Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 10 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 He left there for the region of Judea and beyond the Jordan; crowds gathered to him again, and as usual he taught them once more. Uye Jesu akabva panzvimbo iyoyo akaenda munyika yeJudhea uye akayambuka mhiri kweJorodhani. Vanhu vazhinji vakauyazve kwaari, uye sezvayakanga iri tsika yake, akavadzidzisa.
2 Some Pharisees came to test him, asking, "Is it lawful for a man to divorce his wife?" Vamwe vaFarisi vakauya vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinotenderwa here kuti munhu arambe mukadzi wake?”
3 He answered them, "What did Moses command you?" Iye akati, “Mozisi akakurayirai kuti kudiniko?”
4 They said, "Moses permitted a man to write a certificate of divorce and send her away." Ivo vakati, “Mozisi akatendera murume kuti anyore tsamba yokurambana uye agomuendesa.”
5 Jesus told them, "He wrote you this command because your hearts were hard. Jesu akapindura akati, “Nokuti mwoyo yenyu yakanga iri mikukutu, Mozisi akakunyorerai murayiro uyu.
6 But from the beginning of creation, our Father made them male and female. Asi kubvira kumavambo okusikwa kwezvinhu, Mwari ‘akavaita murume nomukadzi.’
7 'For this reason a man will leave his father and mother and be joined to his wife, Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba vake namai vake uye agonamatira kumukadzi wake,
8 and the two will become one flesh.' So they are no longer two, but one flesh. uye vaviri ava vachava nyama imwe. Saka havachisiri vaviri, asi nyama imwe.
9 Therefore what our Father has joined together, let no one separate." Naizvozvo izvo zvabatanidzwa naMwari, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”
10 Back in the house, the disciples asked him about this again. Vakati vapindazve mumba, vadzidzi vakabvunza Jesu pamusoro paizvozvi.
11 He said to them, "Whoever divorces his wife and marries another commits adultery against her, Akapindura akati, “Ani naani anoramba mukadzi wake uye akawana mumwe mukadzi, ava kuita upombwe naye.
12 and if she divorces her husband and marries another, she commits adultery." Uye kana iye akarambawo murume wake uye akawanikwa nomumwe murume, anoita upombwe naye.”
13 People were bringing children to him so that he might touch them, but the disciples rebuked them. Vanhu vakanga vachiuya navana vaduku kuna Jesu kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura.
14 When Jesus saw this, he grew angry and said, "Let the children come to me; don't stop them, for the kingdom of our Father belongs to such as these. Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai.
15 Truly I tell you, whoever doesn't receive our Father's kingdom like a child will never enter it." Ndinokuudzai chokwadi, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.”
16 And he took them in his arms and blessed them, laying his hands on them. Ipapo akatora vana akavafungatira mumaoko ake, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaropafadza.
17 As he started down the road, a man ran up, knelt before him, and asked, "Good Teacher, what must I do to inherit eternal life?" Jesu akati achifamba munzira, mumwe murume akamhanyira kwaari akawira pasi namabvi ake pamberi pake. Akabvunza akati, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”
18 Jesus asked, "Why call me good? No one is good except our Father alone. Jesu akapindura akati, “Unondiidzireiko akanaka? Hakuna munhu akanaka kunze kwaMwari oga.
19 You know the commandments: 'don't murder, commit adultery, steal, or give false testimony; don't defraud; honor your father and mother.'" Mirayiro unoiziva here inoti: ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.’ ”
20 He said to him, "Teacher, all these I have kept since my youth." Iye akati, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubvira ndichiri mukomana.”
21 Jesus looked at him and loved him. "One thing you lack: go, sell everything you own, give to the poor—you'll have treasure in heaven—then come follow me." Jesu akamutarira uye akamuda, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwe chete. Enda undotengesa zvinhu zvose zvaunazvo upe kuvarombo, ugova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya, unditevere.”
22 At this word his face fell, and he went away grieving, for he had many possessions. Anzwa izvi akasuwa kwazvo. Akaenda akasuwa, nokuti akanga ane pfuma zhinji.
23 Jesus looked around and told his disciples, "How hard it will be for the wealthy to enter the kingdom of our Father!" Jesu akatarira-tarira ndokuti kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!”
24 The disciples were amazed at his words. Jesus said to them again, "Children, how hard it is to enter the kingdom of our Father! Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akatizve, “Vana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari!
25 A camel goes through a needle's eye easier than a rich person enters our Father's kingdom." Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
26 They were even more astonished and said to one another, "Then who can be saved?" Vadzidzi vakanyanya kushamiswa, uye vakati pakati pavo, “Zvino ndianiko angaponeswa?”
27 Jesus looked at them and said, "With man, impossible; but not with our Father, for all things are possible with our Father." Jesu akatarisa kwavari akati, “Kumunhu hazvigoneki, asi kwete naMwari; zvinhu zvose zvinogoneka kuna Mwari.”
