Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 14 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Two days before Passover and Unleavened Bread, the chief priests and scribes were looking for a way to seize Jesus by trickery and kill him. Zvino kwakanga kwangosara mazuva maviri kuti Pasika noMutambo weChingwa Chisina Mbiriso zviitwe, uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yokuti vasunge Jesu nayo uye vamuuraye.
2 For they said, "Not during the feast, or the people might riot." Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo, nokuti vanhu vangangoita bope.”
3 While he was in Bethany, in Simon the leper's house, reclining at the table, a woman came with an alabaster flask of pure nard perfume, very costly. She broke the flask and poured it on his head. Uye paakanga ari muBhetani, agere pakudya mumba momumwe murume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya nechinu chamafuta chearabhasita, mafuta anokosha kwazvo, akanga akaitwa nenaridhi yakaisvonaka. Akazarura chinu akadururira mafuta mumusoro wake.
4 There were some who said to themselves indignantly, "Why was this perfume wasted like that? Vamwe vakanga varipo pakati pavo vakatsamwa vakati, “Seiko vachitambisa mafuta aya kudai?
5 For this perfume could have sold for over 300 denarii and given to the poor." And they scolded her. Angadai atengeswa nomutengo uno mubayiro unopfuura wegore rose, uye mari yacho yapiwa kuvarombo.” Uye vakatsiura mukadzi uyu nehasha.
6 But Jesus said, "Leave her alone. Why trouble her? She has done a beautiful thing for me. Jesu akati kwavari, “Musiyei akadaro. Munomunetsereiko? Aita chinhu chakanaka kwandiri.
7 For the poor are always with you, and you can do good for them whenever you want; but you won't always have me. Varombo munavo nguva dzose, uye munogona kuvabatsira panguva ipi zvayo yamunoda. Asi hamuzogari muneni nguva dzose.
8 She has done what she could; she has anointed my body beforehand for burial. Aita zvaanogona. Adururira mafuta anonhuhwira pamuviri wangu nguva isati yasvika, kuti agadzirire kuvigwa kwangu.
9 Truly, I tell you, wherever the gospel is preached worldwide, what she did will be told in memory of her." Ndinokuudzai chokwadi, kwose kunozoparidzwa vhangeri panyika yose, zvaaita izvi zvicharehwawo, vanhu vachimurangarira nazvo.”
10 Then Judas Iscariot, one of the twelve, went to the chief priests to betray Jesus to them. Ipapo Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaenda kuvaprista vakuru kuti andotengesa Jesu kwavari.
11 Hearing this, they were glad and promised him money. So he looked for a chance to betray Jesus. Vakafara kunzwa izvi uye vakavimbisa kumupa mari. Saka akamirira mukana wokumuisa kwavari.
12 On the first day of Unleavened Bread, when they sacrificed the Passover lamb, his disciples asked him, "Where do you want us to go and prepare for you to eat the Passover?" Pazuva rokutanga roMutambo weChingwa Chisina Mbiriso, zvayakanga iri tsika yavo yokubayira gwayana rePasika, vadzidzi vaJesu vakamubvunza vakati, “Munoda kuti tiende kupi kwatingandokugadzirirai Pasika kuti mudye?”
13 He sent two of his disciples, "Go into the city; a man carrying a jar of water will meet you. Follow him, Saka akatuma vadzidzi vake vaviri akati kwavari, “Endai muguta, uye muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere.
14 and wherever he enters, tell the house's owner, 'The Teacher says: Where is my guest room, where I may eat the Passover with my disciples?' Muti kumwene weimba yaanopinda mairi, ‘Mudzidzisi anobvunza kuti: Imba yangu yavaeni, mandingadyira Pasika navadzidzi vangu ndeipiko?’
15 And he will show you a large upper room furnished and ready; there prepare for us." Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakatorongedzwa uye yakagadzirwa. Mutigadzirire imomo.”
16 The disciples left, went to the city, found things as he had told them, and prepared the Passover. Vadzidzi vakabva, vakapinda muguta vakawana zvinhu zvakaita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika.
17 And when it was evening, Jesus came with the twelve. Ava madekwana, Jesu akasvika navane gumi navaviri.
18 While they reclined and ate, Jesus said, "Truly, I tell you, one of you will betray me, one eating with me." Vakati vagere pakudya, akati, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira, mumwe ari kudya neni.”
19 They began to grieve and ask him, one by one, "Is it I?" Vakasuwiswa nazvo, mumwe nomumwe akati kwaari, “Zvirokwazvo, kwete ini?”
20 He said to them, "One of the twelve, dipping bread with me into the dish. Iye akapindura akati, “Ndomumwe wavane gumi navaviri, iye anoseva chingwa chake mundiro neni.
21 The Son of Man goes as the Scriptures said about him, but how terrible for that man who betrays him—better if he had never been born." Mwanakomana woMunhu achaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvaiva nani kwaari dai akanga asina kuzvarwa.”
22 As they ate, he took bread, blessed it, broke it, gave it to them, and said, "Take; this is my body." Vakati vari pakudya, Jesu akatora chingwa, akavonga uye akachimedura, akapa vadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.”
