Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 15 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 At dawn the chief priests, elders, scribes, and the whole council consulted together, bound Jesus, led him away, and handed him over to Pilate. Mangwanani-ngwanani, vaprista vakuru navakuru, vadzidzisi vomurayiro uye neDare Guru rose, vakaita sarudzo. Vakasunga Jesu, vakaenda naye vakandomuisa mumaoko aPirato.
2 Pilate asked him, "Are you the King of the Jews?" "You say so," Jesus replied. Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.”
3 The chief priests kept accusing him of many things. Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji kwazvo.
4 So Pilate questioned him again: "Have you no answer? See how many charges they bring against you." Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda kwezvinhu zvavanokupomera.”
5 But Jesus said nothing more, and Pilate was amazed. Asi Jesu haana kupindura, uye Pirato akashamiswa nazvo.
6 Now at the festival, Pilate used to release one prisoner for them—whoever they asked for. Zvino yakanga iri tsika yapaMutambo kuti asunungure musungwa anenge akumbirwa navanhu.
7 A man called Barabbas was in prison with the rebels who had committed murder during the uprising. Murume ainzi Bharabhasi akanga ari mutorongo pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope vakauraya munhu.
8 The crowd came up and began asking Pilate to do for them what he always did. Vanhu vazhinji vakauya vakakumbira Pirato kuti avaitire zvaaisiita.
9 "Do you want me to release for you the King of the Jews?" Pilate answered, Pirato akabvunza akati, “Munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?”
10 for he knew it was out of envy that the chief priests had handed him over. achiziva kuti zvaingova zvegodo ravaprista vakuru kuti vakaisa Jesu mumaoko ake.
11 But the chief priests stirred up the crowd to have him release Barabbas for them instead. Asi vaprista vakuru vakamutsa mwoyo yavazhinji kuti vaite kuti Pirato asunungure Bharabhasi pachinzvimbo chaJesu.
12 "So what do you want me to do with the one you call King of the Jews?" Pilate asked them again. Pirato akabvunza akati, “Ndichaiteiko, zvino, nouyo wamunoti mambo wavaJudha?”
13 Crucify him!" they shouted back. Vakadanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!”
14 "Why? What evil has he done?" Pilate asked. But they shouted all the louder, "Crucify him!" Pirato akavabvunza akati, “Nemhaka yeiko? Akapara mhosva yeiko?” Asi vakanyanya kudanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!”
15 To satisfy the crowd, Pilate released Barabbas to them. He had Jesus flogged, and handed him over to be crucified. Achida kufadza vanhu, Pirato akasunungura Bharabhasi. Akaita kuti Jesu arohwe, uye akamuendesa kuti andorovererwa.
16 Soldiers led him away into the palace (the governor's headquarters) and called together the whole company of soldiers. Varwi vakatora Jesu vakapinda naye mumuzinda, Piritoriamu, uye vakaunganidza pamwe chete boka rose ravarwi.
17 They dressed him in purple, twisted together a crown of thorns, and set it on him. Vakamupfekedza nguo dzepepuru, ipapo vakamurukira korona yeminzwa vakaigadzika pamusoro wake.
18 And they began to salute him: "Hail, King of the Jews!" Uye vakatanga kudanidzira kwaari vachiti, “Kwaziwaika, mambo wavaJudha!”
19 They kept beating his head with a staff, spat on him, and knelt in mock homage to him. Vakaramba vachingomurova mumusoro netsvimbo uye vachimupfira mate. Vachipfugama namabvi avo, vakaita savanomunamata.
20 After mocking him, they stripped off the purple and put his own clothes on him, then led him out to crucify him. Uye vakati vamudadira, vakabvisa nguo yepepuru vakamupfekedza dzake. Ipapo vakabuda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.
21 They forced a passerby coming from the countryside—Simon of Cyrene, father of Alexander and Rufus—to carry his cross. Mumwe murume aibva kuKurini, Simoni baba vaArekizanda naRufasi, akanga achipfuura achibva kumaruwa, vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa.
22 They brought Jesus to the place called Golgotha (which means Place of a Skull). Vakaenda naJesu kunzvimbo yainzi Gorogota (kureva kuti Nzvimbo yeDehenya).
23 They offered him wine mixed with myrrh, but he did not take it. Ipapo vakamupa waini yakavhenganiswa nemura, asi haana kuinwa.
24 They crucified him. They divided his clothes among them, casting lots for what each would get. Uye vakamuroverera pamuchinjikwa. Vakagovana nguo dzake, vakakanda mijenya kuti vaone kuti mumwe nomumwe angawanei.
