Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After he had finished saying all this to the people, he entered Capernaum. Jesu akati apedza kutaura zvose izvi vanhu vachizvinzwa, akapinda muKapenaume.
2 A centurion's servant who was dear to him was sick and at the point of death. Imomo maiva nomuranda womukuru wezana, aidiwa chose natenzi wake, akanga achirwara uye ava kuda kufa.
3 Hearing about Jesus, the centurion sent Jewish elders, asking him to come and heal his servant. Mukuru wezana akanzwa nezvaJesu uye akatuma vamwe vakuru vavaJudha kwaari, achimukumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake.
4 Reaching Jesus, they pleaded urgently: he deserves to have you do this for him, Vakati vasvika kuna Jesu, vakamukumbira zvikuru vachiti, “Murume uyu akafanira kuti mumuitire izvi,
5 for he loves our nation, and he is the one who built us our synagogue. nokuti anoda rudzi rwedu uye ndiye akavaka sinagoge redu.”
6 Jesus went with them. He was nearly at the house when the centurion sent friends to say, "Lord, don't trouble yourself—I'm not worthy for you to enter under my roof. Naizvozvo Jesu akaenda navo. Akanga asiri kure nomusha pakatumwa shamwari nomukuru wezana kuti dzinoti kwaari, “Ishe, musazvinetsa zvenyu, nokuti handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu.
7 So I did not presume to come to you. But say the word, and let my servant be healed. Ndokusaka ndisina kumbofunga kuti ini ndive nekodzero yokuuya kwamuri. Asi, taurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora.
8 For I too am a man under authority, with soldiers under me. I tell one, 'Go,' and he goes; another, 'Come,' and he comes; my servant, 'Do this,' and he does it." Nokuti ini pachangu, ndiri munhu ari pasi pavamwe, uye ndine varwi vari pasi pangu. Ndinoti kuno uyu, ‘Enda,’ uye anoenda, kuno mumwe, ‘Uya’ uye anouya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ uye anochiita.”
9 Hearing this, Jesus was amazed at the centurion, turned to the crowd following him, and said, "I tell you, I have not found such faith even in Israel." Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa kwazvo naye, akatendeukira kuvanhu vazhinji vaimutevera akati, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai kunyange muIsraeri.”
10 And when those who had been sent returned to the house, they found the servant well. Ipapo varume vaya vakanga vatumwa vakadzokera kumba vakawana muranda uya apora.
11 Soon after, he went to a town called Nain, with his disciples and a big crowd. Pasina kupera nguva refu, Jesu akaenda kuguta rainzi Naini, vadzidzi vake navanhu vazhinji kwazvo vakaendawo naye.
12 As he neared the town gate, a dead man was being carried out—an only son to his mother, a widow—and a large crowd from the town was with her. Kuzoti ave kuswedera pasuo reguta, munhu akafa akanga akatakurwa achiburitswa kunze, aingova mwanakomana mumwe chete wamai vake, uye vakanga vari chirikadzi. Uye vanhu vazhinji kwazvo vaibva muguta vaiva navo.
13 When the Lord saw her, he felt compassion for her and said, "Don't cry." Ishe akati achivaona, mwoyo wake wakavanzwira tsitsi, akati kwavari, “Musachema.”
14 He stepped up and touched the bier; the carriers stopped, and he said, "Young man, I tell you, get up." Ipapo akaswedera pedyo akabata hwanyanza, uye vaya vakanga vakamutakura vakamira. Akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!”
15 And the dead man sat up and began to speak, and Jesus gave him to his mother. Munhu uya akanga afa akamuka akagara akatanga kutaura, uye Jesu akamupa kuna mai vake.
16 Fear gripped them all; they praised our Father: "A great prophet has risen among us!" "Our Father has visited his people!" Vose vakazadzwa nokutya vakarumbidza Mwari. Vakati, “Muprofita mukuru amuka pakati pedu. Mwari auya kuzobatsira vanhu vake.”
17 And this report about him spread through the whole of Judea and all the surrounding country. Shoko iri pamusoro paJesu rakapararira muJudhea yose nenyika dzose dzakapoteredza.