28 Peter began to say to him, "Look, we have left everything and followed you." Petro akati kwaari, “Isu takasiya zvinhu zvose kuti tikuteverei!”
29 Jesus said, "Truly I tell you, no one has left house or brothers or sisters or mother or father or children or fields for my sake and for the gospel, Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, hakuna munhu akasiya musha, kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana mai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri
30 "who won't receive a hundredfold now, in this time—houses, brothers, sisters, mothers, children, fields, with persecutions—and in the age to come, eternal life. achakundikana kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanunʼuna, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi.
31 But many who are first will be last, and the last first." Asi vazhinji vanova vokutanga ndivo vachava vokupedzisira, uye vokupedzisira vachava vokutanga.”
32 On the road up to Jerusalem, Jesus walked ahead of them. They were amazed, and those following were afraid. Taking the twelve aside again, he began telling them what was about to happen to him: Vakanga vari munzira vachikwidza kuenda kuJerusarema, Jesu achivatungamirira, uye vadzidzi vakakatyamara, asi vaya vakanga vachitevera vakanga vachitya. Akatorazve vane gumi navaviri vari voga uye akavaudza zvaizoitika kwaari.
33 "Look, we're going up to Jerusalem. The Son of Man will be handed over to the chief priests and scribes, who will condemn him to death and hand him over to the Gentiles. Akati, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achapandukirwa agoiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vachamuisa mumaoko eveDzimwe Ndudzi,
34 They will mock him, spit on him, flog him, and kill him; after three days he will rise." avo vachamuseka uye vagomupfira mate, vachamurova uye vagomuuraya. Shure kwamazuva matatu, achamuka.”
35 James and John, Zebedee's sons, came to him and said, "Teacher, we want you to do for us whatever we ask." Ipapo Jakobho naJohani vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire zvose zvose zvatinokumbira.”
36 He said to them, "What do you want me to do for you?" Akavabvunza akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”
37 They said to him, "Let us sit in your glory, one at your right, one at your left." Vakapindura vakati, “Titenderei kuti mumwe wedu agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.”
38 Jesus said to them, "You don't know what you're asking. Can you drink the cup I drink, or be baptized with the baptism I'm baptized with?" Jesu akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona here kunwa mukombe wandinonwa kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo?”
39 "We can," they said. Jesus said to them, "The cup I drink, you will drink; the baptism I'm baptized with, you will be baptized with, Vakapindura vakati, “Tinogona.” Jesu akati, “Muchanwa mukombe wandinonwa uye muchabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo,
40 but sitting at my right or left isn't mine to give - that's for those it's prepared for." asi zvokugara kuruoko rwangu rworudyi kana kuruboshwe handisini ndinozvipa. Nzvimbo idzi ndedzavaya vakadzigadzirirwa.”
41 Hearing this, the ten grew indignant at James and John. Vane gumi vakati vanzwa izvi, vakatsamwira Jakobho naJohani.
42 Jesus called them together and said, "You know that those regarded as rulers of the Gentiles dominate them, and their great ones wield power over them. Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi neveDzimwe Ndudzi vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo.
43 But it isn't so among you. Instead, whoever wants to be great among you must be your servant, Hazvina kudaro pakati penyu. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu,
44 and whoever wants to be first among you must be slave of all. uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yavose.
45 For even the Son of Man came not to be served, but to serve, and to give his life as a ransom for many." Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwavazhinji.”
46 They came to Jericho. As Jesus and his disciples were leaving with a large crowd, blind Bartimaeus son of Timaeus sat begging by the road. Ipapo vakasvika kuJeriko. Jesu navadzidzi vake, pamwe chete navanhu vazhinji, vakati vobuda muguta, Bhatimeo, murume akanga ari bofu, (ndiye mwanakomana waTimeo), akanga agere parutivi penzira achipemha.
47 Hearing it was Jesus of Nazareth, he began to cry out, "Jesus, Son of David, have mercy on me!" Paakanzwa kuti akanga ari Jesu weNazareta, akatanga kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
48 Many scolded him to be silent, but he shouted even louder, "Son of David, have mercy on me!" Vazhinji vakamutsiura uye vakamutaurira kuti anyarare, asi akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
49 Jesus stopped and said, "Call him." So they called the blind man: "Courage! Get up—he's calling you." Jesu akamira akati, “Mudanei.” Saka vakadana murume uya bofu vakati, “Tsunga mwoyo! Simuka! Anokudana.”
50 Throwing off his cloak, he jumped up and came to Jesus. Akakanda jasi rake parutivi, akakwakuka akauya kuna Jesu.
51 Jesus told him, "What do you want me to do for you?" The blind man told him, "Rabboni, let me see again." Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitirei?” Murume uya bofu akati, “Rabhi, ndinoda kuona.”
52 Jesus told him, "Go; your faith has healed you." At once he regained his sight and followed Jesus on the road. Jesu akati, “Enda hako, kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo meso ake akasvinudzwa uye akatevera Jesu munzira.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]