Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 On the eighth day Moses called Aaron and his sons and the elders of Israel. Pazuva rorusere Mozisi akadana Aroni navanakomana vake navakuru veIsraeri.
2 He told Aaron, "Take a bull calf for yourself as a sin offering, a ram as a burnt offering, both without defect, and offer them before our Father. Akati kuna Aroni, “Tora hando diki yechipiriso chako chechivi negondobwe rechipiriso chako chinopiswa zvose zvisina kuremara ugouya nazvo kuna Jehovha.
3 Tell the Israelites: Take a male goat for a sin offering, and a yearling calf and lamb, without defect, for a burnt offering. Uti kuvana veIsraeri, ‘Torai nhongo yembudzi yechipiriso chechivi, mhuru negwayana zvose zvine gore uye zvisina kuremara sechipiriso chinopiswa
4 An ox and a ram for a peace offering, to sacrifice before our Father, plus a grain offering mixed with oil—for today our Father will appear to you." nehando negondobwe zvechipiriso chokuwadzana kuti mubayire pamberi paJehovha, pamwe chete nechipiriso chezviyo chakasanganiswa namafuta. Nokuti nhasi Jehovha achazviratidza kwamuri.’ ”
5 They brought what Moses commanded to the tent of meeting's entrance; the whole assembly drew near and stood before our Father. Vakatora zvinhu zvakarayirwa naMozisi vakaenda nazvo mberi kweTende Rokusangana uye ungano yose ikauya ikamira pamberi paJehovha.
6 Moses said, "Do what our Father commanded, so the glory of our Father will appear to you." Ipapo Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha kuti muite kuti kubwinya kwaJehovha kugoratidzwa kwamuri.”
7 Moses told Aaron, "Come to the altar. Offer your sin offering and burnt offering, atone for yourself and the people. Offer the people's offering and atone for them, as our Father commanded." Mozisi akati kuna Aroni, “Uya kuaritari ugobayira chipiriso chako chechivi nechipiriso chako chinopiswa ugozviyananisira iwe navanhu; bayira chipiriso chavanhu ugovayananisira sezvakarayirwa naJehovha.”
8 So Aaron approached the altar and slaughtered the sin-offering calf, which was for himself. Saka Aroni akauya kuaritari akabaya mhuru sechipiriso chechivi chake.
9 Aaron's sons brought him the blood; he dipped his finger in it, put it on the altar's horns, and poured the rest at its base. Vanakomana vake vakauya neropa kwaari akanyika munwe wake muropa akariisa panyanga dzearitari. Rimwe ropa rose akaridururira mujinga mearitari.
10 But he burned the sin offering's fat, kidneys, and liver lobe on the altar, as our Father commanded Moses. Akapisa mafuta, itsvo namafuta akafukidza chiropa kubva pachipiriso chechivi paaritari sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
11 He burned the flesh and the skin with fire outside the camp. Nyama nedehwe akazvipisa kunze kwomusasa.
12 He killed the burnt offering. Aaron's sons handed him the blood, and he splashed it against the altar's sides. Ipapo akabaya chipiriso chinopiswa, uye vanakomana vake vakamutambidza ropa akarisasa paaritari kumativi ose.
13 They handed him the burnt offering in pieces, with the head, and he burned them on the altar. Vakamutambidza chipiriso chinopiswa chidimbu nechidimbu zvichisanganisira musoro akazvipisa paaritari.
14 He washed the intestines and legs, burning them on the altar with the burnt offering. Akasuka ura namakumbo akazvipisa pamusoro pechipiriso chinopiswa paaritari.
15 Then he brought the people's offering: took their sin-offering goat, slaughtered it, and offered it for sin, like the first. Ipapo Aroni akauya nechipiriso chavanhu akatora mbudzi yechipiriso chavanhu chechivi akaiuraya uye akaipa sechipiriso chechivi sezvaakaita neyokutanga.
16 He presented the burnt offering and offered it as prescribed. Akauya nechipiriso chinopiswa akachipa nenzira yakatarwa.
17 He brought the grain offering, took a handful, and burned it on the altar, besides the morning burnt offering. Akauyawo nechipiriso chezviyo, akatora tsama yacho akaipisa paaritari achiwedzera pachipiriso chinopiswa mangwanani.
18 He slaughtered the ox and the ram, the people's peace offering sacrifice, and Aaron's sons brought him the blood, which he threw against the altar's sides. Akabaya hando negondobwe sechipiriso chokuwadzana chavanhu. Vanakomana vake vakamutambidza ropa akarisasa paaritari kumativi ose.
19 But the fat of the ox and ram: the fat tail, fat covering, kidneys, and long liver lobe, Asi mafuta ehando neegondobwe, chimuswe chakakora, fukidziro yamafuta, itsvo nezvinofukidza chiropa,
20 they placed the fat portions on the breasts, and he burned the fat portions on the altar. izvi vakazviisa pazvityu. Aroni akapisa mafuta paaritari.
21 But Aaron waved the breasts and the right thigh as a wave offering before our Father, as Moses had commanded. Aroni akaninira zvityu nebandauko rokurudyi pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira sokurayirwa kwaMozisi.
22 Aaron raised his hands toward the people and blessed them, then came down from making the sin, burnt, and peace offerings. Ipapo Aroni akasimudzira maoko ake kuvanhu akavaropafadza. Apedza kubayira chipiriso chechivi, chipiriso chinopiswa nechipiriso chokuwadzana akaburuka pasi.
23 Moses and Aaron entered the tent of meeting, came out, and blessed the people; the glory of our Father appeared to all the people. Mozisi naAroni vakapinda muTende Rokusangana. Pavakabuda vakaropafadza vanhu, uye kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose.
24 Fire came from our Father's presence and consumed the burnt offering and fat on the altar. All the people saw it, shouted for joy, and fell facedown. Moto wakabuda kubva pamberi paJehovha ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta paaritari. Vanhu vose pavakazviona vakadanidzira nomufaro uye vakawira pasi nezviso zvavo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]