23 He took a cup, gave thanks, gave it to them, and they all drank from it. Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri.
24 He said to them, "This is my blood of the covenant, poured out for many. Akati kwavari, “Iri ndiro ropa rangu resungano, rinodururirwa vazhinji.
25 Truly I tell you, I will not drink wine again until that day when I drink it new in the kingdom of our Father." Ndinokuudzai chokwadi kuti handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira pazuva randichazochinwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.”
26 And when they had sung a hymn, they went out to the Mount of Olives. Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.
27 Jesus said to them, "You will all stumble, for it's written: 'I will strike the shepherd, and the sheep will be scattered.' Jesu akati kwavari, “Imi mose muchapararira, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.’
28 But after I am raised up, I will go ahead of you to Galilee." Asi mushure mokumuka kwangu, ndichatungamira kuGarirea imi mozotevera.”
29 Peter said to him, "Even though they all fall away, I will not." Petro akati, “Kunyange dai vose vakakurambai, ini kwete.”
30 Jesus said to him, "Truly I tell you, today, this night, before the rooster crows twice, you will deny me three times." Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, nhasi, manheru ano chaiwo, jongwe risati rarira kaviri, iwe pachako uchandiramba katatu.”
31 But he insisted, "Even if I must die with you, I will never deny you." They all said the same. Asi Petro akaramba akasimbisisa achiti, “Kunyange dai ndichifanira kufa nemi, handizombokurambai.” Uye vamwe vose vakadarowo.
32 They arrived at a place called Gethsemane, and he told his disciples, "Sit here while I pray." Vakaenda kunzvimbo inonzi Getsemani, Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichambondonyengetera.”
33 He took Peter, James, and John, and began to feel deep distress and anguish. Akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye, akatanga kushungurudzika zvikuru uye akatambudzika.
34 He said to them, "My soul is crushed with grief, to death. Stay here and stay alert." Akati, “Mweya wangu wazara neshungu kwazvo kusvikira pakufa. Garai pano uye murambe makarinda.”
35 Going a little farther, he fell to the ground and prayed that, if possible, the hour would pass from him. Akati aenda chinhambwe zvishoma, akawira pasi akanyengetera kuti kana zvichibvira nguva iyi ipfuure, ibve kwaari.
36 He said, "Abba, Father, all things are possible for you. Take this cup from me—but let it be your will, not mine." Akati, “Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri. Asi kwete kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”
37 He returned, found them asleep, and said to Peter, "Simon, are you asleep? Couldn't you stay awake one hour? Ipapo akadzokazve kuvadzidzi vake akavawana vavete. Akati kuna Petro, “Simoni, wavata here? Hauna kugona kurinda kweawa imwe chete here?
38 Watch and pray, so you don't fall into temptation. The spirit is willing, but the flesh is weak." Rindai munyengetere kuti murege kuwira mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi muviri hauna simba.”
39 And again he went away and prayed, saying the same words. Akaendazve kundonyengetera zvimwe chetezvo.
40 Again he found them sleeping, eyes heavy, not knowing how to answer him. Paakadzoka, akawanazve vavete, nokuti meso avo akanga aremerwa nehope. Havana kuziva chokutaura kwaari.
41 He came a third time and said, "Still sleeping and resting? Enough—the hour has come. Look, the Son of Man is handed over into the hands of sinners. Achidzokerazve kechitatu akati kwavari, “Muchakavata uye muchiri kuzorora here? Zvaringana! Nguva yasvika. Tarirai, Mwanakomana woMunhu oiswa mumaoko avatadzi.
42 Rise, let us be going; see, my betrayer is here." Simukai! Ngatiendei! Hoyo mutengesi wangu ouya!”
43 While he was still speaking, Judas—one of the twelve—arrived, and with him a crowd with swords and clubs from the chief priests, scribes, and elders. Achiri kutaura, Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaonekwa. Akanga ana vanhu vazhinji vakapakata minondo netsvimbo, vatumwa navaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro, uye navakuru.
44 His betrayer had given them a signal: "The one I kiss is him—seize him and take him away securely." Zvino mutengesi akanga aronga navo chiratidzo achiti, “Munhu wandichatsvoda ndiye wacho; mumusunge mugoenda naye navarindi.”
45 He came up to Jesus at once, said, "Rabbi!" and kissed him. Paakangosvika, Judhasi akaenda kuna Jesu, akati, “Rabhi!” ndokumutsvoda.
46 And they laid hands on him and seized him. Vanhu vakabata Jesu vakamusunga.
47 One of the bystanders drew his sword, struck the high priest's servant, and cut off his ear. Ipapo mumwe akanga amire pedyo akavhomora munondo wake akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake.
48 Jesus said to them, "Have you come out with swords and clubs to seize me, like a robber? Jesu akati, “Ko, ndiri kutungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuti muzondibata?
49 Every day I was with you in the temple teaching, and you didn't arrest me. But let the Scriptures be fulfilled." Mazuva ose ndaiva nemi, ndichidzidzisa mutemberi, uye hamuna kundisunga. Asi Magwaro anofanira kuzadziswa.”
