Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 11 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Nearing Jerusalem, at Bethphage and Bethany by the Mount of Olives, Jesus sent two of his disciples ahead, Pavakanga vava kusvika kuJerusarema uye vasvika kuBhetifage neBhetani paGomo reMiorivhi, Jesu akatuma vaviri vavadzidzi vake,
2 telling them, "Go into the village ahead of you, and as soon as you enter it, you'll find a tied colt no one has ever ridden. Untie it and bring it here." achiti kwavari, “Endai mumusha wakatarisana nemi. Pamunongopinda mauri, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu, akasungirirwa ipapo. Mumusunungure mugouya naye pano.
3 If anyone asks you, 'Why are you doing this?' say, 'The Lord needs it and will send it back here at once.' Kana mukabvunzwa nomunhu kuti, ‘Seiko muchiita izvi?’ muti kwaari, ‘Ishe anomuda uye achamudzosa pano nokukurumidza.’ ”
4 They went and found a colt tied at a doorway outside in the street, and untied it. Vakaenda vakandowana mwana wembongoro ari kunze munzira yomumusha, akasungirirwa pamukova. Pavakamusunungura,
5 Some of those standing there asked them, "What are you doing, untying that colt?" vamwe vanhu vakanga vamirepo vakabvunza vakati, “Muri kuitei, muchisunungura mwana wembongoro uyo?”
6 They answered as Jesus had told them, and the people let them go. Vakapindura sezvavakanga vaudzwa naJesu, uye vanhu vakavarega vachienda.
7 They brought the colt to Jesus and threw their cloaks over it, and he sat on it. Vakauya nembongoro iyi kuna Jesu vakakanda majasi avo pamusoro payo, iye akagara pairi.
8 Many spread their cloaks on the road; others spread leafy branches cut from the fields. Vanhu vazhinji vakawaridza majasi avo mumigwagwa, vamwe vakawaridza matavi avakanga vatema musango.
9 Those who went ahead and those who followed were shouting, "Hosanna! Blessed is he who comes in the name of our Father! Vakanga vari mberi navaya vaitevera vakadanidzira vachiti: “Hosana!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!”
10 Blessed is the coming kingdom of our father David! Hosanna in the highest!" “Hwakaropafadzwa umambo hunouya, hwababa vedu Dhavhidhi!” “Hosana kumusoro-soro!”
11 Jesus entered Jerusalem and the temple, looked around at everything, and—since it was already late—went out to Bethany with the Twelve. Jesu akapinda muJerusarema uye akaenda kutemberi. Akatarisa-tarisa zvinhu zvose, asi sezvo kwakanga kwadoka, akabuda akaenda kuBhetani navane gumi navaviri.
12 The next day, as they were leaving Bethany, Jesus was hungry. Fume mangwana pavakanga vobva kuBhetani, Jesu akanzwa nzara.
13 Seeing a leafy fig tree in the distance, he went to see if it had anything on it. Reaching it, he found nothing but leaves, since it wasn't fig season. Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde.
14 Then he told it, "May no one ever eat fruit from you again." His disciples heard him say it. Ipapo akati kumuti, “Ngakurege kuva nomunhu anodya muchero paurizve.” Vadzidzi vake vakamunzwa achidaro.
15 They arrived in Jerusalem, and Jesus entered the temple and began driving out the sellers and buyers there. He overturned the money-changers' tables and the seats of those selling doves, Paakasvika muJerusarema, Jesu akapinda mutemberi akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitenga nokutengeserana imomo. Akapidigura tafura dzevaitsinhana mari nezvigaro zvevaitengesa njiva,
16 and he would not allow anyone to carry merchandise through the temple courts. uye haana kutendera munhu kutakura zvaitengeswa achipinda nomuchivanze chete mberi.
17 And he taught them, saying, "Isn't it written: 'My house will be called a house of prayer for all the nations'? But you've made it a den of robbers." Uye akavadzidzisa achiti, “Ko, hazvina kunyorwa here kuti: “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose’? Asi imi maiita ‘bako ramakororo.’ ”
18 The chief priests and scribes heard this and sought a way to destroy him, for they feared him, since the whole crowd was amazed at his teaching. Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakazvinzwa ndokubva vatanga kutsvaka nzira yokumuuraya nayo, nokuti vaimutya, nokuti vanhu vazhinji vose vaishamiswa nedzidziso yake.
19 And when evening came, they went out of the city. Madekwana akati asvika, vakaenda kunze kweguta.
20 In the morning, as they passed by, they saw the fig tree withered from its roots. Mangwanani, pavakanga vachifamba, vakaona muonde wakaoma kubva kumidzi.
21 Peter remembered and said to him, "Rabbi, look! The fig tree you cursed has withered." Petro akarangarira akati kuna Jesu, “Rabhi, tarirai! Muonde wamakatuka waoma!”
22 Jesus answered them, "Have faith in our Father. Jesu akapindura akati, “Ivai nokutenda muna Mwari.
23 Truly I tell you, whoever tells this mountain, 'Be lifted up and thrown into the sea,' without doubting in his heart but believing what he says will happen—it will be done for him. Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akati kugomo iri, ‘Enda, uzvikande mugungwa,’ uye asingakahadziki nazvo mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaareva zvichaitika, achazviitirwa.
24 So I tell you: whatever you pray and ask for, believe you've received it - it will be yours. Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu.
25 When you stand praying, forgive whatever you hold against anyone, so your Father in heaven may also forgive you your sins." Uye paunomira uchinyengetera, kana mumwe munhu akakutadzira, muregerere, kuitira kuti Baba vako vari kudenga vagokuregerera zvivi zvako.
26 Not in this edition Asi kana usingaregereri, Baba vako vari kudenga havazoregereri zvivi zvako.”
27 They returned to Jerusalem. While Jesus walked in the temple, the chief priests, scribes, and elders came to him, Vakasvikazve muJerusarema, uye Jesu paaifamba mutemberi, vaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro navakuru vakauya kwaari.
28 and asked, "By what authority are you doing this? Or who gave you this authority to do it?" Vakati, “Unoita zvinhu izvi nesimba ripiko? Uye ndiani akakupa simba rokuita izvi?”
29 Jesus said to them, "I'll ask you one question. Answer me, and I'll tell you by what authority I do these things. Jesu akapindura akati, “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Ndipindurei, ndigokuudzai simba randinoita naro zvinhu izvi.
30 John's baptism—was it from heaven, or of human origin? Answer me." Rubhabhatidzo rwaJohani, rwakabva kudenga kana kuti kuvanhu? Ndiudzei!”
31 They discussed it among themselves: "If we say, 'From heaven,' he'll ask, 'Then why didn't you believe him?' Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ achati, ‘Zvino makaregereiko kumutenda?’
32 But if we say, 'From humans'"—they feared the crowd, since all considered John a true prophet. Asi kana tikati kuvanhu…” (Vakanga vachitya vanhu, nokuti vanhu vose vaitenda kuti Johani akanga ari muprofita zvechokwadi.)
33 They answered Jesus, "We don't know." Jesus said, "Neither will I tell you by what authority I do these things." Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Jesu akati, “Neniwo handikuudzei simba randinoita naro zvinhu izvi.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]