Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 12 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 He began speaking to them in parables: "A man planted a vineyard, fenced it in, dug a winepress pit, built a watchtower, rented it to farmers, and left. Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo achiti, “Mumwe murume akasima munda wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akachera gomba rechisviniro chewaini uye akavaka shongwe yokurinda. Ipapo akauchengetesa kuvarimi akaenda parwendo.
2 At harvest time he sent a servant to the tenants to collect some of the vineyard's fruit. Pakukohwa akatuma muranda kumuchengeti womunda kuti andotora kwavari mimwe michero yomunda wemizambiringa.
3 But they seized him, beat him, and sent him away empty-handed. Asi vakamubata, vakamurova vakamudzosa asina chinhu.
4 Again he sent them another servant; they hit him on the head and dishonored him. Ipapo akatuma mumwe muranda; vakarova murume uyu mumusoro vakamunyadzisa zvikuru.
5 And he sent another, and they killed him—then many more, beating some and killing others." Akapamhazve kutuma mumwe, uye uyo vakamuuraya. Akatuma vamwe vazhinji; vamwe vavo vakavarova, vamwe vakavauraya.
6 He had still one, a beloved son; last he sent him to them, saying, "They will respect my son." “Akanga asara nomumwe chete wokutuma, mwanakomana, waaida kwazvo. Akamutuma kwokupedzisira achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’
7 "But the tenants said to each other, 'This is the heir. Come, let's kill him—the inheritance will be ours.' “Asi vachengeti vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai, ngatimuurayei, nhaka igova yedu.’
8 So they took him and killed him and threw him out of the vineyard. Saka vakamutora vakamuuraya, vakamurasira kunze kwomunda wemizambiringa.
9 So what will the vineyard's owner do? He'll come, destroy the tenants, and give the vineyard to others. “Zvino muridzi womunda wemizambiringa achaiteiko? Achauya agouraya vachengeti vaya vomunda agopa munda wemizambiringa kuna vamwe.
10 Have you not read this Scripture: 'The stone the builders rejected has become the cornerstone; Ko, hamuna kuverenga here rugwaro urwu runoti: “ ‘Dombo rakarambwa navavaki ndiro rava musoro wekona;
11 this was our Father's doing, and it is marvelous in our eyes'?" Ishe akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu’?”
12 They wanted to arrest him but feared the crowd, knowing he'd told the parable against them. So they left him and went away. Ipapo vakatsvaka nzira yokumusunga nayo nokuti vakaziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu vazhinji; saka vakamusiya vakaenda.
13 They sent some of the Pharisees and Herodians to trap him in his words. Shure kwaizvozvo vakatuma vamwe vavaFarisi navaHerodhi kuna Jesu kuti vandomubata namashoko ake.
14 They came and said to him, "Teacher, we know you're true and don't care what anyone thinks, since you don't judge by appearance but truly teach our Father's way. Is it lawful to pay taxes to Caesar, or not? Should we pay, or should we not?" Vakauya kwaari vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama. Imi hamutsauswi navanhu, nokuti hamuteereri kuti ndivanaani, asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Zvakanaka here kuripa mutero kuna Kesari kana kuti kwete?
15 But, knowing their hypocrisy, he said to them, "Why are you testing me? Bring me a silver coin to look at." Tinofanira kuripa here kana kuti tinofanira kuregera?” Asi Jesu achiziva kunyengera kwavo, akati, “Seiko muchiedza kunditeya? Ndipei kuno dhenari ndirione.”
16 They brought one, and he asked them, "Whose image and inscription is this?" They told him, "Caesar's." Vakauya nemari yacho, iye akavabvunza akati, “Mufananidzo uyu ndowani? Uye runyoro urwu ndorwani?” Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.”
17 Jesus told them, "Give to Caesar what's Caesar's, and to our Father what's our Father's." They were amazed at him. Ipapo Jesu akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye kuna Mwari zvaMwari.” Uye vakashamiswa naye.
18 And the Sadducees came to him, who say there is no resurrection. And they questioned him, saying, Ipapo vaSadhusi, vaya vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo.
19 "Teacher, Moses wrote for us that if a man's brother dies leaving a wife but no child, the brother must marry her and raise up offspring for him. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womurume akafa uye akasiya mukadzi asina vana, mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi iyi kuti amutsire mukoma wake vana.
20 There were seven brothers; the first married, and when he died, left no children. Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe chete vanomwe. Wokutanga akawana uye akafa akasasiya vana.
21 And the second married her, and he died leaving no children. And the third likewise. Wechipiri akatora chirikadzi iya, asi naiyewo akafa, akasasiya vana. Ndizvo zvakaitikawo kuno wechitatu.
22 And none of the seven left any children. Last of all the woman also died. Zviripo ndezvokuti, hakuna pavanomwe ava akasiya kana mwana. Pakupedzisira mukadzi akazofawo.
23 At the resurrection, when they rise, whose wife will she be? The seven had her as wife." Pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waani, sezvo akanga akawanikwa navanomwe ava?”
