Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 8 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses: Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Take Aaron and his sons with him, the garments, the anointing oil, the bull of the sin offering, the two rams, and the basket of yeast-free bread, “Uya naAroni navanakomana vake, nguo dzavo, mafuta okuzodza nawo, hando yechipiriso chechivi, makondobwe maviri nedengu rine chingwa chisina mbiriso,
3 and assemble the whole congregation at the entrance of the tent of meeting." ugounganidza ungano yose pamusuo weTende Rokusangana.”
4 Moses did as our Father commanded him; the assembly gathered at the entrance of the tent of meeting. Mozisi akaita sezvaakaudzwa naJehovha, uye ungano ikaungana pamusuo weTende Rokusangana.
5 And Moses said to the congregation, "This is what our Father has commanded to be done." Mozisi akati kuungano, “Izvi ndizvo zvarayirwa naJehovha kuti zviitwe.”
6 Then Moses brought Aaron and his sons forward and washed them with water. Ipapo Mozisi akauya naAroni navanakomana vake mberi akavashambidza nemvura.
7 He put the tunic on Aaron, tied the sash around him, dressed him in the robe, put the ephod on him, tied the ephod's skillfully woven band around him, and fastened it to him. Akapfekedza Aroni nguo akamusunga bhanhire, akamupfekedza jasi, uye akamupfekedza efodhi. Akasungirirawo efodhi paari nendaza yakanga yakasonwa nounyanzvi; saka yakasungirirwa paari.
8 He placed the breastpiece on him, and in the breastpiece he put the Urim and the Thummim. Akaisa chidzitiro chepachipfuva paari uye akaisa Urimi neTumimi pachidzitiro chepachipfuva.
9 He set the turban on Aaron's head, and on its front he set the gold plate, the holy crown, as our Father commanded Moses. Ipapo akaisa nguwani pamusoro waAroni, nechemberi akaisa hwendefa regoridhe, iyo korona tsvene, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
10 Then Moses took the anointing oil and anointed the tabernacle and everything in it, and consecrated them. Ipapo Mozisi akatora mafuta okuzodza akazodza tabhenakeri nezvose zvakanga zvirimo, naizvozvo akazvitsaura.
11 He sprinkled some of it on the altar seven times, anointing the altar, all its utensils, and the basin with its stand, to dedicate them. Akasasa mamwe mafuta paaritari kanomwe, achizodza aritari nemidziyo yayo yose nedhishi nechigadziko charo kuti azvitsaure.
12 He poured some anointing oil on Aaron's head and anointed him to dedicate him. Akadurura mamwe mafuta okuzodza pamusoro waAroni, akamuzodza achimutsaura.
13 Then Moses brought Aaron's sons forward, dressed them in tunics, tied on sashes, and put caps on their heads, as our Father had commanded Moses. Ipapo akauya navanakomana vaAroni mberi, akavapfekedza nguo, akavasunga zviuno namabhanhire akavapfekedza nguwani mumusoro sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
14 He brought the bull of the sin offering, and Aaron and his sons laid their hands on its head. Akazouya nehando yechipiriso chechivi, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wayo.
15 Moses slaughtered it, took the blood, and with his finger applied it to the altar's horns all around, purifying the altar. He poured the rest of the blood at the altar's base and dedicated the altar, making atonement for it. Mozisi akabaya hando akatora rimwe ropa rayo, akariisa panyanga dzose dzearitari kuti achenese aritari. Akadurura rimwe ropa rose mujinga mearitari. Naizvozvo akaitsaura kuti aiyananisire.
16 He took all the fat on the inner organs, the liver's lobe, and the two kidneys with their fat, and burned it on the altar. Mozisi akatora mafuta ose akanga akafukidza nhengo dzomukati, akanga akafukidza chiropa, neitsvo mbiri namafuta adzo, akazvipisa paaritari.
17 But the bull—hide, flesh, and waste—he burned outside the camp, as our Father commanded Moses. Asi hando nedehwe rayo nenyama nezvomukati akazvipisa kunze kwomusasa sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
18 He brought the ram for the burnt offering; Aaron and his sons laid their hands on its head. Akauya zvino negondobwe sechipiriso chinopiswa, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro waro.
19 Moses slaughtered it and threw the blood against the sides of the altar. Ipapo Mozisi akauraya gondobwe akasasa ropa raro paaritari kumativi ose.
20 He cut the ram into pieces and burned the head, the pieces, and the fat. Akacheka gondobwe kuita zvidimbu uye akapisa musoro, zvidimbu namafuta.
