Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Mark 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 He said to them, "Truly I tell you: some standing here will not taste death before they see the kingdom of our Father come with power." Uye akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazoraviri rufu vasati vaona umambo hwaMwari huchisvika nesimba.”
2 Six days later Jesus took Peter, James, and John, and led them up a high mountain alone, and he was transfigured before them. Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo.
3 His clothes became radiant, dazzling white—whiter than anyone on earth could bleach them. Nguo dzake dzakapenya, dzikachena kupfuura zvingacheneswa nomunhu upi zvake munyika muno.
4 And Elijah appeared to them along with Moses, and they were talking with Jesus. Uye ipapo pakaonekwa pamberi pavo Eria naMozisi, uye vakanga vachitaurirana naJesu.
5 Peter said to Jesus, "Rabbi, it's good that we're here. Let's make three shelters—one for you, one for Moses, and one for Elijah." Petro akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.”
6 He did not know what to say, for they were terrified. Akashaya zvokutaura, nokuti vakanga votya zvikuru.
7 A cloud appeared and overshadowed them, and a voice came from the cloud: "This is my beloved Son. Listen to him!" Ipapo gore rakaonekwa rikavafukidza, uye inzwi rakabuda mugore rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda. Munzwei!”
8 Suddenly, when they looked around, they no longer saw anyone with them except Jesus. Pakarepo, vakatarisa kwose kwose, uye havana kuzoona munhu aripo navo kunze kwaJesu.
9 Coming down the mountain, he ordered them to tell no one what they'd seen until the Son of Man rose from the dead. Pavakanga vava kuburuka mugomo, Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu upi zvake zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana woMunhu amuka kubva kuvakafa.
10 So they kept the matter to themselves, questioning what rising from the dead could mean. Vakachengeta shoko iri pakati pavo, vachikurukurirana pamusoro pokuti, “kumuka kwavakafa” kunorevei.
11 And they asked him, "Why do the scribes say that Elijah must come first?" Uye vakamubvunza vakati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?”
12 He said, "Elijah does come first and restores everything. Then why is it written the Son of Man must suffer much and be treated with contempt? Jesu akapindura akati, “Kutaura chokwadi, Eria anofanira kutanga kuuya, uye agovandudza zvinhu zvose. Zvino kwakanyorerwei kuchinzi Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika zvikuru uye agorambwa?
13 But I tell you, Elijah has come, and they did to him whatever they pleased, as it is written about him." Asi ndinoti kwamuri, Eria akauya, uye vakaita kwaari zvinhu zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.”
14 Coming to the other disciples, they saw a large crowd around the disciples, and scribes arguing with them. Vakati vasvika kuna vamwe vadzidzi, vakaona vanhu vazhinji zhinji vakavakomberedza uye vadzidzisi vomurayiro vachiita nharo navo.
15 As soon as the whole crowd saw Jesus, they were astonished and ran to greet him. Vanhu vose pavakangoona Jesu, vakashamiswa zvikuru uye vakamhanya kundomukwazisa.
16 He asked them, "What are you arguing about with the scribes?" Akati, “Muri kuvabvunzeiko?”
17 Someone in the crowd answered him, "Teacher, I brought my son to you; he has a spirit that won't let him speak. Mumwe murume aiva pakati pavanhu vazhinji akapindura akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, akabatwa nomweya wakamupa umbeveve.
18 Whenever it seizes him, it throws him down. He foams at the mouth, grinds his teeth, and stiffens. I asked your disciples to drive it out, but they couldn't." Pose pose paunomubata, unomukanda pasi. Anopupuma furo pamuromo, worumanisa meno ake uye anobva aoma. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kugona kuzviita.”
19 He replied, "You unbelieving generation, how long must I stay with you? How long must I endure you? Bring him to me." Jesu akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai nomukomana kwandiri.”
20 They brought the boy to him. Seeing Jesus, the spirit instantly convulsed him; he fell to the ground, thrashing and foaming at the mouth. Saka vakauya naye. Mweya wakati uchiona Jesu, pakarepo wakawisira mukomana pasi ukamubvundisa. Akawira pasi akaumburuka, achipupuma furo pamuromo.
21 Jesus asked the boy's father, "How long has this been happening to him?" "From childhood," he said. Jesu akabvunza baba vomukomana akati, “Ane nguva yakadii achiita izvi?” Vakapindura vakati, “Kubva pauduku hwake.
22 "It has often thrown him into fire and water to destroy him. But if you can do anything, pity us and help us." Kazhinji unosimuwisira mumoto kana mumvura kuti umuuraye. Asi kana muchigona kuita chinhu, tinzwirei tsitsi mutibatsire.”
23 Jesus said to him, "'If you can'? Everything is possible for the one who believes." Jesu akati, “Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda.”
24 Immediately the boy's father cried, "I believe; help my unbelief!" Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, “Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!”
