Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "This is the law of the guilt offering. It is most holy. “ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chemhosva chitsvene-tsvene.
2 Where they slaughter the burnt offering, they must slaughter the guilt offering; splatter its blood on all sides of the altar. Chipiriso chemhosva chinofanira kubayirwa panzvimbo panobayirwa chipiriso chinopiswa uye ropa racho rinofanira kusaswa paaritari kumativi ose.
3 All its fat is offered: the fat tail and fat covering the inner organs, Mafuta acho ose achapiswa sechipiriso, chimuswe chakakora namafuta akafukidza zvomukati,
4 the two kidneys and their fat at the loins, and the liver's long lobe, removed with the kidneys. itsvo mbiri namafuta ari padziri pedyo nechiuno, uye zvakafukidza chiropa, zvinofanira kubviswa pamwe chete neitsvo.
5 The priest burns them on the altar as a food offering to our Father; a guilt offering. Muprista anofanira kuzvipisa paaritari sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Ichi chipiriso chemhosva.
6 Any male priest may eat it, eaten only in a holy place; it is most holy. Munhurume upi zvake weimba yomuprista angachidya, asi chinofanira kudyirwa munzvimbo tsvene; chitsvene-tsvene.
7 "The sin offering and guilt offering share one law: it belongs to the priest who makes atonement with it. “ ‘Chipiriso chemhosva chinofanira kuitwa sezvinoitwa nechipiriso chezvivi: ndechomuprista anoyananisira nazvo.
8 The priest who offers anyone's burnt offering keeps its hide for himself. Muprista anopisa chipiriso chinopiswa chomunhu upi zvake anogona kuzvichengetera dehwe racho.
9 Any grain offering baked in an oven, and all made in a pan or on a griddle, belongs to the priest who offers it. Zvipiriso zvose zvezviyo zvinobikwa muchitofu kana zvinobikwa mugango kana muhari ndezvomuprista anozvipa,
10 Every grain offering, mixed with oil or dry, belongs equally to all Aaron's sons. uye zvipiriso zvose zvezviyo zvingava zvakasangana namafuta kana zvakaoma, ndezvavanakomana vaAroni, mumwe nomumwe, zvakamuringana.
11 "This is the law of the sacrifice of peace offerings that anyone may bring to our Father. “ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chokuwadzana, chinogona kupiwa nomunhu kuna Jehovha.
12 If he presents it as a thank offering, with it he must offer unleavened cakes mixed with oil, unleavened wafers coated with oil, and cakes of fine flour well kneaded and mixed with oil. “ ‘Kana akachipa sechiratidzo chokuvonga ipapo pamwe chete nechipiriso chokuvonga ichi, anofanira kupa makeke echingwa chakabikwa chisina mbiriso, chakaiswa mafuta, makeke matete akabikwa pasina mbiriso, akazorwa mafuta, namakeke oupfu hwakatsetseka akanyatsokanywa akaiswa mafuta.
13 He must bring loaves of leavened bread with his thanksgiving sacrifice of peace offerings. Pamwe chete nechipiriso chake chokuwadzana chokuvonga anofanira kupa chipiriso chamakeke akabikwa nembiriso.
14 From it he must give one of each as a contribution to our Father; it belongs to the priest who spatters the blood of the peace offerings. Anofanira kuuya nemhando imwe neimwe sechipiriso, chikamu chinopiwa kuna Jehovha; ndezvomuprista anosasa ropa nezvipiriso zvokuwadzana.
15 The meat of his thanksgiving peace offerings must be eaten the day it's offered; none of it may remain until morning. Nyama yechipiriso chake chokuwadzana chokuvonga inofanira kudyiwa musi wainopiwa. Haafaniri kusiya imwe kusvikira mangwanani.
16 "If his offering is a vow or voluntary sacrifice, it must be eaten the day he offers it; what remains may be eaten the next day. “ ‘Kana chipiriso chake chiri chemhiko kana kuti chiri chipiriso chokungopawo, chibayiro ichocho chichadyiwa musi wachinopiwa, asi chinhu chose chinosara chinogona kudyiwa musi unotevera.
17 But any sacrifice flesh remaining on the third day must be burned in fire. Nyama yose yechibayiro inosara kusvikira zuva rechitatu inofanira kupiswa.
18 If any of his peace offering's meat is eaten on the third day, it won't be accepted, it won't count for the offerer—it's tainted, and whoever eats it bears his guilt. Kana nyama yechipiriso chokuwadzana ikadyiwa nomusi wechitatu haizogamuchirwi. Hazvigamuchirwi panzvimbo yomunhu anenge azvipa nokuti hazvina kuchena, munhu achadya chikamu chipi chazvo achava nemhosva yacho.
