listen: love your enemies, do good to those who hate you, “Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai,
28 bless those who curse you, pray for those who mistreat you. ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai.
29 Whoever strikes you on one cheek, offer the other too; whoever takes your coat, do not hold back your shirt. Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati.
30 Give to everyone who asks you, and don't demand back what is taken from you. Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke.
31 Do to others as you would have them do to you. Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.
32 Loving those who love you—what credit is that? Even sinners love those who love them. “Kana uchida vaya vanokuda, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange navatadzi vanoda avo vanovada.
33 If you do good to those doing you good, what credit is that to you? Even sinners do the same. Uye kana uchiita zvakanaka kuna vaya vakanaka kwauri, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanoita izvozvo.
34 And if you lend expecting repayment, what credit is that? Even sinners lend to sinners to get back the same amount. Uye kana uchikweretesa kuna vaya vaunotarisira kuti vagodzora, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanokweretesa kuvatadzi, vachitarisira kuzodzoserwa zvakakwana.
35 But love your enemies, do good, and lend expecting nothing back; your reward will be great, and you will be children of the Most High, for he is kind to the ungrateful and evil. Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana veWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa.
36 Be merciful, just as your Father is merciful. Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi.
37 Do not judge, and you will not be judged. Do not condemn, and you will not be condemned. Forgive, and you will be forgiven. “Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye nemi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye nemi muchazoregererwawo.
38 Give, and it will be given to you: a good measure—pressed down, shaken, overflowing—will be poured into your lap. For the measure you use will be measured back to you." Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.”
39 He also gave them a parable: "Can a blind person guide a blind person? Won't both fall into a pit? Akavaudzawo mufananidzo uyu: “Bofu ringatungamirira bofu here? Havangawiri mugomba vose vari vaviri here?
40 No student surpasses their teacher; whoever is fully trained becomes like their teacher. Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, asi munhu wose anenge adzidziswa zvakakwana ndiye achaita somudzidzisi wake.
41 Why do you see the speck in your brother's eye, yet miss the beam in your own eye? “Seiko uchitarisa rubanzu rwuri muziso rehama yako, asi usingatariri danda riri muziso rako pachako?
42 How can you tell your brother, 'Brother, let me remove the speck from your eye,' when you don't see the beam in your own eye? Hypocrite! First remove the beam from your own eye—then you'll see clearly to remove the speck from your brother's eye. Ungareva seiko kuhama yako uchiti, ‘Hama, rega ndikubvise rubanzu rwuri muziso rako, asi, iwe pachako uchitadza kuona danda riri muziso rako?’ Iwe munyengeri, tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchaonesesa kuti ubvise rubanzu muziso rehama yako.
43 For no good tree bears bad fruit, nor again does a bad tree bear good fruit. “Hakuna muti wakanaka unobereka muchero wakaipa, uye muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka.
44 Each tree is known by its own fruit; figs aren't gathered from thornbushes, nor grapes picked from a bramble. Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havangatanhi maonde kubva mumakwenzi eminzwa, kana kutanha mazambiringa kubva parukato.
45 A good person produces good from the heart's good store; an evil person produces evil from the evil store; for the mouth speaks from the heart's overflow. Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.
46 Why do you call me 'Lord, Lord,' and not do what I say? “Sei muchiti, ‘Ishe, Ishe,’ kwandiri asi musingaiti zvandinoreva?
47 Everyone coming to me, hearing my words, and doing them—I'll show you what he's like: Ndichakuratidzai zvakaita munhu anouya kwandiri anonzwa mashoko angu uye achiaita.
48 He's like a man building a house, who dug deep and laid its foundation on rock. When the flood came, the river crashed into that house but couldn't shake it—it was built well. Akaita somunhu anovaka imba, akachera zvakadzika akavaka hwaro paruware. Mafashamu akati asvika, mafungu akarova imba iyo asi haana kugona kuizungunutsa, nokuti yakanga yakavakwa zvakanaka.
49 But whoever hears my words and doesn't act on them is like a man who built a house on the ground, without a foundation. The flood crashed against it, and it collapsed at once—that house's ruin was great." Asi munhu anonzwa mashoko angu akasaaita, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu asina kuchera hwaro. Mafungu paakangorova imba iyo, yakakoromoka uye kuparara kwayo kwakava kukuru.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]