21 He washed the inner organs and legs in water, then burned the whole ram on the altar—a burnt offering, a pleasing aroma, a food offering to our Father, as our Father commanded Moses. Akasuka ura namakumbo nemvura uye akapisa gondobwe rose paaritari sechipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
22 He brought the second ram, the ram of ordination, and Aaron and his sons laid their hands on its head. Akauya zvino nerimwe gondobwe, gondobwe rokugadza, uye Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro waro.
23 Moses slaughtered it, took some of its blood, and put it on Aaron's right earlobe, right thumb, and right big toe. Mozisi akauraya gondobwe akatora rimwe ropa raro akariisa pamucheto wenzeve yaAroni yokurudyi napamunwe wake woruoko rwokurudyi napagunwe guru retsoka yake yokurudyi.
24 Moses brought Aaron's sons near and put blood on their right earlobes, thumbs, and big toes, then splashed the rest against the altar's sides. Mozisi akauyawo navanakomana vaAroni mberi akaisa ropa pamucheto wezasi wenzeve dzavo dzokurudyi, paminwe mikuru yamaoko avo okurudyi napazvigunwe zvikuru zvamakumbo avo okurudyi. Akasasa ropa paaritari kumativi ose.
25 He took the fat, the fat tail, all the fat on the intestines, the liver's long lobe, the two kidneys with their fat, and the right thigh. Akatora mafuta, chimuswe chakakora, mafuta ose akafukidza ura, akafukidza chiropa, itsvo mbiri namafuta adzo nechidya chokurudyi.
26 From the basket of unleavened bread before our Father, he took one cake, one oiled cake, and one wafer, and put them on the fat and the right thigh. Ipapo kubva mudengu rechingwa chisina mbiriso raiva pamberi paJehovha, akatora chingwa, keke rakabikwa namafuta nekeke dete, akaisa izvi panzvimbo dzina mafuta pamusoro pebandauko rokurudyi.
27 He put all these in Aaron's and his sons' hands, and waved them as a wave offering before our Father. Akaisa zvose mumaoko aAroni neevanakomana vake uye vakazvininira kuna Jehovha sechipiriso chokuninira.
28 Moses took them from their hands and burned them on the altar with the burnt offering—an ordination offering, a pleasing aroma, a food offering to our Father. Ipapo Mozisi akazvitora kubva mumaoko avo akazvipisa paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa sechipiriso chokugadza, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
29 Moses took the breast and waved it as a wave offering before our Father—Moses's portion from the ram of ordination, as our Father commanded him. Akatorawo chityu, mugove waMozisi pagondobwe rokugadza, akazvininira kuna Jehovha sechipiriso chokuninira sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
30 Moses took some anointing oil and some blood from the altar and sprinkled it on Aaron and his garments, on his sons and their garments. So he consecrated Aaron and his garments, and his sons and their garments with him. Ipapo Mozisi akatora mamwe mafuta okuzodza nerimwe ropa kubva paaritari akarisasa pana Aroni navanakomana vake nenguo dzavo. Saizvozvo, akatsaura Aroni nenguo dzake navanakomana vake nenguo dzavo.
31 Moses told Aaron and his sons, "Boil the meat at the tent of meeting's entrance, eat it there with the bread from the ordination-offering basket, as I commanded: Aaron and his sons will eat it. Ipapo Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, “Bikai nyama pamusuo weTende Rokusangana mugoidyira ipapo nechingwa chomudengu rezvipiriso zvokugadzwa sezvandakarayira ndichiti, ‘Aroni navanakomana vake vanofanira kuchidya.’
32 Whatever is left of the meat and the bread, burn it with fire. Ipapo mugopisa zvose zvasara panyama nechingwa.
33 Do not leave the Tent of Meeting's entrance for seven days, until your ordination days end, for it takes seven days to ordain you. Musabva pamusuo weTende Rokusangana kwamazuva manomwe kusvikira mazuva okugadzwa kwenyu apera, nokuti kugadzwa kwenyu kuchapedza mazuva manomwe.
34 What has been done today, our Father has commanded to be done to make atonement for you. Zvaitwa nhasi zvakarayirwa naJehovha kuti akuyananisirei.
35 Stay at the tent of meeting's entrance day and night, seven days, doing what our Father requires, so you do not die—this is what I was commanded." Munofanira kugara pamusuo weTende Rokusangana usiku namasikati kwamazuva manomwe mugoita zvinoda Jehovha kuti musafe nokuti ndizvo zvandarayirwa.”
36 So Aaron and his sons did everything our Father had commanded through Moses. Saka Aroni navanakomana vake vakaita zvose zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]