Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses: Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "If anyone sins, unfaithful to your Father, by deceiving his neighbor about a deposit, a pledge, or stolen goods, or by cheating him, “Kana mumwe akatadza uye akasavimbika kuna Jehovha nokunyengedza muvakidzani wake pazvinhu zvaakachengeteswa, kana zvaakabatiswa kana zvakabiwa, kana kuti akamubiridzira,
3 or if he finds lost property and lies about it, swearing falsely—any such act by which a person sins. kana kuti akawana nhumbi dzakarasika akareva nhema pamusoro padzo, kana kuti akapika nhema kana kuti akaita chivi chipi zvacho chingaitwa navanhu,
4 When he sins and is guilty, he must return what he stole, or extorted, or the deposit entrusted to him, or the lost item he found, kana akatadza kudaro akava nemhosva, anofanira kudzosa zvaakaba kana zvaakatora nokumanikidza, kana kuti zvaakachengeteswa kana kuti zvakarasika zvaakawana,
5 or whatever he swore falsely about, he must repay it in full, add a fifth to it, and give it to its owner on the day he admits his guilt. kana kuti chipi zvacho chaakapupura nhema pamusoro pacho. Anofanira kudzorera zvakazara owedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu pazviri agopa zvose kumuridzi pazuva raanouya nechipiriso chemhosva.
6 He must bring his guilt offering to your Father: a ram without defect from the flock, at your valuation, as a guilt offering, to the priest. Somuripo anofanira kuuyisa kumuprista, ndiko kuti kuna Jehovha, chipiriso chake chemhosva chegondobwe, kubva mumakwai, risina kuremara uye rine mutengo unokwanirana.
7 The priest will atone for him before your Father, and he'll be forgiven for whatever he did that made him guilty." Nenzira iyi muprista achamuyananisira pamberi paJehovha uye acharegererwa pane zvose zvaakaita zvakamuita kuti ave nemhosva.”
8 Then our Father spoke to Moses: Jehovha akati kuna Mozisi,
9 "Command Aaron and his sons: This is the law for the burnt offering. It stays on the altar's hearth all night until morning, and the altar fire must keep burning on it. “Ipa Aroni navanakomana vake murayiro uyu uti, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chinopiswa: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuramba chiri pachoto paaritari usiku hwose, kusvikira mangwanani, uye moto unofanira kuramba uchibvira paaritari.
10 The priest is to wear his linen garment, with linen undergarments against his skin, then remove the ashes left after the fire consumes the burnt offering on the altar, and place them beside the altar. Ipapo muprista achapfeka hanzu dzake dzomucheka, nebhurukwa rake romucheka pamuviri wake, uye achabvisa madota echipiriso chinopiswa nomoto paaritari agoaisa parutivi pearitari.
11 Then he removes his garments, puts on others, and carries the ashes outside the camp to a clean place. Ipapo anofanira kubvisa nguo idzi ogopfeka dzimwe, uye ogotakura madota aya agoenda nawo kunze kwomusasa kunzvimbo yakacheneswa.
12 The altar fire must keep burning; it must not go out. Every morning the priest adds wood on it, arranges the burnt offering on it, and burns the fat of the peace offerings on it. Moto uri paaritari unofanira kuramba uchibvira, haufaniri kudzima. Mangwanani oga oga muprista anofanira kuwedzera huni agoronga chipiriso chinopiswa pamoto, agopisa mafuta ezvipiriso zvokuwadzana pairi.
13 The fire must be kept burning on the altar continually; it must not go out. Moto unofanira kuramba uchibvira paaritari nguva dzose; uye haufaniri kudzima.
14 "This is the law of the grain offering: Aaron's sons must bring it before your Father, in front of the altar. “ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chezviyo: Vanakomana vaAroni vanofanira kuuya nacho pamberi paJehovha, pamberi pearitari.