19 "Flesh that touches anything unclean must not be eaten—burn that flesh in fire. But other flesh: anyone clean may eat it. “ ‘Nyama inogunzva chisina kucheneswa haifaniri kudyiwa, inofanira kupiswa. Kana iri imwe nyama, munhu wose akacheneswa anogona kuidya.
20 Anyone who eats meat of our Father's peace offering while unclean will be cut off from his people. Asi kana munhu asina kuchena akadya nyama iyi yokuwadzana yaJehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
21 Whoever touches anything unclean—human impurity, an unclean animal, or any unclean, detestable thing—then eats meat from our Father's peace offering, that person will be cut off from his people." Kana munhu akabata chinhu chisina kuchena, kunyange kusachena kwavanhu, kana mhuka isina kuchena, kana chose chisina kuchena, chinhu chinonyangadza, uye akazodya nyama ipi yechipiriso chokuwadzana chaJehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ”
22 Our Father spoke to Moses: Jehovha akati kuna Mozisi,
23 "Tell the people of Israel: Do not eat any fat from ox, sheep, or goat. “Uti kuvana veIsraeri, ‘Musadya mafuta api zvawo emombe, makwai kana mbudzi.
24 Fat from a carcass or animal mauled by a predator may serve any purpose, but never eat it. Mafuta echipfuwo chinenge chawanikwa chakafa kana chabvamburwa nezvikara zvesango anogona kushandiswa pana mamwe mabasa asi hamufaniri kuadya.
25 Anyone who eats fat from an animal offered to me by fire will be cut off from his people. Munhu wose anodya mafuta emhuka inoitwa nayo chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
26 You must not eat any blood at all, from bird or animal, wherever you live. Kwose kwose kwamunogara hamufaniri kudya ropa reshiri kana mhuka ipi zvayo.
27 Anyone who eats any blood will be cut off from his people." Kana munhu upi zvake akadya ropa, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ”
28 Our Father spoke to Moses: Jehovha akati kuna Mozisi,
29 "Speak to the Israelites: Whoever presents his peace offering to me must bring his offering to me from that sacrifice. “Uti kuvana veIsraeri, ‘Munhu wose anouya nechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha anofanira kuuya nechikamu chacho sechibayiro kuna Jehovha.
30 With his hands he must bring my food offerings; the fat with the breast he must bring, to wave the breast as a wave offering before me. Namaoko ake anofanira kuuya nechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, anofanira kuuya namafuta pamwe chete nechityu, agoninira chityu kuna Jehovha sechipiriso chokuninira.
31 The priest burns the fat on the altar; the breast belongs to Aaron and his sons. Muprista achapisa mafuta paaritari, asi chityu ndechaAroni navanakomana vake.
32 You are to give the right thigh to the priest as a contribution from your peace offerings. Munofanira kupa bandauko rorudyi pazvipiriso zvenyu zvokuwadzana kumuprista somugove wakewo.
33 Whichever son of Aaron offers the peace offering's blood and fat gets the right thigh as his portion. Mwanakomana waAroni anopa ropa namafuta echipiriso chokuwadzana achatora bandauko rokurudyi somugove wake.
34 For I have taken the breast of the wave offering and thigh of the contribution from Israel's peace offerings, and given them to Aaron the priest and his sons as a permanent share from Israel." Kubva kuzvipiriso zvokuwadzana zvavana veIsraeri ndatora chityu chinoninirwa nebandauko rinouyiswa ndikazvipa kuna Aroni muprista navanakomana vake somugove wavo wavanofanira kugara vachiwana kubva kuvaIsraeri.’ ”
35 This is Aaron and his sons' portion from our Father's food offerings, from the day they were presented to serve our Father as priests. Uyu ndiwo mugove wezvibayiro zvinoitirwa Jehovha nomoto zvakapiwa kuna Aroni navanakomana vake pazuva ravakagadzwa kuti vashumire Jehovha savaprista.
36 Our Father commanded this be given them from the Israelites, the day he anointed them—a permanent share for all their generations. Pazuva ravakazodzwa, Jehovha akarayira kuti vaIsraeri vape izvi kwavari somugove wavanofanira kugara vachiwana kuzvizvarwa zvichatevera.
37 This is the law for burnt offerings, grain offerings, sin offerings, guilt offerings, ordination offerings, and peace offerings, Zvino iyi ndiyo mirayiro yezvipiriso zvinopiswa, chipiriso chezviyo, chipiriso chechivi, chipiriso chemhosva, chipiriso chokugadzwa nechipiriso chokuwadzana,
38 which our Father commanded Moses on Mount Sinai, the day he commanded the people of Israel to bring their offerings to our Father in the Wilderness of Sinai. zvakapiwa Mozisi naJehovha paGomo reSinai pazuva raakarayira vaIsraeri kuti vauye nezvipiriso kuna Jehovha muGwenga reSinai.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]