18 John's disciples told him all these things. Then John called two of his disciples, Vadzidzi vaJohani vakamuudza pamusoro pezvinhu izvi zvose. Akadana vaviri vavo,
19 sent them to the Lord: "Are you the one who is to come, or should we look for another?" akavatuma kuna She kuti vandobvunza kuti, “Ndimi here iye aifanira kuuya kana kuti tomirira mumwewo?”
20 When the men reached him, they said, "John the Baptist sent us to you, asking, 'Are you the one who is to come, or should we expect someone else?'" Varume ava vakati vasvika kuna Jesu, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatituma kwamuri kuti tizobvunza kuti, ‘Ndimi here mainzi muchauya, kana kuti timirire mumwewo?’ ”
21 In that hour he healed many of diseases, plagues, and evil spirits, and gave sight to many blind. Panguva iyoyo Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere, matenda nemweya yakaipa uye akasvinudza vazhinji vakanga vari mapofu.
22 He answered them, "Go tell John what you've seen and heard: the blind see, the lame walk, lepers become clean, the deaf hear, the dead rise, and the poor hear good news. Saka akapindura nhume achiti, “Dzokerai munoudza Johani zvamaona nezvamanzwa zvokuti: Mapofu anosvinudzwa, zvirema zvinofamba, vaya vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa uye vhangeri riri kuparidzwa kuvarombo.
23 And blessed is the one who is not offended by me." Akaropafadzwa munhu asingagumbuswi nokuda kwangu.”
24 When John's messengers left, Jesus spoke to the crowds about John: "What did you go into the wilderness to see? A reed swaying in the wind? Shure kwokubva kwenhume dzaJohani, Jesu akatanga kutaura kuvanhu vazhinji pamusoro paJohani achiti, “Makabuda mukaenda kurenje kundooneiko? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?
25 What then did you go out to see? A man dressed in soft clothes? Look—those dressed in splendor, living in luxury, are in kings' palaces. Kana zvisizvo, makabuda kundooneiko? Munhu akanga akafuka nguo dzakanaka here? Kwete, vaya vanopfeka nguo dzomutengo mukuru uye vanogara zvakanaka ndivo vari mumizinda.
26 But what did you go out to see—a prophet? Yes, I tell you: more than a prophet. Asi makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinokuudzai, uyewo anokunda muprofita.
27 This is the one Scripture speaks of: 'Look, I'm sending my messenger ahead of you to prepare your way before you.' Ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi: “ ‘Ndichatuma nhume yangu pamberi pako, uyo achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’
28 I tell you: no one born of women is greater than John—yet the least in our Father's kingdom is greater than he." Ndinokuudzai kuti, pakati paavo vose vakaberekwa navakadzi hakuna mukuru kuna Johani; asi muduku muumambo hwaMwari mukuru kwaari.”
29 (When all the people, including the tax collectors, heard this, they declared our Father just, having been baptized with John's baptism, Vanhu vose, kunyange navateresi, vakati vanzwa mashoko aJesu, vakabvuma kuti nzira yaMwari yakarurama, nokuti vakanga vabhabhatidzwa naJohani.
30 but the Pharisees and lawyers rejected our Father's purpose for themselves, not baptized by him.). Asi vaFarisi nenyanzvi dzomurayiro vakaramba kuda kwaMwari pamusoro pavo, nokuti vakanga vasina kubhabhatidzwa naJohani.
31 "To what then should I compare the people of this generation, and what are they like? “Zvino, ndingafananidza rudzi rwakadai neiko? Vakafanana neiko?
32 They are like children sitting in the marketplace, calling to each other: 'We played the flute for you, and you didn't dance; we sang a dirge, and you didn't weep.' Vakaita savana vagere pamusika vachidanidzira kuno mumwe nomumwe wavo vachiti: “ ‘Takakuridzirai hwamanda, asi hamuna kutamba; takaimba rwiyo rworufu, uye hamuna kuchema.’
33 For John the Baptist came eating no bread, drinking no wine, and you say, 'He has a demon.' Nokuti Johani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa uye asinganwi waini, imi mukati, ‘Ane dhimoni.’
34 The Son of Man came eating and drinking, and you say, 'See, a glutton and a drunkard, a friend of tax collectors and sinners!' Mwanakomana woMunhu akauya achidya uye achinwa, imi mukati, ‘Houno munhu wamadyo uye chidhakwa, shamwari yavateresi na“vatadzi”.’