24 Jesus said to them, "Isn't this why you're wrong—you know neither the Scriptures nor our Father's power? Jesu akapindura akati, “Hamuna kurasika here nokuda kwokusaziva Magwaro kana simba raMwari?
25 For when the dead rise, they neither marry nor are given in marriage, but are like the angels in heaven. Vakafa pavanomuka, havazowani uye havazowaniswi; vachaita savatumwa vokudenga.
26 About the dead being raised, haven't you read in Moses' book, in the passage about the bush, how our Father told him, 'I am the God of Abraham, of Isaac, and of Jacob'? Zvino pamusoro pokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here mubhuku raMozisi, panhoroondo dzegwenzi raipfuta, kuti Mwari akati kwaari, ‘Ndini Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho’?
27 He is not God of the dead, but of the living. You are badly mistaken." Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu. Makarasika kwazvo!”
28 One scribe approached, heard them debate, saw Jesus answered well, and asked, "Which commandment is most important of all?" Mumwe wavadzidzisi vomurayiro akauya akavanzwa vachitaurirana. Akaona kuti Jesu akanga avapa mhinduro yakanaka, akamubvunza akati, “Pamirayiro yose, ndoupiko unonyanya kukosha?”
29 Jesus answered, "The most important is this: 'Hear, Israel: our Father is one.' Jesu akapindura akati, “Unonyanya kukosha, ndouyu: ‘Inzwa, iwe Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwe chete.
30 Love your Father with all your heart, with all your soul, with all your mind, with all your strength." Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose nokufunga kwako kwose uye nesimba rako rose.’
31 "The second is this: 'Love your neighbor as yourself.' No commandment is greater than these." Wechipiri ndouyu: ‘Ida wokwako sezvaunozvida iwe.’ Hakuna murayiro mukuru kupfuura iyi.”
32 The scribe said to him, "Well said, Teacher. You've said truly that he is one, and there's no other besides him. Murume akapindura akati, “Mapindura zvakanaka, mudzidzisi. Mataura chokwadi pamataura kuti Mwari ndiye mumwe chete uye hakuna mumwe kunze kwake.
33 Loving him with all the heart, all the understanding, all the strength, and loving one's neighbor as oneself, matters far more than all whole burnt offerings and sacrifices." Kumuda nomwoyo wako wose, nokunzwisisa kwako kwose uye nesimba rako rose, uye kuda wokwako sezvaunozvida iwe ndizvo zvinonyanya kukosha kupfuura zvipiriso zvose zvinopiswa, nezvibayiro.”
34 Seeing he answered wisely, Jesus said to him, "You are not far from the kingdom of our Father." After that, no one dared ask him any more questions. Jesu akati aona kuti akanga apindura nokuchenjera, akati kwaari, “Hausi kure noumambo hwaMwari.” Uye kubvira ipapo hakuna munhu akazotsunga kumubvunza mimwezve mibvunzo.
35 Teaching in the temple, Jesus asked, "How can the scribes say the Christ is the son of David? Jesu paakanga achidzidzisa ari mutemberi, akabvunza akati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?
36 David himself said by the Holy Spirit: 'Our Father said to my Lord, "Sit at my right hand until I put your enemies under your feet."' Dhavhidhi pachake achitaura noMweya Mutsvene, akati: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.” ’
37 "David himself calls the Christ Lord. How can the Christ be David's son?" The large crowd enjoyed listening to him. Dhavhidhi pachake anomuti ‘Ishe.’ Zvino anogova mwanakomana wake seiko?” Vanhu vazhinji vakateerera kwaari nomufaro.
38 And in his teaching he said, "Beware of the scribes, who like walking in long robes and being greeted in the marketplaces, Pakudzidzisa kwake, Jesu akati, “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu uye vachikwaziswa mumisika,
39 and to have the best seats in the synagogues and the places of honor at banquets, uye kuti vave nezvigaro zvakakwirira kwazvo mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko.
40 who devour widows' houses and make long prayers just for show. These will receive the greater condemnation." Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu kuti vaonekwe navanhu. Vanhu vakadai vacharangwa zvikuru kwazvo.”
41 Sitting across from the treasury, he watched the crowd drop coins in; many rich people dropped in large sums. Jesu akagara pasi akatarisana nenzvimbo yaiiswa zvipo uye akatarisisa vanhu vazhinji vachiisa mari yavo muchivigiro chemari mutemberi. Vapfumi vazhinji vaikandamo mari zhinji.
42 And a poor widow came and put in two small copper coins, worth a penny. Asi chirikadzi yakasvika ikaisamo tumari tuviri tuduku.
43 Calling his disciples, he said, "Truly, I tell you, this poor widow put in more than all who put into the offering box. Jesu akadana vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndinokuudzai chokwadi, chirikadzi murombo iyi yaisa mari zhinji muchivigiro kupfuura vamwe vose.
44 For they all gave from their surplus, but she gave from her poverty—all she had, her whole livelihood." Vose vapa kubva paupfumi hwavo; asi chirikadzi iyi yapa, ichitora pakushayiwa kwayo, yaisa zvose zvayanga ichifanira kurarama nazvo.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]