25 Seeing a crowd running together, Jesus rebuked the unclean spirit: "Mute and deaf spirit, I command you—come out of him and never enter him again!" Jesu akati aona kuti vanhu vazhinji vakanga vomhanyira panzvimbo iyo, akarayira mweya wakaipa akati, “Iwe mweya woumatsi nomweya woumbeveve, ndinokurayira, buda maari, uye usazopindazve maari.”
26 Crying out and convulsing him hard, it came out. He looked like a corpse, so many said, "He's dead." Mweya wakadanidzira, ukamubvundisa zvikuru uye ukabuda. Mukomana akaita sokunge chitunha zvokuti vazhinji vakati, “Afa.”
27 But Jesus took him by the hand and raised him up, and he stood. Asi Jesu akamubata noruoko akamumisa netsoka dzake, uye akakwanisa kumira.
28 When Jesus had gone indoors, his disciples asked him privately, "Why couldn't we drive it out?" Mushure mokunge Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Seiko isu takakundikana kuudzinga?”
29 He told them, "This kind can come out only by prayer." Akapindura achiti, “Rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera nokutsanya.”
30 They left there and passed through Galilee. Jesus did not want anyone to know where they were, Vakabva panzvimbo iyoyo vakapfuura nomuGarirea. Jesu akanga asingadi kuti zvizivikanwe nomunhu kuti vaiva kupi,
31 because he was teaching his disciples, telling them, "The Son of Man is being handed into human hands. They will kill him, and three days later he will rise." nokuti akanga achidzidzisa vadzidzi vake. Akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achazopandukirwa achiiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya, uye shure kwamazuva matatu achamuka.”
32 But they did not understand what he meant, and they were afraid to ask him. Asi havana kunzwisisa zvaakanga achireva uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.
33 They came to Capernaum. In the house he asked them, "What were you arguing about on the way?" Vakasvika kuKapenaume. Paakanga ari mumba, akavabvunza akati, “Manga muchikakavadzana pamusoro peiko munzira?”
34 But they were silent, since they had argued along the way about who was greatest. Asi vakanyarara nokuti vakanga vakakavadzana vari munzira pamusoro pokuti mukuru ndiani.
35 He sat down, called the Twelve, and told them, "Anyone who wants to be first must be last of all and servant of all." Agara pasi, Jesu akadana vane gumi navaviri akati, “Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva iye wokupedzisira, uye muranda wavose.”
36 He took a little child, stood him among them, took the child in his arms, and said to them: Akatora mwana muduku akamumisa pakati pavo. Akamubata mumaoko ake, akati kwavari,
37 "Whoever accepts one of these little children in my name accepts me; whoever accepts me accepts not me but the one who sent me." “Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku ava muzita rangu anogamuchira ini; uye ani naani anondigamuchira haagamuchiri ini asi iye akandituma.”
38 John said to him, "Teacher, we saw someone driving out demons in your name and tried to stop him, since he doesn't follow us." Johani akati, “Mudzidzisi, taona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu tikamudzivisa, nokuti anga asiri mumwe wedu.”
39 But Jesus said, "Don't stop him—no one who does a miracle in my name can soon speak evil of me. Jesu akati, “Musamudzivisa. Hakuna munhu anoita chishamiso muzita rangu angazotaura zvakaipa pamusoro pangu mushure maizvozvo,
40 For whoever is not against us is for us. nokuti ani naani asingarwisani nesu ndowedu.
41 Truly I tell you, whoever gives you a cup of water to drink because you belong to Christ will never lose his reward. Ndinokuudzai chokwadi, ani naani anokupai mukombe wemvura muzita rangu nokuda kwokuti muri vaKristu zvirokwazvo haangazorasikirwi nomubayiro wake.
42 Whoever trips up one of these little ones who believe in me—better for him to have a large millstone hung around his neck and be thrown into the sea. “Uye kana ani naani akaita kuti mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri atadze, zvingava nani kwaari kuti akandwe mugungwa akasungirirwa guyo guru mumutsipa make.
43 If your hand trips you up, cut it off. Better to enter life maimed than with two hands to go into hell, into the unquenchable fire. Kana ruoko rwako ruchikuita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema pano kuti upinde mugehena namaoko maviri, uko kune moto usingadzimwi,
44 Not in this edition umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi.
45 If your foot trips you up, cut it off. Better to enter life lame than be thrown into hell with two feet. Uye kana rutsoka rwako ruchiita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri,
46 Not in this edition umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi.
47 If your eye trips you up, throw it out. Better to enter the kingdom of our Father with one eye than be thrown into hell with two, Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena,
48 where 'their worm never dies and the fire never goes out.' uko “ ‘kusingafi honye dzavo uye moto wacho usingadzimwi.’
49 For everyone will be salted with fire. Munhu wose acharungwa nomoto.
50 Salt is good, but if it loses its saltiness, how can you season it again? Keep salt among yourselves, and be at peace with each other." “Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]