35 Yet wisdom is justified by all her children." Asi uchenjeri hunoratidzwa navana vahwo vose.”
36 A Pharisee invited him to eat with him; he went into the Pharisee's house and reclined at the table. Zvino mumwe wavaFarisi akakoka Jesu kuti azodya naye, saka akaenda kumba kwomuFarisi uyu akandogara kuti adye.
37 A woman in the city, a sinner, learned he was reclining at table in the Pharisee's house and brought an alabaster bottle of perfume. Mumwe mukadzi womuguta umu akanga achirarama muzvivi akati anzwa kuti Jesu akanga agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chamafuta anonhuhwira chearabhasta,
38 Standing behind him at his feet, weeping, she began wetting his feet with her tears, wiped them with her hair, kissed his feet, and anointed them with the perfume. akamira shure kwake akatanga kuchema, uye akanyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake. Ipapo akadzipukuta nebvudzi romusoro wake, akadzitsvoda uye akadzizodza mafuta anonhuhwira.
39 Seeing this, the Pharisee who'd invited him thought, "If he were a prophet, he'd know who's touching him and what kind of woman she is—a sinner." Zvino muFarisi uya akanga amukoka akati achiona izvi, akati mumwoyo make, “Dai munhu uyu anga ari muprofita, angadai aziva kuti mukadzi uyu amubata akaita sei, kuti mutadzi.”
40 Jesus replied to him, "Simon, I have something to say to you." He said, "Say it, Teacher." Jesu akamupindura akati, “Simoni, ndine chinhu chandinoda kukutaurira.” Iye akati, “Ndiudzei henyu mudzidzisi.”
41 "A certain moneylender had two debtors. One owed 500 denarii, and the other fifty. “Vamwe varume vaviri vakanga vane chikwereti kumunhu mumwe chete. Mumwe akanga ane chikwereti chamadhenari mazana mashanu, uye mumwe madhenari makumi mashanu.
42 Since neither could pay, he canceled both debts. So which of them will love him more?" Hakuna akanga ane mari yokuripa chikwereti pavari vose vari vaviri, saka nyakukweretesa akadzima zvikwereti zvavo vose. Zvino ndoupiko pauviri hwavo achanyanya kumuda?”
43 Simon answered, "I suppose the one he forgave the larger debt." Jesus said, "You judged rightly." Simoni akapindura akati, “Ndinofunga kuti ndouya akadzimirwa chikwereti chikuru.” Jesu akati, “Wataura zvakanaka.”
44 Turning to the woman, he told Simon, "Do you see this woman? I entered your house—you gave no water for my feet, but she wet my feet with her tears and wiped them with her hair. Ipapo akatendeukira kumukadzi ndokuti kuna Simoni, “Unoona here mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako; hauna kundipa kana mvura yokugeza tsoka dzangu, asi uyu anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake uye akadzipukuta nebvudzi romusoro wake.
45 You gave me no kiss, but she, from when I came in, hasn't stopped kissing my feet. Iwe hauna kunditsvoda, asi mukadzi uyu, kubvira panguva yandapinda, haana kurega kutsvoda tsoka dzangu.
46 You did not anoint my head with oil, but she has anointed my feet with perfume. Iwe hauna kuzodza musoro wangu namafuta, asi iye adira zvinonhuhwira patsoka dzangu.
47 So I tell you, her many sins are forgiven, because she loved much. But whoever is forgiven little loves little." Naizvozvo, ndinokuudza kuti zvivi zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti iye ada zvikuru. Asi uya akaregererwa zvishoma, anodawo zvishoma.”
48 And he said to her, "Your sins are forgiven." Ipapo Jesu akati kwaari, “Zvivi zvako zvaregererwa.”
49 Then his fellow guests began asking each other, "Who is this, who even forgives sins?" Vamwe vakanga vakokwa vakatanga kutaura pakati pavo vachiti, “Ndianiko uyu anoti kunyange nezvivi anokanganwira?”
50 And he said to the woman, "Your faith has saved you; go in peace." Jesu akati kumukadzi, “Kutenda kwako kwakuponesa; chienda norugare.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]