Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 13 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Leaving the temple, one of his disciples said to him, "Teacher, look! What huge stones, what magnificent buildings!" Paakanga ava kubuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati, “Mudzidzisi, tarirai kukura kwakaita matombo! Iko kunaka kwedzimba!”
2 Jesus said to him, "Do you see these great buildings? Not one stone will remain here on another; all will be torn down." Jesu akapindura akati, “Uri kuona dzimba huru dzose idzi? Hapana ibwe pano richasiyiwa riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.”
3 As he sat on the Mount of Olives facing the temple, Peter, James, John, and Andrew asked him privately, Jesu paakanga agere paGomo reMiorivhi pakatarisana netemberi, Petro, Jakobho, Johani naAndirea vakamubvunza vari voga vakati,
4 tell us, when will these things happen, and what sign shows all this is about to be fulfilled? “Tiudzei, kuti zvinhu izvi zvichaitika rini? Uye chii chichava chiratidzo chokuti zvose zvava pedyo nokuzozadziswa?”
5 Jesus began to tell them: "Watch out that no one deceives you. Jesu akati kwavari, “Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anokutsausai.
6 Many will come in my name, claiming, 'I am he,' and they will deceive many. Vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye vachatsausa vazhinji.
7 When you hear of wars and rumors of wars, don't be troubled—these must happen, but the end isn't yet. Pamunonzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, musavhunduka. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika, asi kuguma kuchazosvika hako.
8 Nation will rise against nation, kingdom against kingdom, earthquakes in various places, famines—these are the beginning of birth pains. Rudzi ruchamukira rumwe rudzi, uye ushe huchamukira humwe ushe. Pachava nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana, uye nenzara. Izvi ndizvo zvichava kutanga kwamarwadzo okusununguka.
9 Watch yourselves. They'll hand you to councils and beat you in synagogues. Because of me you'll stand before governors and kings, as a testimony to them. “Munofanira kugara makarinda. Muchaendeswa kumatare mugorohwa mumasinagoge avo. Muchamira pamberi pavabati napamberi pamadzimambo nokuda kwangu, sezvapupu kwavari.
10 And the gospel must first be proclaimed to all nations. Uye vhangeri rinofanira kuparidzwa kundudzi dzose.
11 When they arrest and hand you over, don't worry beforehand what to say. Say whatever you're given in that hour—it's not you speaking, but the Holy Spirit. Pose pamunenge masungwa uye mamiswa pakutongwa, musatanga kufunganya pamusoro pezvamuchataura. Taurai zvose zvose zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
12 Brother will betray brother to death, father his child. Children will rise against parents and have them put to death. “Mukoma achaurayisa mununʼuna, uye baba vachadarowo mwana wavo. Vana vachamukira vabereki vavo uye vachavaurayisa.
13 All will hate you for my name, but whoever endures to the end will be saved. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo anotsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.
14 When you see the abomination of desolation standing where it should not be (reader, take note), those in Judea must flee to the mountains. “Pamunenge moona nyangadzi yokuparadza yamira paisingafaniri, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.
15 Let no one on the housetop go down or enter the house to take anything out. Ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kana kupinda mumba kuti abudise chinhu chipi zvacho chiri mumba.
16 Let no one in the field go back to get their coat. Munhu ari kumunda ngaarege kudzokera kumba kuti andotora jasi rake.
17 How dreadful it will be in those days for pregnant women and nursing mothers! Zvichava zvinotyisa zvakadiniko kuvakadzi vane mimba navanoyamwiswa mumazuva iwayo!
18 Pray that it will not happen in winter, Nyengeterai kuti izvi zvirege kuitika munguva yechando,
19 for those days will bring suffering unmatched since our Father created the world until now—and never to be matched again. nokuti ayo achava mazuva okutambudzika asina kumbovapo kubva pakutanga, Mwari paakasika nyika, kusvikira zvino, uye haachazombovapozve.
20 Had the Sovereign not shortened those days, no one would survive; but the Sovereign shortened them for the elect he chose. Dai Ishe akanga asina kutapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama. Asi nokuda kwavasanangurwa, avo vaakasarudza, akaatapudza hake.
21 Then if anyone tells you, 'Look, here is the Christ!' or 'Look, there!' don't believe it. Panguva iyo kana munhu akati kwamuri, ‘Tarirai, houno Kristu!’ kana kuti, ‘Tarirai, uyo ari apo!’ musazvitenda.
22 False christs and false prophets will appear, performing signs and wonders to deceive the elect, if possible. Nokuti vanaKristu venhema navaprofita venhema vachaonekwa uye vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vatsause vatsvene, kana zvaigoneka.
23 So be on your guard; I have told you everything ahead of time. Saka mugare makarinda; ndagara ndakuudzai zvinhu zvose zvisati zvaitika.
24 But in those days, after that suffering, the sun will darken, and the moon will not give its light; “Asi mumazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, “ ‘zuva richasvibiswa, uye mwedzi hauchazovhenekeri;
25 the stars will fall from the sky, and the powers in the heavens will be shaken. nyeredzi dzichawa kudenga, uye masimba okudenga achadengenyeka.’
26 Then they will see the Son of Man coming in clouds with great power and glory. “Panguva iyoyo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore nesimba guru uye nokubwinya.
27 He will send his angels and gather his chosen from the four winds, from earth's ends to heaven's ends. Uye achatuma vatumwa vake, vagounganidza vasanangurwa kubva kumhepo ina, kubva kumagumo enyika kusvikira kumigumo yamatenga.
28 Learn this from the fig tree: once its branch softens and leaves sprout, you know summer is near. “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Paunongotanga kuva namatavi manyoro uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo.
29 So also, when you see these things happening, know it's near, at the door. Naizvozvo kana moona zvinhu izvi zvoitika, zivai kuti ava pedyo, atova pamukova.
30 Truly I tell you, this generation will certainly not pass away until all these things have happened. Ndinokuudzai chokwadi, zvirokwazvo rudzi urwu harungapfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.
31 Heaven and earth will pass away, but my words will never pass away. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
32 But no one knows that day or hour—not the angels in heaven, not the Son, only the Father. “Hakuna munhu anoziva nezvezuva iro kana nguva iyo, kunyange vatumwa kudenga, kana Mwanakomana, asi Baba voga.
33 Be on guard! Stay alert! For you do not know when that time will come. Rindai! Svinurai! Hamuzivi kuti nguva iyo inosvika rini.
34 Like a man on a journey: he leaves his house, gives his servants authority—each his own task—and orders the doorkeeper to stay alert. Zvakaita somunhu anoenda kure: Anosiya imba yake akaichengetesa varanda vake, mumwe nomumwe pabasa rake, uye agoudza ari pamukova kuti agare akarinda.
35 So stay alert, since you don't know when the master of the house comes—evening, midnight, rooster's crow, or dawn. “Naizvozvo rindai nokuti hamuzivi musi unouya muridzi weimba, zvimwe madekwana, kana usiku, kana pakurira kwejongwe, kana mambakwedza.
36 Otherwise, if he comes suddenly, he may find you sleeping. Kana akakurumidza kuuya, musamurega achikuwanai muvete.
37 What I say to you, I say to everyone: Keep watch!" Zvandinotaura kwamuri, ndinozvitaura kuvanhu vose ndichiti, ‘Rindai!’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]