Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "If anyone sins by hearing a public call to testify, and is a witness, having seen or known, yet stays silent, he bears his guilt. “ ‘Kana munhu akatadza nokuti aramba kupa uchapupu iye achinzi ape uchapupu pamusoro pezvaakaona kana zvaakanzwa, achava nemhosva.
2 "Or if someone unknowingly touches any unclean thing, or a carcass—unclean wild animal, unclean livestock, or unclean swarming creature—he becomes unclean and guilty. “ ‘Kana kuti munhu akabata zvinhu zvipi zvazvo zvisina kuchena, zvingava zvitunha zvemhuka dzesango dzisina kuchena, kana mombe isina kuchena, kana zvipuka zvisina kuchena zvinofamba pavhu, kunyange asingazvizivi, atova asina kuchena uye ane mhosva.
3 "Or if he touches human impurity—any impurity that makes one unclean—unknowingly, then learns of it, he is guilty. “ ‘Kana kuti akabata zvisakachena zvavanhu, chinhu chipi zvacho chinoita kuti asava akachena, kunyange asingazvizivi, paanozozviziva, achava nemhosva.
4 "Or if anyone rashly swears an oath to do evil or good—whatever people rashly swear—and it's hidden from him, when he realizes it, he's guilty in any of these. “ ‘Kana kuti munhu asina kunyatsofungisisa akaita mhiko yokuti achaita chimwe chinhu, chingava chakanaka kana chakaipa, panyaya ipi zvayo, munhu yaanenge apika pamusoro payo asina kufungisisa, kunyange zvazvo asingazvizivi, paanozozviziva achava nemhosva.
5 When anyone is guilty in any of these matters, he must confess the sin he has committed. “ ‘Kana munhu akava nemhosva pane chimwe chaizvozvi anofanira kureurura nzira yaakatadza nayo
6 He must bring our Father a penalty offering for the sin he committed—a female from the flock, a lamb or goat—as a sin offering; the priest will atone for his sin. uye somuripo wechivi chaakaita, anofanira kuuya kuna Jehovha negwayana sheshe kana mbudzana sechipiriso chechivi uye muprista achamuyananisira chivi chake.
7 "If he can't afford a lamb, he must bring our Father two turtledoves or two young pigeons as penalty for his sin—one as a sin offering, the other as a burnt offering. “ ‘Kana asingakwanisi kuuya negwayana anofanira kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri kuna Jehovha somuripo wechivi chake, imwe somuripo wechivi, imwe sechipiriso chinopiswa.
8 He brings them to the priest, who presents the sin offering first, wringing its head at the neck without separating it. Anofanira kudziuyisa kumuprista uyo achatanga kupa imwe yacho sechipiriso chechivi. Anofanira kumonyorora mutsipa wayo asingabvisi musoro zvachose.
9 He sprinkles some blood from the sin offering on the altar's side; the rest drains at its base. It is a sin offering. Achasasa rimwe ropa rechipiriso chezvivi kumativi earitari, rimwe ropa rose rinofanira kudururwa mujinga mearitari. Ichi chipiriso chechivi.
10 The second bird he offers as a burnt offering, per the rule. The priest atones for his sin, and he is forgiven. Ipapo muprista achapa chimwe chacho sechipiriso chinopiswa nenzira yakatarwa agomuyananisira pachivi chaakaita, uye acharegererwa.
11 "But if he cannot afford two doves or two young pigeons, he must bring two quarts of fine flour as his sin offering—no oil or incense on it, for it is a sin offering. “ ‘Asi, kana asingakwanisi kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri, anofanira kuuya nechipiriso chezvivi zvake chiri chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka sechipiriso chezvivi. Haafaniri kuisa mafuta kana zvinonhuhwira pazviri nokuti chipiriso chechivi.
12 He must bring it to the priest, who takes a handful as its memorial portion and burns it on the altar atop our Father's fire offerings. It is a sin offering. Anofanira kuzviuyisa kumuprista uyo achatora tsama sechikamu chechirangaridzo agozvipisa paaritari pamusoro pezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto. Ichi chipiriso chezvivi.
13 The priest will atone for him for any of these sins he committed, and he'll be forgiven; the rest belongs to the priest, like the grain offering." Nenzira iyi muprista achamuyananisira pazvivi zvose zvaakaita uye acharegererwa. Zvimwe zvose zvezvipiriso zvinosara zvichava zvomuprista, sezvinoitwa nezvipiriso zvezviyo.’ ”
14 Then our Father said to Moses, Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi:
15 "If anyone is unfaithful and sins unintentionally against any of our Father's holy things, he must bring our Father a ram without defect from the flock as his guilt offering, valued in silver by weight by the sanctuary standard—a guilt offering. “Kana munhu akakanganisa chimwe chinhu uye akatadza nokusaziva maererano nezvinhu zvose zvitsvene zvaJehovha, anofanira kuuya kuna Jehovha nomuripo wegondobwe risina kuremara, uye rine muripo unokwanirana nesirivha, maererano neshekeri repanzvimbo tsvene. Ichi chipiriso chezvivi.
16 He must repay for the holy thing he sinned against, adding a fifth, and give it to the priest. The priest will atone for him with the guilt-offering ram, and he'll be forgiven. Anofanira kuripira zvaakatadza kuita maererano nezvinhu zvitsvene, agowedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu agopa zvose kumuprista, achamuyananisira negondobwe sechipiriso chemhosva, uye acharegererwa.
17 "If anyone sins, doing what our Father commanded not to be done, even unknowingly, he is guilty and bears his wrongdoing. “Kana munhu akatadza uye akaita zvisingabvumirwi pamirayiro ipi zvayo yaJehovha, kunyange asingazvizivi, ane mhosva uye achava nemhaka.
18 He must bring the priest a flawless ram from the flock, at the assessed value, as a guilt offering; the priest will atone for his unwitting sin, and he'll be forgiven. Anofanira kuuya kumuprista nechipiriso chemhosva gondobwe risina kuremara uye rine muripo wakafanira. Nenzira iyi muprista achamuyananisira pakukanganisa kwaakaita nokusaziva, uye acharegererwa.
19 It is a guilt offering; he was certainly guilty before our Father." Ichi chipiriso chezvivi, akabatwa nemhosva yaakapara kuna Jehovha.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]