50 And they all left him and fled. Ipapo vose vakamusiya vakatiza.
51 And a young man followed him, wearing nothing but a linen cloth. And they seized the young man, Rimwe jaya, rakanga rakapfeka nguo yakaisvonaka, rakanga richitevera Jesu. Vakati varibata,
52 but he left the linen cloth and ran away naked. rakatiza risina kupfeka, rikasiya nguo yaro mumashure.
53 They led Jesus to the high priest, and all the chief priests and elders and scribes gathered. Vakaenda naJesu kumuprista mukuru, uye vamwe vaprista vose vakuru navadzidzisi vomurayiro vakaungana pamwe chete.
54 Peter had followed at a distance, all the way into the high priest's courtyard, and sat with the guards, warming himself by the fire. Petro akamutevera ari nechokure, kusvikira apinda muruvazhe rwomuprista mukuru. Akagara navarindi achidziya moto.
55 The chief priests and the whole council sought testimony against Jesus to put him to death, but found none. Vaprista vakuru namakurukota ose vakanga vachitsvaka chavangapa Jesu mhosva nacho kuitira kuti vagomuuraya, asi havana kuwana chinhu.
56 For many gave false testimony against him, but their testimony did not agree. Vazhinji vakamupupurira nhema, asi uchapupu hwavo hahuna kupindirana.
57 And some stood up and gave false testimony against him, saying, Ipapo vamwe vakasimuka vakapa uchapupu hwenhema uhu pamusoro pake vachiti,
58 "We heard him say, 'I will destroy this temple made by hands, and in three days build another not made by hands.'" “Takamunzwa achiti, ‘Ndichaparadza temberi iyi yakavakwa navanhu uye shure kwamazuva matatu ndichavaka imwe, isina kuitwa navanhu.’ ”
59 Yet even about this their testimony did not agree. Kunyange ipapozve uchapupu hwavo hahuna kupindirana.
60 The high priest stood up in the midst and asked Jesus, "You have no answer? What are these men testifying against you?" Ipapo muprista mukuru akamira pamberi pavo akabvunza Jesu achiti, “Ko, haupinduri here? Uchapupu hwaunopomerwa navanhu ava ndohweiko?”
61 He stayed silent, answered nothing. Again the high priest asked him, "Are you the Christ, the Son of the Blessed?" Asi Jesu akaramba anyerere akasapindura. Muprista mukuru akamubvunzazve achiti, “Ndiwe Kristu here, Mwanakomana waIye Akaropafadzwa?”
62 Jesus said, "I AM, and you will see the Son of Man seated at the right hand of the Mighty One and coming with heaven's clouds." Jesu akati, “Ndini. Uye muchaona Mwanakomana woMunhu agere kuruoko rworudyi rwaIye Wamasimba achiuya ari pamakore okudenga.”
63 And the high priest tore his clothes and said, "What further witnesses do we need? Muprista mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Tichatsvakireiko zvimwe zvapupu?
64 You have heard his blasphemy. What is your decision?" And they all condemned him as deserving death. Manzwa kumhura kwake. Munofungeiko?” Vose vakamutonga vachiti aifanira kufa.
65 Some began spitting on him, covering his face, and punching him, saying to him, "Prophesy!" Then the guards slapped him. Ipapo vamwe vakatanga kumupfira mate; vakamusunga kumeso, vakamurova nezvibhakera, vachiti, “Profita!” Uye varindi vakamutora vakamurova.
66 While Peter was below in the courtyard, one of the high priest's servant girls came, Petro paakanga achiri muruvazhe, mumwe musikana, murandakadzi womuprista mukuru akasvikapo.
67 seeing Peter warming himself, she looked at him and said, "You too were with the Nazarene, Jesus." Akati aona Petro achidziya moto akamucherechedza. Akati kwaari, “Newewo wakanga una Jesu, weNazareta.”
68 But he denied it: "I don't know or understand what you mean." Then he went out to the entrance, and a rooster crowed. Asi iye akaramba akati, “Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva.” Akabuda akandomira pamukova wokupinda nawo.
69 The servant girl saw him and again told the bystanders, "This man is one of them." Akati aonekwazve nomusikana uyu aiva murandakadzi, musikana akatizve kuna avo vakanga vamirepo, “Munhu uyu ndomumwe wavo.”
70 But he denied it again. A little later the bystanders again told Peter, "You truly are one of them, for you're a Galilean." Iye akarambazve izvozvo. Mushure menguva pfupi, vaya vakanga vamirepo vakati kuna Petro, “Chokwadi, iwe uri mumwe wavo, nokuti uri muGarirea.”
71 He began to call down curses on himself and swear, "I don't know this man you're talking about." Akatanga kutuka nokupika achiti, “Handizivi munhu uyu wamunotaura nezvake.”
72 At once a rooster crowed a second time. Peter remembered Jesus' words: "Before the rooster crows twice, you will deny me three times." He broke down and wept. Pakarepo jongwe rakarira kechipiri. Ipapo Petro akarangarira shoko raJesu raakanga ataura kwaari achiti, “Jongwe risati rarira kaviri uchandiramba katatu.” Akawira pasi uye akachema.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]