15 The priest takes a handful of the grain offering's fine flour and oil, with all its frankincense, and burns this memorial portion on the altar as a pleasing aroma to your Father. Muprista anofanira kutora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuhwira zvose pachipiriso chezviyo agopisa chikamu chechirangaridzo paaritari sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
16 Aaron and his sons eat what remains; it must be eaten without yeast in a holy place, eaten in the courtyard of the tent of meeting. Aroni navanakomana vake vachadya zvinosara zvacho, asi zvinofanira kudyiwa zvisina mbiriso panzvimbo tsvene, vanofanira kuzvidyira muchivanze cheTende Rokusangana.
17 Do not bake it with yeast. I've given it as their share of my food offerings, like the sin and guilt offerings; it is most holy. Hazvifaniri kubikwa nembiriso, ndazvipa kwavari sechikamu chezvibayiro zvinoitwa kwandiri nomoto. Sechipiriso chezvivi nechipiriso chemhosva, zvitsvene-tsvene.
18 Every male of Aaron's descendants may eat it—a lasting portion through your generations from your Father's food offerings. Whatever touches them becomes holy." Munhurume wose wechizvarwa chaAroni anogona kuzvidya. Chikamu chake chaanofanira kugara achiwana pazvipiriso zvinopiwa kuna Jehovha nomoto kuzvizvarwa zvichatevera. Munhu wose achabata izvi achava mutsvene.’ ”
19 Our Father said to Moses: Uye Jehovha akati kuna Mozisi,
20 "This is Aaron and his sons' offering to your Father on the day he is anointed: about two quarts of fine flour as a regular grain offering, half in the morning, half in the evening. “Ichi ndicho chibayiro chaAroni navanakomana vake chavanofanira kuuyisa kuna Jehovha pazuva raanozodzwa: chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka sechipiriso chezviyo chamazuva ose, hafu yacho mangwanani neimwe hafu manheru.
21 Prepare it with oil on a griddle, bring it well-kneaded, present the grain offering in broken pieces—a pleasing aroma to your Father. Zvibikei namafuta mugango. Muuye nazvo zvakasanganiswa zvakanaka, mugouya nechipiriso chezviyo chakamedurwa-medurwa sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
22 The anointed priest who succeeds him from among his sons must prepare it—a lasting decree before your Father: it must be burned completely. Mwanakomana achamutevera somuprista akazodzwa achazvigadzira. Chikamu chamazuva ose chaJehovha uye chinofanira kupiswa chose.
23 Every grain offering of a priest is to be burned completely; it must not be eaten." Zvose zvipiriso zvezviyo zvomuprista zvichapiswa chose, hazvifaniri kudyiwa.”
24 Again our Father spoke to Moses: Jehovha akati kuna Mozisi,
25 "Tell Aaron and his sons: this is the law of the sin offering: slaughter it before your Father, where the burnt offering is slaughtered; it is most holy. “Uti kuna Aroni navanakomana vake, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chechivi. Chipiriso chechivi chinofanira kubayiwa pamberi paJehovha panzvimbo inobayirwa chipiriso chinopiswa; chitsvene-tsvene.
26 The priest who offers it for sin must eat it; it must be eaten in a holy place, in the tent of meeting's courtyard. Muprista anopa izvozvo achazvidya; zvinofanira kudyirwa panzvimbo tsvene muchivanze cheTende Rokusangana.
27 Whatever touches its flesh becomes holy. If its blood spatters a garment, wash the spattered spot in a holy place. Chose chinogunzva nyama chichava chitsvene, uye kana rimwe ropa rikawira panguo, unofanira kuisukira panzvimbo tsvene.
28 The clay pot it is boiled in must be broken; if boiled in a bronze pot, it must be scoured and rinsed with water. Hari yevhu inobikirwa nyama inofanira kuputswa; asi kana zvikabikwa mupoto yendarira, poto inofanira kukweshwa igosukurudzwa nemvura.
29 Every male among the priests may eat it; it is most holy. Murume wose ari mumhuri yomuprista anogona kuidya; itsvene-tsvene.
30 No sin offering whose blood is brought into the tent of meeting to atone in the Holy Place may be eaten; it must be burned with fire." Asi chipiriso chechivi, chipi nechipi chine ropa richauyiswa muTende Rokusangana kuti rizoyananisira muNzvimbo Tsvene, hachifaniri kudyiwa; chinofanira kupiswa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]