25 It was nine in the morning when they crucified him. Yakanga iri nguva yechitatu pavakamuroverera.
26 The written notice of the charge against him read: THE KING OF THE JEWS. Zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake zvaiti: mambo wavajudha.
27 They crucified two rebels with him, one on his right and one on his left. Vakamuroverera pamwe chete namakororo maviri, mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe.
28 Not in this edition Uye rugwaro rwakazadziswa runoti, “Akaverengwa pamwe chete navadariki.”
29 Those passing by insulted him, shaking their heads, saying, "Ha! You who tear down the temple and build it in three days, Vaya vakanga vachipfuura vaimutuka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Saka! Iwe uri kuzoputsa temberi nokuivaka mumazuva matatu,
30 save yourself and come down from the cross!" chiburuka pamuchinjikwa uzviponese!”
31 Likewise the chief priests and scribes mocked him among themselves: "He saved others; himself he can't save. Nenzira imwe cheteyo vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakamuseka pakati pavo, vakati, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa!
32 Let the Christ, King of Israel, come down from the cross now, so we can see and believe." Those crucified with him also insulted him. Kristu uyu, Mambo wavaIsraeri uyu, ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa, kuti tione tigotenda.” Navaya vakanga vakarovererwa pamwe chete naye vakamutukawo.
33 At noon, darkness came over the whole land until three in the afternoon. Nenguva yechitanhatu rima rakauya pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe.
34 At three in the afternoon Jesus cried out loudly, "Eloi, Eloi, lema sabachthani?" meaning, "My God, my God, why have you forsaken me?" Uye panguva yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”
35 When some of those standing nearby heard this, they said, "Listen, he's calling Elijah." Vaya vakanga vamire pedyo vakati vanzwa izvi, vakati, “Inzwai, ari kudana Eria.”
36 One ran, filled a sponge with sour wine, put it on a reed, and gave him a drink. "Let him be," he said, "let's see if Elijah comes to take him down." Mumwe murume akamhanya, akazadza chipanje newaini yaivava, akachiisa parutanda, akachipa kuna Jesu kuti anwe, akati “Zvino musiyei akadaro. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuburutsa.”
37 With a loud cry, Jesus breathed his last. Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.
38 And the curtain of the temple was torn in two from top to bottom. Chidzitiro chapatemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvikira pasi.
39 The centurion facing Jesus saw how he breathed his last and said, "Truly this man was the Son of God." Uye mukuru wezana, akanga amirepo, pamberi paJesu, akati anzwa kudanidzira kwake uye aona mafiro aakaita, akati, “Zvirokwazvo murume uyu anga ari Mwanakomana waMwari!”
40 Women were also watching from a distance, including Mary Magdalene, Mary the mother of James the younger and Joses, and Salome. Vamwe vakadzi vakanga vachitarira vari kure. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho, mununʼuna waJosesi, naSarome.
41 These women had followed him in Galilee and served him; many others who came up with him to Jerusalem were also there. Vakadzi ava vomuGarirea ndivo vaimutevera uye vachimushandira. Vakadzi vazhinji vakanga vauya naye kuJerusarema vakanga varipowo.
42 Evening had come, and since it was Preparation Day—the day before the Sabbath. Rakanga riri Zuva roKugadzirira (ndiro rinotangira Sabata.) Saka kwovira,
43 Joseph of Arimathea, a prominent council member who himself was waiting for the kingdom of our Father, dared to go to Pilate and ask for Jesus' body. Josefa weArimatea, nhengo yeDare Guru yaiva nomukurumbira, uyo akanga akamirirawo umambo hwaMwari, akatsunga kuenda kuna Pirato kundokumbira mutumbi waJesu.
44 Pilate was surprised he was already dead; summoning the centurion, he asked if Jesus had been dead long. Pirato akashamiswa kunzwa kuti akanga atofa. Akatuma mukuru wezana, akamubvunza kana Jesu akanga afa.
45 When he learned from the centurion that it was so, he granted the body to Joseph. Akati anzwa kubva kumukuru wezana kuti zvakanga zviri izvo, akapa mutumbi kuna Josefa.
46 Joseph bought linen, took the body down, wrapped it in the cloth, and laid it in a tomb cut from rock. Then he rolled a stone against the tomb's entrance. Saka akauya nemimwe micheka, akaburutsa mutumbi, akauputira nomucheka, akauisa muguva rakanga rakacherwa paruware. Ipapo akakungurutsira ibwe pamuromo weguva.
47 Mary Magdalene and Mary the mother of Joses saw where he was laid. Maria Magadharena naMaria mai vaJosesi vakaona paakavigwa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]